Mapisarema
Kumutungamiriri. Mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Pisarema raAsafi.+ Rwiyo.
75 Tinokutendai, haiwa Mwari, tinokutendai;
Zita renyu riri pedyo,+
Uye vanhu vanozivisa mabasa enyu anoshamisa.
2 Munoti: “Pandinotara nguva,
Ndinotonga ndisingasaruri.
3 Pakanyungudutswa nyika uye vagari vayo vese,
Ndini ndakaita kuti mbiru dzayo dzirambe dzakasimba.” (Sera)
4 Ndinoti kune vaya vanozvirumbidza, “Musazvirumbidza,”
Uye kune vakaipa, “Musakwidziridza simba renyu.*
6 Nekuti kukwidziridzwa hakubvi
Kumabvazuva kana kumavirira kana kumaodzanyemba.
Anoderedza mumwe munhu, okwidziridza mumwe.+
Achatoidurura,
Uye vakaipa vese vepanyika vachainwa, kusvikira kumasese acho.”+