RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Bhandi rejira rakanga raora (1-11)

      • Zvirongo zvewaini zvichaputswa (12-14)

      • VaJudha vasingabatsiriki vachatapwa (15-27)

        • “MuKushi angachinja ganda rake here?” (23)

Jeremiya 13:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:19; Zef 3:11

Jeremiya 13:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:15, 16
  • +Jer 6:28

Jeremiya 13:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:5; Dhe 26:18; Pis 135:4
  • +Jer 33:9
  • +Jer 6:17

Jeremiya 13:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 29:9; 51:17; Jer 25:27

Jeremiya 13:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 6:21; Eze 5:10
  • +Eze 7:4; 24:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Swedera Pedyo naJehovha, p. 258

Jeremiya 13:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 59:9

Jeremiya 13:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mweya wangu uchachema uri pawo wega.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 9:1
  • +Pis 100:3

Jeremiya 13:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:12; Jer 22:24, 26

Jeremiya 13:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akombwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:64

Jeremiya 13:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 6:22
  • +Eze 34:8

Jeremiya 13:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 39:1, 2
  • +Jer 6:24; Mik 4:9

Jeremiya 13:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:19; 16:10, 11
  • +Eze 16:37

Jeremiya 13:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “MuItiopiya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 27:22

Jeremiya 13:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:33; Dhe 28:64

Jeremiya 13:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:32
  • +Dhe 32:37, 38; Isa 28:15; Jer 10:14

Jeremiya 13:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mari 1:8; Eze 16:37; 23:29

Jeremiya 13:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chinonyadzisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:20; Eze 16:15
  • +Isa 65:7; Eze 6:13
  • +Eze 24:13

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 13:9Re 26:19; Zef 3:11
Jer. 13:102Mak 36:15, 16
Jer. 13:10Jer 6:28
Jer. 13:11Eks 19:5; Dhe 26:18; Pis 135:4
Jer. 13:11Jer 33:9
Jer. 13:11Jer 6:17
Jer. 13:13Isa 29:9; 51:17; Jer 25:27
Jer. 13:14Jer 6:21; Eze 5:10
Jer. 13:14Eze 7:4; 24:14
Jer. 13:16Isa 59:9
Jer. 13:17Jer 9:1
Jer. 13:17Pis 100:3
Jer. 13:182Mad 24:12; Jer 22:24, 26
Jer. 13:19Dhe 28:64
Jer. 13:20Jer 6:22
Jer. 13:20Eze 34:8
Jer. 13:21Isa 39:1, 2
Jer. 13:21Jer 6:24; Mik 4:9
Jer. 13:22Jer 5:19; 16:10, 11
Jer. 13:22Eze 16:37
Jer. 13:23Zvi 27:22
Jer. 13:24Re 26:33; Dhe 28:64
Jer. 13:25Jer 2:32
Jer. 13:25Dhe 32:37, 38; Isa 28:15; Jer 10:14
Jer. 13:26Mari 1:8; Eze 16:37; 23:29
Jer. 13:27Jer 2:20; Eze 16:15
Jer. 13:27Isa 65:7; Eze 6:13
Jer. 13:27Eze 24:13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 13:1-27

Jeremiya

13 Jehovha akati kwandiri: “Enda unotenga bhandi rejira urisunge muchiuno, asi usarinyika mumvura.” 2 Saka ndakatenga bhandi racho sezvakataurwa naJehovha, ndikarisunga muchiuno. 3 Uye shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri, richiti: 4 “Tora bhandi rawakatenga uye rawakasunga, usimuke uende kuna Yufratesi urivige ikoko mumukaha wedombo.” 5 Saka ndakaenda ndikariviga pedyo naYufratesi, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha.

6 Asi kwapera mazuva mazhinji, Jehovha akati kwandiri: “Simuka uende kuRwizi rwaYufratesi unotora bhandi randakakurayira kuti uvige ikoko.” 7 Saka ndakaenda kuna Yufratesi ndikachera bhandi racho ndikaritora pandakanga ndariviga, uye ndakaona kuti rakanga raora, risingachabatsiri zvachose.

8 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 9 “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichaita kuti kuzvikudza kweJudha nekuzvikudza kukuru kweJerusarema kuitewo saizvozvi.+ 10 Vanhu ava vakaipa, uye vanoramba kuteerera mashoko angu,+ vachiomesa misoro vachitevera mwoyo yavo,+ uye vachitevera vamwe vanamwari, vachivashumira uye vachivakotamira, saka vachaitawo sebhandi iri risingachabatsiri zvachose.’ 11 ‘Nekuti sekunamatira kunoita bhandi muchiuno chemunhu, ndakaitawo kuti imba yese yaIsraeri neimba yese yaJudha dzinamatire kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kuti vave kwandiri rudzi,+ zita,+ kurumbidzwa uye chinhu chakanaka. Asi havana kuteerera.’+

12 “Uye unofanirawo kuvaudza shoko iri rekuti, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: “Makate ese anofanira kuzadzwa waini.”’ Uye ivo vachakupindura vachiti, ‘Hatizvizivi nechekare here kuti makate ese anofanira kuzadzwa waini?’ 13 Ubve wati kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndichadhakisa newaini vagari vese vemunyika ino,+ madzimambo anogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi, vapristi nevaprofita, nevagari vese vemuJerusarema. 14 Ndichavadhumanisa, vanababa nevanakomana saizvozvo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+ “Handizonzwi tsitsi, kana kusuruvara, uye handizovanzwiri ngoni; hapana chichaita kuti ndirege kuvaparadza.”’+

15 Inzwai muteerere.

Musazvikudza, nekuti Jehovha ataura.

16 Kudzai Jehovha Mwari wenyu

Asati aunza rima

Uye tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa mumakomo panguva yerubvunzavaeni.

Muchatarisira chiedza,

Asi iye achaunza rima guru;

Achachinja chiedza chacho kuita rima gobvu.+

17 Uye kana mukaramba kuteerera,

Ndichachema ndiri pangu ndega* nemhaka yekuzvikudza kwenyu.

Ndichabudisa misodzi yakawanda, uye maziso angu achayerera misodzi,+

Nekuti boka rezvipfuwo zvaJehovha+ rapambwa.

18 Udza mambo naamai vake+ kuti, ‘Garai munzvimbo yakaderera,

Nekuti korona yenyu yakanaka ichadonha kubva mumusoro menyu.’

19 Maguta ekumaodzanyemba avharwa,* uye hapana anoavhura.

Judha wese atapwa, hapana asara.+

20 Simudza musoro uone vaya vari kubva kuchamhembe.+

Zvipfuwo zvawakapiwa zviri kupi, iwo makwai ako akanaka?+

21 Uchati chii paucharangwa

Neshamwari dzako dzepedyo dzawakava nadzo kubvira pakutanga?+

Hauzovi nemarwadzo akaita seemukadzi ari kusununguka here?+

22 Uye paunoti mumwoyo mako, ‘Nei zvinhu izvi zvandiwira?’+

Kukanganisa kwako kukuru ndiko kwaita kuti nguo yako ifukurwe nechekuzasi+

Uye kuti zvitsitsinho zvako zvirwadziswe.

23 MuKushi* angachinja ganda rake here, kana mbada mavara ayo here?+

Kana izvozvo zvichikwanisika, saka imi munogonawo kuita zvakanaka,

Imi vakadzidziswa kuita zvakaipa.

24 Saka ndichavaparadzira semashanga ari kupeperetswa nemhepo yemugwenga.+

25 Uyu ndiwo mugove wako, chikamu chako chandakakuyerera,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Nekuti wandikanganwa+ uye unovimba nenhema.+

26 Saka ndichafukurira nguo yako kuchiso chako,

Uye kushama kwako kuchaonekwa,+

27 Iwo mabasa ako eupombwe+ nekuchema kwako sekwebhiza riri kuda mukono,

Nechipfambi chako chakanyanyisa.*

Ndakaona maitiro ako anosemesa

Muzvikomo nemusango.+

Une nhamo haiwa Jerusarema!

Ucharamba usina kuchena kusvikira riini?”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe