RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatongi 13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVatongi

      • Ngirozi inouya kuna Manoa nemudzimai wake (1-23)

      • Kuberekwa kwaSamsoni (24, 25)

Vatongi 13:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 2:11, 19; 10:6
  • +Jos 13:1-3; Vat 10:7

Vatongi 13:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 33; 19:41, 48
  • +Ge 49:16
  • +Vat 16:31
  • +Ge 30:22, 23

Vatongi 13:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 18:10; 1Sa 1:20; Ru 1:11, 13

Vatongi 13:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 6:2, 3; Ru 1:15
  • +Re 11:26, 27

Vatongi 13:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kubva muchibereko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 6:2, 5
  • +Vat 2:16; 13:1; Ne 9:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1962

    Nharireyomurindi,

    3/15/2005, p. 25

Vatongi 13:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:17, 18

Vatongi 13:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kubva muchibereko.”

Vatongi 13:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2015, p. 3

    8/15/2013, p. 16

Vatongi 13:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:3

Vatongi 13:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:8

Vatongi 13:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:4

Vatongi 13:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 6:2, 3
  • +Re 11:26, 27

Vatongi 13:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 18:5, 7; Vat 6:18, 19; VaH 13:2

Vatongi 13:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 32:29; Vat 13:6

Vatongi 13:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2013, p. 10

Vatongi 13:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Vatongi 13:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 6:22, 23

Vatongi 13:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 33:20; Joh 1:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/1988, p. 23

Vatongi 13:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:16

Vatongi 13:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:32

Vatongi 13:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 3:9, 10; 6:34; 11:29; 1Sa 11:6
  • +Vat 18:11, 12
  • +Jos 15:20, 33

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Vat. 13:1Vat 2:11, 19; 10:6
Vat. 13:1Jos 13:1-3; Vat 10:7
Vat. 13:2Jos 15:20, 33; 19:41, 48
Vat. 13:2Ge 49:16
Vat. 13:2Vat 16:31
Vat. 13:2Ge 30:22, 23
Vat. 13:3Ge 18:10; 1Sa 1:20; Ru 1:11, 13
Vat. 13:4Nu 6:2, 3; Ru 1:15
Vat. 13:4Re 11:26, 27
Vat. 13:5Nu 6:2, 5
Vat. 13:5Vat 2:16; 13:1; Ne 9:27
Vat. 13:6Vat 13:17, 18
Vat. 13:10Vat 13:3
Vat. 13:12Vat 13:8
Vat. 13:13Vat 13:4
Vat. 13:14Nu 6:2, 3
Vat. 13:14Re 11:26, 27
Vat. 13:15Ge 18:5, 7; Vat 6:18, 19; VaH 13:2
Vat. 13:17Ge 32:29; Vat 13:6
Vat. 13:21Vat 6:22, 23
Vat. 13:22Eks 33:20; Joh 1:18
Vat. 13:23Vat 13:16
Vat. 13:24VaH 11:32
Vat. 13:25Vat 3:9, 10; 6:34; 11:29; 1Sa 11:6
Vat. 13:25Vat 18:11, 12
Vat. 13:25Jos 15:20, 33
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Vatongi 13:1-25

Vatongi

13 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha,+ uye Jehovha akavaisa mumaoko evaFiristiya+ kwemakore 40.

2 Munguva iyi, kwaiva nemumwe murume wekuZora+ wemhuri yevaDhani,+ ainzi Manoa.+ Mudzimai wake akanga asina mbereko, asina mwana.+ 3 Nekufamba kwenguva, ngirozi yaJehovha yakazviratidza kumukadzi wacho ikati kwaari: “Hauna mwana uye hauna mbereko. Asi uchava nepamuviri wobereka mwanakomana.+ 4 Saka iva nechokwadi chekuti hauzonwi waini kana chimwe chinhu chinodhaka,+ uye usadya chero chinhu chisina kuchena.+ 5 Uchava nepamuviri wobereka mwanakomana, uye hapana chisvo chinofanira kuveura musoro wake,+ nekuti mwana wacho achava muNaziri waMwari kubva paanoberekwa,* uye achatungamirira pakuponesa Israeri muruoko rwevaFiristiya.”+

6 Mukadzi wacho akabva aenda akanoudza murume wake kuti: “Munhu waMwari wechokwadi auya kwandiri, uye anga akaita sengirozi yaMwari wechokwadi, achishamisa chaizvo. Handina kumubvunza kuti anga achibva kupi, uye haana kundiudza zita rake.+ 7 Asi ati kwandiri, ‘Uchava nepamuviri wobereka mwanakomana. Saka usanwa waini kana chimwe chinhu chinodhaka, uye usadya chero chinhu chisina kuchena, nekuti mwana wacho achava muNaziri waMwari kubva paanoberekwa* kusvikira pazuva raachafa.’”

8 Manoa akateterera Jehovha achiti: “Jehovha, ndinokumbirawo kuti munhu waMwari wechokwadi wamuchangobva kutuma adzoke zvakare atirayiridze zvatinofanira kuita nemwana achaberekwa.” 9 Saka Mwari wechokwadi akateerera Manoa, uye ngirozi yaMwari wechokwadi yakauyazve kumukadzi wacho paainge akagara mumunda; murume wake Manoa akanga asipo. 10 Mukadzi wacho akabva amhanya akanoudza murume wake kuti: “Murume uya akauya kwandiri zuva riya azviratidza kwandiri.”+

11 Manoa akabva asimuka akaenda nemudzimai wake. Akasvika kwaiva nemurume wacho akati kwaari: “Ndiwe murume akataura nemudzimai wangu here?” Iye akati: “Ndini.” 12 Manoa akabva ati: “Mashoko ako ngaaitike! Mararamiro emwana wacho achange akaita sei uye achaita basa rei?”+ 13 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kuna Manoa: “Mudzimai wako ngaarege zvinhu zvese zvandakamutaurira.+ 14 Haafaniri kudya chinhu chinobva pamuzambiringa, haafaniri kunwa waini kana chero chimwe chinhu chinodhaka,+ uye haafaniri kudya chero chinhu chipi zvacho chisina kuchena.+ Ngaachengete zvinhu zvese zvandakamurayira.”

15 Manoa akabva ati kungirozi yaJehovha: “Tapota, chimbomira kuenda tikugadzirire mbudzi diki.”+ 16 Asi ngirozi yaJehovha yakati kuna Manoa: “Kunyange kana ndikambomira, handizodyi zvekudya zvako; asi kana uchida kupa chibayiro chinopiswa kuna Jehovha, unogona kuchipa hako.” Manoa haana kuziva kuti yaiva ngirozi yaJehovha. 17 Manoa akabva ati kungirozi yaJehovha: “Unonzi ani,+ kuitira kuti tizokukudza kana zvawataura zvaitika?” 18 Zvisinei, ngirozi yaJehovha yakati kwaari: “Nei uchibvunza nezvezita rangu, iro richishamisa?”

19 Manoa akabva atora mbudzi diki nemupiro wezviyo,* akazvipa kuna Jehovha padombo. Uye Mwari akanga achiita zvinoshamisa, Manoa nemudzimai wake vakatarisa. 20 Rimi remoto zvaraikwira kudenga richibva paatari, ngirozi yaJehovha yakakwira iri murimi racho raibva paatari, Manoa nemudzimai wake vakatarisa. Vakabva vazvambarara vakaisa zviso zvavo pasi. 21 Ngirozi yaJehovha haina kuzozviratidzazve kuna Manoa nemudzimai wake. Manoa akabva aziva kuti yaiva ngirozi yaJehovha.+ 22 Manoa akabva ati kumudzimai wake: “Chokwadi tichafa, nekuti taona Mwari.”+ 23 Asi mudzimai wake akati kwaari: “Kudai Jehovha anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira chibayiro chinopiswa+ nemupiro wezviyo wabva muruoko rwedu, angadai asina kutiratidza zvinhu zvese izvi, uye angadai asina kutiudza kana chimwe chezvinhu izvi.”

24 Mukadzi wacho akazobereka mwanakomana, akamutumidza kuti Samsoni;+ uye mukomana wacho paaikura, Jehovha akaramba achimukomborera. 25 Nekufamba kwenguva, mweya waJehovha wakauya paari+ ari muMahane-dhani,+ pakati peZora neEshtaori.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe