RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Vafudzi vakanaka nevakaipa (1-4)

      • Kugara vakachengeteka vachitungamirirwa “nenhungirwa yakarurama” (5-8)

      • Vaprofita venhema vanoshorwa (9-32)

      • “Mutoro” waJehovha (33-40)

Jeremiya 23:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 10:21; 50:6; Eze 34:2

Jeremiya 23:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 34:5

Jeremiya 23:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 11:11; 35:10; Jer 29:14; 31:8
  • +Jer 50:19; Eze 34:14; Mik 2:12
  • +Dhe 30:3, 5; Amo 9:14; Zek 10:8

Jeremiya 23:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 3:15; Joh 21:15; Mab 20:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 129-130

Jeremiya 23:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemugari wenhaka akarurama.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 11:1; 53:2; Jer 33:15, 16; Zek 3:8; Mt 2:23
  • +Ru 1:32, 33
  • +Isa 9:7; 11:3, 4; 32:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 173

Jeremiya 23:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 10:6
  • +Dhe 33:28; Jer 32:37; Zek 14:11
  • +Isa 54:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 173

Jeremiya 23:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 16:14, 15

Jeremiya 23:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 43:5; Eze 34:13; Zef 3:20

Jeremiya 23:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 3:8, 9; 5:7; 13:27; Eze 22:11
  • +Isa 24:4; Joe 1:10
  • +Jer 12:4

Jeremiya 23:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vapanduka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 28:7; Jer 5:31; 6:13; Eze 22:25; Zef 3:4
  • +2Mak 33:1, 5; 36:14; Jer 7:11; Eze 8:10, 11; 23:39

Jeremiya 23:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 13:16

Jeremiya 23:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 16:46

Jeremiya 23:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Vanosimbisa maoko evanoita.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 29:21, 23
  • +Jer 23:26
  • +Isa 3:9
  • +Ge 18:20; Dhe 32:32; Isa 1:10; Jud 7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, pp. 8-9

Jeremiya 23:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 8:14; 9:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 9

Jeremiya 23:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Vari kuita kuti mutarisire zvinhu zvekunyepa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 27:9; 29:8
  • +Mari 2:14
  • +Jer 14:14; Eze 13:3; 22:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 9

Jeremiya 23:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:10; 6:13, 14; 8:11; Eze 13:10
  • +Mik 3:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 11

Jeremiya 23:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:32; 30:23, 24

Jeremiya 23:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 14:14; 27:15; 29:8, 9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 9

Jeremiya 23:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:4, 5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 11

Jeremiya 23:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 16:7, 13; Zvi 15:3; Amo 9:2; VaH 4:13
  • +Pis 139:7

Jeremiya 23:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 18:20; Jer 27:9; 29:21, 23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 10

Jeremiya 23:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 14:14

Jeremiya 23:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 3:7; 2Mad 21:1, 3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    6/2019, p. 4

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 10

Jeremiya 23:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Jeremiya 23:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:14
  • +VaH 4:12

Jeremiya 23:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 18:20; Jer 14:15; Eze 13:2, 3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/1992, p. 4

Jeremiya 23:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 13:7

Jeremiya 23:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zef 3:4
  • +Jer 7:8; Mari 2:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, p. 10

Jeremiya 23:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mashoko aJehovha akaita semutoro.” Shoko racho rechiHebheru rinoreva zvinhu zviviri: “mutongo waMwari une simba” kana kuti “chinhu chinorema.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 12:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 11

    3/1/1994, p. 12

Jeremiya 23:34

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Aya ndiwo mashoko aJehovha akaita semutoro.”

Jeremiya 23:38

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mashoko aJehovha akaita semutoro.”

Jeremiya 23:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 24:9; 42:18; Mari 5:20; Dha 9:16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, pp. 12-13

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 23:1Jer 10:21; 50:6; Eze 34:2
Jer. 23:2Eze 34:5
Jer. 23:3Isa 11:11; 35:10; Jer 29:14; 31:8
Jer. 23:3Jer 50:19; Eze 34:14; Mik 2:12
Jer. 23:3Dhe 30:3, 5; Amo 9:14; Zek 10:8
Jer. 23:4Jer 3:15; Joh 21:15; Mab 20:28
Jer. 23:5Isa 11:1; 53:2; Jer 33:15, 16; Zek 3:8; Mt 2:23
Jer. 23:5Ru 1:32, 33
Jer. 23:5Isa 9:7; 11:3, 4; 32:1
Jer. 23:6Zek 10:6
Jer. 23:6Dhe 33:28; Jer 32:37; Zek 14:11
Jer. 23:6Isa 54:17
Jer. 23:7Jer 16:14, 15
Jer. 23:8Isa 43:5; Eze 34:13; Zef 3:20
Jer. 23:10Jer 3:8, 9; 5:7; 13:27; Eze 22:11
Jer. 23:10Isa 24:4; Joe 1:10
Jer. 23:10Jer 12:4
Jer. 23:11Isa 28:7; Jer 5:31; 6:13; Eze 22:25; Zef 3:4
Jer. 23:112Mak 33:1, 5; 36:14; Jer 7:11; Eze 8:10, 11; 23:39
Jer. 23:12Jer 13:16
Jer. 23:13Eze 16:46
Jer. 23:14Jer 29:21, 23
Jer. 23:14Jer 23:26
Jer. 23:14Isa 3:9
Jer. 23:14Ge 18:20; Dhe 32:32; Isa 1:10; Jud 7
Jer. 23:15Jer 8:14; 9:15
Jer. 23:16Jer 27:9; 29:8
Jer. 23:16Mari 2:14
Jer. 23:16Jer 14:14; Eze 13:3; 22:28
Jer. 23:17Jer 4:10; 6:13, 14; 8:11; Eze 13:10
Jer. 23:17Mik 3:11
Jer. 23:19Jer 25:32; 30:23, 24
Jer. 23:21Jer 14:14; 27:15; 29:8, 9
Jer. 23:22Jer 25:4, 5
Jer. 23:24Ge 16:7, 13; Zvi 15:3; Amo 9:2; VaH 4:13
Jer. 23:24Pis 139:7
Jer. 23:25Dhe 18:20; Jer 27:9; 29:21, 23
Jer. 23:26Jer 14:14
Jer. 23:27Vat 3:7; 2Mad 21:1, 3
Jer. 23:29Jer 5:14
Jer. 23:29VaH 4:12
Jer. 23:30Dhe 18:20; Jer 14:15; Eze 13:2, 3
Jer. 23:31Eze 13:7
Jer. 23:32Zef 3:4
Jer. 23:32Jer 7:8; Mari 2:14
Jer. 23:33Jer 12:7
Jer. 23:40Jer 24:9; 42:18; Mari 5:20; Dha 9:16
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 23:1-40

Jeremiya

23 “Vane nhamo vafudzi vari kuparadza nekuparadzira makwai emafuro angu!” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+

2 Saka zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro pevafudzi vari kufudza vanhu vangu: “Makaparadzira makwai angu; makaramba muchiaparadzira, uye hamuna kufunga nezvawo.”+

“Saka ndichakurangai nekuda kwezvakaipa zvamakaita,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

3 “Ndichabva ndaunganidza makwai angu akasara kubva kunyika dzese dzandakaaparadzira kwadziri,+ ndoadzosa kumafuro awo,+ uye achabereka owanda.+ 4 Ndichaita kuti ave nevafudzi vachaafudza nemazvo.+ Haazotyizve kana kuvhundutswa, uye hapana richashayikwa,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

5 “Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti Dhavhidhi ave nenhungirwa yakarurama.*+ Uye mambo achatonga+ uye acharatidza njere, achitonga zvakanaka munyika yacho uye achiita kuti muve nekururama.+ 6 Pamazuva ake Judha achaponeswa,+ uye Israeri achagara akachengeteka.+ Achashevedzwa nezita rekuti: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.”+

7 “Zvisinei, mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “pavasingazotizve: ‘NaJehovha mupenyu akabudisa vaIsraeri munyika yeIjipiti!’+ 8 asi vachati, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa uye akadzosa vanhu veimba yaIsraeri kubva kunyika yekuchamhembe nekunyika dzese dzandakanga ndavaparadzira kwadziri.’ Uye ivo vachagara munyika yavo.”+

9 Aya ndiwo mashoko angu kuvaprofita:

Mwoyo wangu uri kurwadziwa kwazvo.

Mapfupa angu ese ari kudedera.

Ndakangofanana nemurume akadhakwa,

Nemurume akurirwa newaini,

Nekuda kwaJehovha uye nekuda kwemashoko ake matsvene.

10 Nekuti nyika yazara nemhombwe;+

Kutukwa kwaita kuti nyika icheme+

Uye kuti mafuro emurenje aome.+

Nzira yavo yakaipa uye vanoshandisa simba ravo zvisina kunaka.

11 “Muprofita nemupristi vasvibiswa.*+

Kunyange muimba yangu chaimo ndakatowana zvakaipa zvavo,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

12 “Saka gwara ravo richatsvedza uye richava nerima;+

Vachasundidzirwa uye vachawa.

Nekuti ndichavaunzira dambudziko

Mugore rekutongwa,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

13 “Ndakaona zvinhu zvisingatarisiki muvaprofita vekuSamariya.+

Zvavanoprofita ndezvaBhaari,

Uye vanoita kuti vanhu vangu vaIsraeri varasike.

14 Uye ndakaona zvinhu zvinosemesa muvaprofita vemuJerusarema.

Vanoita upombwe+ uye vanofamba munhema;+

Vanosimbisa vanhu vanoita* zvakaipa,

Uye havasiyi zvakaipa zvavo.

Kwandiri vese zvavo vaita seSodhomu,+

Uye vagari varo vakaita seGomora.”+

15 Saka zvanzi naJehovha wemauto pamusoro pevaprofita vacho:

“Ndiri kuita kuti vadye kamuti kanovava,

Uye ndiri kuvapa mvura ine muchetura kuti vanwe.+

Nekuti kutsauka kwazara munyika yese kuchibva kuvaprofita vemuJerusarema.”

16 Zvanzi naJehovha wemauto:

“Musateerera mashoko evaprofita vari kukuprofitirai.+

Vari kukunyeperai.*

Vari kukuudzai zviratidzo zviri kubva mumwoyo yavo,+

Kwete mumuromo maJehovha.+

17 Vari kutaura vataurazve nevaya vasingandiremekedzi vachiti,

‘Jehovha ati: “Muchava nerugare.”’+

Uye kumunhu wese anotevera mwoyo wake wakaoma vanoti,

‘Hapana dambudziko richakuwira.’+

18 Nekuti ndiani akamira pane vari pedyo pedyo naJehovha

Kuti aone uye anzwe shoko rake?

Ndiani akateerera shoko rake kuti arinzwe?

19 Inzwai! Dutu raJehovha richabuda nehasha;

Richatenderera pamisoro yevakaipa sechamupupuri chine simba.+

20 Kutsamwa kwaJehovha hakuzodzoki

Kusvikira aita zviri mumwoyo make uye azvipedza.

Muchanyatsozvinzwisisa mumazuva ekupedzisira.

21 Handina kutuma vaprofita vacho, asi ivo vakamhanya.

Handina kutaura navo, asi ivo vakaprofita.+

22 Asi kudai vakanga vamira pane vari pedyo pedyo neni,

Vangadai vakaita kuti vanhu vangu vanzwe mashoko angu

Uye vangadai vakaita kuti vatendeuke panzira yavo yakaipa uye pazvakaipa zvavo.”+

23 “Ndinongova Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “kwete Mwari ari kurewo here?”

24 “Pane murume angahwanda panzvimbo yakavandika yandisingamuoni here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

“Handizadzi denga nenyika here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

25 “Ndanzwa vaprofita vari kuprofita nhema muzita rangu vachiti, ‘Ndarota hope! Ndarota hope!’+ 26 Izvi zvekuprofita nhema zvicharamba zviri mumwoyo yevaprofita ava kusvikira riini? Vanoprofita zvinobva pakunyengera kwemwoyo yavo.+ 27 Vari kuda kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu nehope dzavanoudzana, sekukanganwa kwakaita madzibaba avo zita rangu nemhaka yaBhaari.+ 28 Muprofita arota ngaarondedzere hope dzacho, asi uya ane shoko rangu ngaataure shoko rangu pachokwadi.”

“Mashanga akafanana papi nezviyo?”* ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

29 “Shoko rangu harina kungoita semoto here,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye sesando inopwanya dombo?”+

30 “Saka ndinopesana nevaprofita vacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “vaya vari kubirana mashoko angu.”+

31 “Ndiri kupesana nevaprofita vacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “vaya vanoshandisa rurimi rwavo kuti vati, ‘Azivisa kuti!’”+

32 “Ndiri kupesana nevaprofita vanorota hope dzenhema,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “avo vanodzirondedzera votsausa vanhu vangu nenhema dzavo uye nekuzvirumbidza kwavo.”+

“Asi ini handina kuvatuma kana kuvarayira. Saka hapana kana chavachabatsira vanhu ava,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

33 “Uye vanhu ava kana muprofita kana mupristi pavanokubvunza kuti, ‘Mutoro waJehovha* chii?’ iwe uvapindure kuti, ‘“Ndimi mutoro wacho! Uye ndichakurasai,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’ 34 Kana ari muprofita kana mupristi kana vanhu vanoti, ‘Uyu ndiwo mutoro waJehovha!’* Ndichafunga nezvemurume iyeye uye nezveimba yake. 35 Mumwe nemumwe wenyu ari kuti kune mumwe wake uye kuhama yake, ‘Jehovha apindura kuti chii? Uye Jehovha ataurei?’ 36 Asi musataurazve nezvemutoro waJehovha, nekuti mutoro wacho ishoko rinotaurwa nemumwe nemumwe, uye makachinja mashoko aMwari mupenyu, Jehovha wemauto, Mwari wedu.

37 “Uti kumuprofita wacho, ‘Jehovha akupindurei? Uye Jehovha ataurei? 38 Uye kana mukaramba muchiti, “Mutoro waJehovha!”* zvanzi naJehovha: “Nemhaka yekuti munoti, ‘Shoko iri ndiro mutoro waJehovha,’ pasinei nekuti ndakuudzai kuti, ‘Musati: “Mutoro waJehovha!”’ 39 inzwai, ndichakusimudzai ndokukandai kure neni, imi neguta randakapa madzitateguru enyu. 40 Ndichaunza pamuri kuzvidzwa kusingaperi uye kunyadziswa kusingaperi, zvisingazokanganwiki.”’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe