RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatongi 11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVatongi

      • Mutongi Jefta anodzingwa, asi anozoitwa mutungamiriri (1-11)

      • Jefta anoedza kutaurirana nevaAmoni (12-28)

      • Mhiko yaJefta nemwanasikana wake (29-40)

        • Mwanasikana wake anorarama asina kuroorwa (38-40)

Vatongi 11:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 12:7; 1Sa 12:11; VaH 11:32

Vatongi 11:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2016, p. 6

Vatongi 11:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2007, p. 8

Vatongi 11:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 10:17

Vatongi 11:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 11:2

Vatongi 11:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 10:18

Vatongi 11:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2007, p. 9

Vatongi 11:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “iye anonzwa.”

Vatongi 11:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 10:17; 11:34

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2016, pp. 6-7

Vatongi 11:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Chii kwandiri nekwauri?”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:36, 38

Vatongi 11:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:23, 24
  • +Nu 21:26
  • +Dhe 3:16, 17

Vatongi 11:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:36, 37; Dhe 2:9
  • +Dhe 2:19, 37

Vatongi 11:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 14:25
  • +Nu 20:1

Vatongi 11:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 36:1; Nu 20:14; Dhe 2:4
  • +Ge 19:36, 37
  • +Nu 20:22

Vatongi 11:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:4
  • +Nu 21:11
  • +Nu 21:13

Vatongi 11:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:21-26; Dhe 2:26, 27

Vatongi 11:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 2:32, 33

Vatongi 11:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 13:15, 21

Vatongi 11:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 2:36

Vatongi 11:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 9:22

Vatongi 11:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:7
  • +Eks 23:28; 34:11; Nu 33:53; Dhe 9:5; 18:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2007, p. 9

Vatongi 11:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 22:2, 3; Jos 24:9

Vatongi 11:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:25
  • +Nu 21:26

Vatongi 11:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 33:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2007, p. 9

Vatongi 11:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 3:9, 10; Zek 4:6
  • +Vat 10:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2007, p. 9

Vatongi 11:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 23:21

Vatongi 11:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 1:11
  • +1Sa 1:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2017, p. 4

    Zvidzidzo zvemuBhaibheri, pp. 88-89

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2016, pp. 7-8

    Nharireyomurindi,

    2/15/2008, pp. 7-8

    8/15/2007, p. 19

    5/15/2007, pp. 9-10

    1/15/2005, p. 26

    “Rugwaro Rwose,” p. 49

Vatongi 11:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 10:17; 11:11

Vatongi 11:35

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Wandidzikisa pasi chaizvo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 30:2; Pis 15:4; Mup 5:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2017, p. 4

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2016, pp. 7-8

Vatongi 11:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 11:30, 31

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2016, pp. 8-9

    Nharireyomurindi,

    5/15/2007, p. 10

Vatongi 11:37

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “regai ndinochema neshamwari dzangu nekuti handichazomboroorwi.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2017, p. 4

Vatongi 11:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 1:22, 24

Vatongi 11:40

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2007, p. 10

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Vat. 11:1Vat 12:7; 1Sa 12:11; VaH 11:32
Vat. 11:4Vat 10:17
Vat. 11:7Vat 11:2
Vat. 11:8Vat 10:18
Vat. 11:11Vat 10:17; 11:34
Vat. 11:12Ge 19:36, 38
Vat. 11:13Nu 21:23, 24
Vat. 11:13Nu 21:26
Vat. 11:13Dhe 3:16, 17
Vat. 11:15Ge 19:36, 37; Dhe 2:9
Vat. 11:15Dhe 2:19, 37
Vat. 11:16Nu 14:25
Vat. 11:16Nu 20:1
Vat. 11:17Ge 36:1; Nu 20:14; Dhe 2:4
Vat. 11:17Ge 19:36, 37
Vat. 11:17Nu 20:22
Vat. 11:18Nu 21:4
Vat. 11:18Nu 21:11
Vat. 11:18Nu 21:13
Vat. 11:19Nu 21:21-26; Dhe 2:26, 27
Vat. 11:20Dhe 2:32, 33
Vat. 11:21Jos 13:15, 21
Vat. 11:22Dhe 2:36
Vat. 11:23Ne 9:22
Vat. 11:241Mad 11:7
Vat. 11:24Eks 23:28; 34:11; Nu 33:53; Dhe 9:5; 18:12
Vat. 11:25Nu 22:2, 3; Jos 24:9
Vat. 11:26Nu 21:25
Vat. 11:26Nu 21:26
Vat. 11:27Isa 33:22
Vat. 11:29Vat 3:9, 10; Zek 4:6
Vat. 11:29Vat 10:17
Vat. 11:30Dhe 23:21
Vat. 11:311Sa 1:11
Vat. 11:311Sa 1:24
Vat. 11:34Vat 10:17; 11:11
Vat. 11:35Nu 30:2; Pis 15:4; Mup 5:4
Vat. 11:36Vat 11:30, 31
Vat. 11:391Sa 1:22, 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Vatongi 11:1-40

Vatongi

11 Zvino Jefta+ muGiriyedhi aiva murwi ane simba; aiva mwanakomana wepfambi, uye Giriyedhi ndiye aiva baba vake. 2 Asi mudzimai waGiriyedhi akamuberekerawo vanakomana. Vanakomana vemudzimai wake pavakakura, vakadzinga Jefta, vakati kwaari: “Hauzovi nenhaka muimba yababa vedu, nekuti uri mwanakomana wemumwe mukadzi.” 3 Saka Jefta akatiza vanakomana vababa vake, akanogara munyika yeTobhu. Varume vaiva vasina zvekuita vakabatana naJefta, vakamutevera.

4 Nekufamba kwenguva, vaAmoni vakarwisa vaIsraeri.+ 5 VaAmoni pavakarwisa vaIsraeri, vakuru veGiriyedhi vakabva vangoenda kunotora Jefta kuti adzoke kubva kunyika yeTobhu. 6 Vakati kuna Jefta: “Uya uve mutungamiriri wedu, kuti tirwe nevaAmoni.” 7 Asi Jefta akati kuvakuru veGiriyedhi: “Hamusi imi here maindivenga chaizvo zvekuti makandidzinga muimba yababa vangu?+ Mauyirei kwandiri iye zvino zvamava mudambudziko?” 8 Vakuru veGiriyedhi vakabva vati kuna Jefta: “Ndokusaka tadzoka kwauri. Kana ukaenda nesu kunorwa nevaAmoni, uchabva wava mutungamiriri wedu pavagari vese vemuGiriyedhi.”+ 9 Saka Jefta akati kuvakuru veGiriyedhi: “Kana mukandidzosa kuti ndizorwa nevaAmoni, Jehovha oita kuti ndivakunde, ndichabva ndava mutungamiriri wenyu!” 10 Vakuru veGiriyedhi vakati kuna Jefta: “Jehovha ngaave chapupu* pakati pedu kana tikasaita zvawataura.” 11 Saka Jefta akaenda nevakuru veGiriyedhi, uye vanhu vakamuita mutungamiriri uye mukuru wavo. Jefta akadzokorora mashoko ake ese pamberi paJehovha muMizpa.+

12 Jefta akabva atuma nhume kuna mambo wevaAmoni,+ achiti: “Chii chandakakutadzira* zvawauya kuzorwisa nyika yangu?” 13 Mambo wevaAmoni akati kunhume dzaJefta: “Nekuti vaIsraeri vakatora nyika yangu pavakabuda muIjipiti,+ kubvira kuAnoni+ kusvika kuJabhoki uye kusvika kuJodhani.+ Idzosei murugare.” 14 Asi Jefta akatumazve nhume kuna mambo wevaAmoni 15 kuti dzinoti kwaari:

“Zvanzi naJefta: ‘VaIsraeri havana kutora nyika yevaMoabhi+ nenyika yevaAmoni,+ 16 nekuti pavakabuda muIjipiti, vaIsraeri vakafamba nemurenje kusvika kuGungwa Dzvuku,+ vakazosvika kuKadheshi.+ 17 VaIsraeri vakabva vatuma nhume kuna mambo weEdhomu,+ vachiti: “Tinokumbirawo kupfuura nemunyika yenyu,” asi mambo weEdhomu haana kumbozviteerera. Vakatumirawo shoko kuna mambo weMoabhi,+ asi haana kubvuma. Saka vaIsraeri vakaramba vachigara muKadheshi.+ 18 Pavakafamba nemurenje, vakanyenyeredza nyika yeEdhomu+ nenyika yeMoabhi. Vakaenda vari kumabvazuva kwenyika yeMoabhi+ vakadzika musasa munharaunda yeAnoni; havana kupinda munyika yeMoabhi,+ nekuti Anoni ndiyo yaiva muganhu weMoabhi.

19 “‘Pashure paizvozvo vaIsraeri vakatuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori, aitonga muHeshbhoni, uye vaIsraeri vakati kwaari: “Tinokumbirawo kupfuura nemunyika yenyu kuti tiende kunyika yedu.”+ 20 Asi Sihoni haana kuvimba nevaIsraeri kuti avarege vachipfuura nemunyika yake, saka Sihoni akaunganidza vanhu vake vese, akadzika musasa muJahazi, akarwa nevaIsraeri.+ 21 Jehovha Mwari waIsraeri akabva aisa Sihoni nevanhu vake vese mumaoko evaIsraeri, zvekuti vaIsraeri vakavakunda vakatora nyika yese yevaAmori vaigara munyika iyoyo.+ 22 Saka vakatora nyika yese yevaAmori kubva kuAnoni kusvika kuJabhoki uye kubva kurenje kusvika kuJodhani.+

23 “‘Jehovha Mwari waIsraeri ndiye akadzinga vaAmori pamberi pevanhu vake vaIsraeri,+ saka iwe ungavadzinga here? 24 Iwe hautori zvaunopiwa namwari wako Kemoshi+ here? Isuwo tichadzinga munhu wese anenge adzingwa naJehovha Mwari wedu pamberi pedu.+ 25 Iwe ungapfuura Bharaki+ mwanakomana waZipori, mambo weMoabhi here? Akamboita nharo nevaIsraeri, kana kumborwa navo here? 26 Israeri paaigara muHeshbhoni nemaguta madiki+ akaipoteredza nemuAroeri nemaguta madiki akaipoteredza nemumaguta ese ari pamahombekombe eAnoni kwemakore 300, nei musina kumbobvira maedza kuatora panguva iyoyo kuti ave enyu zvakare?+ 27 Ini handina chandakakutadzira, asi iwe uri kuita zvakaipa pauri kundirwisa. Jehovha iye Mutongi+ ngaatonge nhasi pakati pevaIsraeri nevaAmoni.’”

28 Asi mambo wevaAmoni haana kuda kuteerera shoko raJefta raakamutumira.

29 Mweya waJehovha wakauya pana Jefta,+ akapfuura nemuGiriyedhi nekwaManase achienda kuMizpe yeGiriyedhi,+ uye akabva ikoko akapfuurira kuenda kuvaAmoni.

30 Jefta akabva aita mhiko+ kuna Jehovha achiti: “Kana mukaisa vaAmoni muruoko rwangu, 31 chero munhu anobuda mumba mangu ouya kuzondigamuchira pandinodzoka nerugare ndichibva kuvaAmoni, achava waJehovha,+ uye ndichapa munhu iyeye sechibayiro chinopiswa.”+

32 Saka Jefta akaenda kunorwa nevaAmoni, uye Jehovha akavaisa muruoko rwake. 33 Akauraya vanhu vakawanda chaizvo kubva kuAroeri kusvika kuMiniti, maguta 20, uye kusvika kuAbheri-keramimu. Saka vaAmoni vakakundwa nevaIsraeri.

34 Jefta akazosvika kumba kwake kuMizpa,+ uye mwanasikana wake ndiye akabva auya kuzomugamuchira, achiridza tambureni achitamba! Zvino ndiye aingova mwana wake mumwe chete. Kunze kwake, aiva asina mumwe mwanasikana kana mwanakomana. 35 Paakamuona, akabvarura nguo dzake akati: “Maiwee, mwanasikana wangu kani! Warwadzisa mwoyo wangu,* nekuti ndiwe munhu wandadzinga. Zvino ini ndashama muromo wangu kuna Jehovha, uye handichakwanisi kuchinja.”+

36 Asi akati kwavari: “Baba vangu, kana mashama muromo wenyu kuna Jehovha, ndiitirei sezvamavimbisa,+ sezvo Jehovha atsiva vavengi venyu, vaAmoni.” 37 Akabva ati kuna baba vake: “Ndinongova nechikumbiro ichi: Ndibvumirei kuva ndega kwemwedzi miviri, uye ndibvumirei kuenda kumakomo, uye regai ndicheme umhandara hwangu, ini nevasikana vandinoshamwaridzana navo.”*

38 Ivo vakabva vati: “Enda hako.” Saka vakamurega kuti aende kwemwedzi miviri, uye akaenda kumakomo neshamwari dzake kuti anochema umhandara hwake. 39 Pakapera mwedzi miviri, akadzokera kuna baba vake, vachibva vazadzisa mhiko yavakanga vaita nezvake.+ Mwanasikana wacho haana kumborara nemurume. Uye kubva ipapo muIsraeri makanga mava kugara muchiitwa zvinotevera: 40 Gore negore, vasikana vemuIsraeri vaienda kunorumbidza mwanasikana waJefta muGiriyedhi, mazuva mana pagore.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe