RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 16
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Paseka; Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso (1-8)

      • Mutambo Wemavhiki (9-12)

      • Mutambo Wematumba (13-17)

      • Kugadza vatongi (18-20)

      • Zvinhu zvakanzi zvisashandiswa pakunamata (21, 22)

Dheuteronomi 16:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:14; Re 23:5; Nu 9:2; 28:16; 1VaK 5:7
  • +Eks 34:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), pp. 1948, 2052

Dheuteronomi 16:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 26:17
  • +Eks 12:5, 6; 2Mak 35:7
  • +1Mad 8:29

Dheuteronomi 16:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 13:3; Re 23:6; Nu 28:17; 1VaK 5:8
  • +Eks 12:33
  • +Eks 12:14; 13:8, 9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/1990, pp. 16-17

Dheuteronomi 16:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:15; 13:7
  • +Eks 12:10; 34:25

Dheuteronomi 16:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:3, 6; Nu 9:2, 3; Mt 26:19, 20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/1990, p. 14

Dheuteronomi 16:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:8; 2Mak 35:13
  • +Joh 2:13; 11:55

Dheuteronomi 16:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:16; Re 23:8

Dheuteronomi 16:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:16; 34:22; Re 23:15

Dheuteronomi 16:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 28:26
  • +Dhe 16:17; 1VaK 16:2; 2VaK 8:12

Dheuteronomi 16:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “memagedhi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 12:5-7

Dheuteronomi 16:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:7; Dhe 5:15

Dheuteronomi 16:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:16; Re 23:34; Nu 29:12; Dhe 31:10, 11; Joh 7:2

Dheuteronomi 16:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 12:12; Ne 8:10, 17; Mup 5:18

Dheuteronomi 16:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 23:36, 40; Ne 8:18
  • +Dhe 7:13; 28:8; 30:16
  • +VaF 4:4; 1VaT 5:16

Dheuteronomi 16:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:14, 15
  • +Dhe 16:10
  • +Dhe 16:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    3/2022, p. 24

    Nharireyomurindi,

    3/1/1998, pp. 8-9

    9/15/1995, p. 22

Dheuteronomi 16:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2VaK 8:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 46

    Umambo hwaMwari Huri Kutonga!, pp. 196-197

Dheuteronomi 16:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mumagedhi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 18:25, 26; Dhe 1:16; 2Mak 19:4, 5

Dheuteronomi 16:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:2; Re 19:15
  • +Dhe 1:17
  • +Eks 23:8; 1Sa 12:3; Mup 7:7

Dheuteronomi 16:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mik 6:8

Dheuteronomi 16:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:13

Dheuteronomi 16:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:24; Re 26:1; Dhe 12:3

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 16:1Eks 12:14; Re 23:5; Nu 9:2; 28:16; 1VaK 5:7
Dheut. 16:1Eks 34:18
Dheut. 16:2Mt 26:17
Dheut. 16:2Eks 12:5, 6; 2Mak 35:7
Dheut. 16:21Mad 8:29
Dheut. 16:3Eks 13:3; Re 23:6; Nu 28:17; 1VaK 5:8
Dheut. 16:3Eks 12:33
Dheut. 16:3Eks 12:14; 13:8, 9
Dheut. 16:4Eks 12:15; 13:7
Dheut. 16:4Eks 12:10; 34:25
Dheut. 16:6Eks 12:3, 6; Nu 9:2, 3; Mt 26:19, 20
Dheut. 16:7Eks 12:8; 2Mak 35:13
Dheut. 16:7Joh 2:13; 11:55
Dheut. 16:8Eks 12:16; Re 23:8
Dheut. 16:9Eks 23:16; 34:22; Re 23:15
Dheut. 16:10Nu 28:26
Dheut. 16:10Dhe 16:17; 1VaK 16:2; 2VaK 8:12
Dheut. 16:11Dhe 12:5-7
Dheut. 16:12Eks 3:7; Dhe 5:15
Dheut. 16:13Eks 23:16; Re 23:34; Nu 29:12; Dhe 31:10, 11; Joh 7:2
Dheut. 16:14Dhe 12:12; Ne 8:10, 17; Mup 5:18
Dheut. 16:15Re 23:36, 40; Ne 8:18
Dheut. 16:15Dhe 7:13; 28:8; 30:16
Dheut. 16:15VaF 4:4; 1VaT 5:16
Dheut. 16:16Eks 23:14, 15
Dheut. 16:16Dhe 16:10
Dheut. 16:16Dhe 16:13
Dheut. 16:172VaK 8:12
Dheut. 16:18Eks 18:25, 26; Dhe 1:16; 2Mak 19:4, 5
Dheut. 16:19Eks 23:2; Re 19:15
Dheut. 16:19Dhe 1:17
Dheut. 16:19Eks 23:8; 1Sa 12:3; Mup 7:7
Dheut. 16:20Mik 6:8
Dheut. 16:21Eks 34:13
Dheut. 16:22Eks 23:24; Re 26:1; Dhe 12:3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 16:1-22

Dheuteronomi

16 “Chengeta mwedzi waAbhibhi,* wopemberera Paseka yaJehovha Mwari wako,+ nekuti Jehovha Mwari wako akakubudisa muIjipiti usiku mumwedzi waAbhibhi.+ 2 Uye unofanira kubayira chibayiro chacho chePaseka kuna Jehovha Mwari wako,+ chemakwai nembudzi nechemombe,+ munzvimbo inosarudzwa naJehovha kuti zita rake rigare.+ 3 Usachidya pamwe chete nechinhu chakaiswa mbiriso;+ kwemazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chekutambudzika, nekuti wakabuda munyika yeIjipiti uchimhanya-mhanya.+ Chero bedzi uri mupenyu, unofanira kuita izvi kuti uyeuke zuva rawakabuda munyika yeIjipiti.+ 4 Kwemazuva manomwe, munyika yenyu yese hamufaniri kuonekwa muine mukanyiwa wakavira,+ uye nyama yese yauchabayira manheru pazuva rekutanga haifaniri kurara usiku hwese kusvikira mangwanani.+ 5 Hauzobvumirwi kubayira chibayiro chePaseka muguta rese rese pamaguta auri kupiwa naJehovha Mwari wako. 6 Asi chinofanira kubayirwa kunzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare. Unofanira kubayira chibayiro chacho chePaseka manheru panongovira zuva,+ kana zuva rawakabuda muIjipiti rasvika. 7 Unofanira kuchibika,+ wodyira munzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako,+ uye mangwanani unozodzokera hako kumatende ako. 8 Kwemazuva matanhatu, unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, uye pazuva rechinomwe pachava negungano dzvene rinoitirwa Jehovha Mwari wako. Haufaniri kuita basa.+

9 “Unofanira kuverenga mavhiki manomwe. Unofanira kutanga kuverenga mavhiki acho manomwe kubvira panotanga kupinzwa jeko muzviyo* zvisati zvakohwewa.+ 10 Unofanira kubva wapemberera Mutambo Wemavhiki unoitirwa Jehovha Mwari wako,+ uine mupiro unobva muruoko rwako wekungopawo zvako uchizvidira, uchipa maererano nekukomborerwa kwaunoitwa naJehovha Mwari wako.+ 11 Uye unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe nemwanakomana wako, mwanasikana wako, murandarume wako, murandakadzi wako, muRevhi ari mukati memaguta* ako, mutorwa, nherera, nechirikadzi, vari pakati pako, munzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare.+ 12 Yeuka kuti wakava muranda muIjipiti,+ saka chengeta uye tevedzera mirau iyi.

13 “Unofanira kuchengeta Mutambo Wematumba+ kwemazuva manomwe paunounganidza zvinobva paburiro* rako, uye pamafuta newaini zvaunosvina. 14 Fara panguva yemutambo wako,+ iwe nemwanakomana wako, mwanasikana wako, murandarume wako, murandakadzi wako, muRevhi, mutorwa, nherera, nechirikadzi, vari mukati memaguta ako. 15 Kwemazuva manomwe uchaitira Jehovha Mwari wako mutambo+ munzvimbo inosarudzwa naJehovha, nekuti Jehovha Mwari wako achakomborera zvibereko zvako zvese uye zvese zvaunoita,+ uye uchafara kwazvo.+

16 “Vanhurume vako vese vanofanira kuenda pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachasarudza: paMutambo Wechingwa Chisina Mbiriso,+ paMutambo Wemavhiki,+ nepaMutambo Wematumba,+ uye hapana anofanira kuuya pamberi paJehovha achingova maoko chete. 17 Chipo chinounzwa nemunhu mumwe nemumwe chinofanira kuenderana nechikomborero chaakapiwa naJehovha Mwari wako.+

18 “Unofanira kugadza vatongi+ nevatungamiriri vedzinza rimwe nerimwe mumaguta* ako ese auri kupiwa naJehovha Mwari wako, uye vanofanira kutonga vanhu zvakarurama. 19 Usatonga nyaya zvisina kururama,+ kana kusarura,+ kana kugamuchira chiokomuhomwe,+ nekuti icho chinopofumadza vakachenjera uye chinoita kuti vakarurama vamonyorore mashoko. 20 Unofanira kuramba uchitonga zvakarurama,+ kutonga zvakarurama chete, kuti urambe uchirarama uye utore nyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.

21 “Haufaniri kusima muti chero wemhando ipi zvayo kuti uve bango rinoera*+ pedyo neatari yaJehovha Mwari wako yaunozvigadzirira.

22 “Uyewo usazvigadzirira shongwe inoyera,+ iyo inovengwa naJehovha Mwari wako.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe