RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatongi 15
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVatongi

      • Samsoni anotsiva vaFiristiya (1-20)

Vatongi 15:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muimba yemukati.”

Vatongi 15:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 14:17
  • +Vat 14:11, 20

Vatongi 15:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 14:11, 20
  • +Vat 14:15

Vatongi 15:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 14:4

Vatongi 15:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mumukaha wedombo.”

Vatongi 15:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 23:11, 12

Vatongi 15:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuzosunga.”

Vatongi 15:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kumukaha wedombo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:1

Vatongi 15:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuzokusunga.”

Vatongi 15:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:24, 25; 14:5, 6
  • +Vat 16:9, 12

Vatongi 15:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 3:31

Vatongi 15:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 16:30

Vatongi 15:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Chikomo Cheshaya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 15:9

Vatongi 15:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Chitubu Cheari Kushevedzera.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 17:6

Vatongi 15:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:16; Vat 2:16; 13:1, 5; 16:31; VaH 11:32

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Vat. 15:2Vat 14:17
Vat. 15:2Vat 14:11, 20
Vat. 15:6Vat 14:11, 20
Vat. 15:6Vat 14:15
Vat. 15:7Vat 14:4
Vat. 15:92Sa 23:11, 12
Vat. 15:11Vat 13:1
Vat. 15:14Vat 13:24, 25; 14:5, 6
Vat. 15:14Vat 16:9, 12
Vat. 15:15Vat 3:31
Vat. 15:16Vat 16:30
Vat. 15:17Vat 15:9
Vat. 15:19Eks 17:6
Vat. 15:20Ge 49:16; Vat 2:16; 13:1, 5; 16:31; VaH 11:32
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Vatongi 15:1-20

Vatongi

15 Nekufamba kwenguva, mumazuva ekukohwa gorosi, Samsoni akashanyira mudzimai wake aine mbudzi diki. Akati: “Ndinoda kupinda muimba yekurara* mune mudzimai wangu.” Asi baba vemudzimai wake vakamurambidza kupinda. 2 Baba vacho vakati: “Ndakafunga kuti haumudi.+ Saka ndakamupa muperekedzi wako.+ Munin’ina wake haana kunaka kumupfuura here? Tora zvako iyeye.” 3 Zvisinei, Samsoni akati kwavari: “Iye zvino handingapiwi mhosva nevaFiristiya kana ndikavaitira zvakaipa.”

4 Saka Samsoni akaenda, akabata makava 300. Akabva atora mwenje, akasunganidza miswe yemakava acho achiaita maviri maviri, achiisa mwenje mumwe chete pakati pemiswe miviri yega yega. 5 Akabva abatidza mwenje yacho, akaregedzera makava acho achienda muminda yaiva nezvirimwa zvakanga zvisati zvakohwewa zvevaFiristiya. Akapisa zvinhu zvese nemoto kubvira kuchisote kusvikira kuzvirimwa zvakanga zvisati zvakohwewa, uyewo minda yemizambiringa neminda yemiorivhi.

6 VaFiristiya vakabvunza kuti: “Ndiani aita izvi?” Vakaudzwa kuti: “NdiSamsoni, mukuwasha wemurume wekuTimna, nekuti murume wacho akatora mudzimai waSamsoni, akamupa muperekedzi wake.”+ VaFiristiya vakabva vaenda vakapisa mukadzi wacho nababa vake nemoto.+ 7 Samsoni akabva ati kwavari: “Kana zviri izvo zvamunoita, handisi kuzomira kusvikira ndakutsivai.”+ 8 Akabva auraya vakawanda chaizvo, mumwe pashure pemumwe, achibva aenda, akatanga kugara mubako redombo* reEtamu.

9 Gare gare vaFiristiya vakauya, vakadzika musasa muJudha, uye vaifamba vachipararira muRehi.+ 10 Varume veJudha vakabva vati: “Nei mauya kuzotirwisa?” ivo vakapindura vachiti: “Tauya kuzotora* Samsoni, kuti timuitirewo zvaakatiitira.” 11 Saka varume veJudha 3 000 vakaenda kubako redombo* reEtamu vakati kuna Samsoni: “Hauzivi here kuti vaFiristiya vari kutitonga?+ Saka nei watiitira izvi?” Akabva ati kwavari: “Zvavakandiitira ndizvo zvandakavaitirawo.” 12 Asi vakati kwaari: “Tauya kuzokutora* kuti tikuendese kuvaFiristiya.” Samsoni akabva ati: “Ndipikirei kuti hamuzondirwisi.” 13 Ivo vakati kwaari: “Aiwa, tichangokusunga chete, tokuendesa kwavari, asi hatizokuurayi.”

Saka vakamusunga netambo itsva mbiri vakabva naye kudombo racho. 14 Paakasvika kuRehi, vaFiristiya vakashevedzera nemufaro pavakamuona. Mweya waJehovha wakabva wamupa simba,+ tambo dzaiva mumaoko ake dzikabva dzaita seshinda dzakatsva nemoto, uye zvisungo zvake zvakanyunguduka zvichibva mumaoko ake.+ 15 Akabva awana shaya yedhongi gono rakanga richangofa; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akauraya varume 1 000 nayo.+ 16 Samsoni akabva ati:

“Neshaya yedhongi, ndavaita murwi mumwe chete, mirwi miviri!

Neshaya yedhongi ndauraya varume 1 000.”+

17 Paakapedza kutaura, akabva arasa shaya yacho, akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Ramati-rehi.*+ 18 Akabva ava nenyota kwazvo, uye akashevedzera kuna Jehovha, akati: “Ndimi maita kuti mushumiri wenyu akunde vanhu vakawanda kudai. Iye zvino ndofa nenyota uye ndowira mumaoko evanhu vasina kuchecheudzwa here?” 19 Saka Mwari akatsemura gomba raiva muRehi, mvura ikayerera ichibuda mariri.+ Paakainwa, simba rake rakadzoka, muviri wake ukasimbazve. Ndokusaka akatumidza nzvimbo yacho kuti Eni-hakore,* iyo iri muRehi.

20 Akatonga Israeri mumazuva evaFiristiya kwemakore 20.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe