RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Judha anoputsa sungano yaakaita naMwari (1-17)

        • Vanamwari vakawanda semaguta (13)

      • Jeremiya anofananidzwa negwayana riri kuendeswa kunourayiwa (18-20)

      • Jeremiya anopikiswa nevarume vemuguta rake (21-23)

Jeremiya 11:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvinoratidza sekuti pari kureva Jeremiya.

Jeremiya 11:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 27:26; 28:15

Jeremiya 11:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 24:3
  • +Eks 13:3; Dhe 4:20
  • +Re 26:3, 12

Jeremiya 11:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ngazviitike.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:18; Eks 3:8; Re 20:24; Dhe 6:3

Jeremiya 11:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndichimukira mangwanani ndichiarayira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:13; 25:4; 35:15

Jeremiya 11:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 65:2; Jer 7:24, 26; Eze 20:8; Zek 7:11, 12

Jeremiya 11:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 2:11, 17; 1Sa 8:8; 2Mad 22:17
  • +2Mak 28:22, 23
  • +Dhe 31:16; 2Mad 17:6, 7; Ho 6:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 9

Jeremiya 11:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:16; Jer 6:19; Eze 7:5
  • +Isa 1:15; Jer 14:12; Eze 8:18; Mik 3:4

Jeremiya 11:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kukwidzira utsi hwezvibayiro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:37, 38; Jer 2:28

Jeremiya 11:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:9, 10

Jeremiya 11:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Jeremiya.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:16; 14:11

Jeremiya 11:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, zvibayiro zvaipiwa mutemberi.

Jeremiya 11:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:2; Jer 2:21
  • +Jer 19:5, 15

Jeremiya 11:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 18:18

Jeremiya 11:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “itsvo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 28:9; Jer 17:10; 20:12

Jeremiya 11:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kutsvaga mweya wako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 1:1
  • +Isa 30:10; Amo 2:12; 7:16

Jeremiya 11:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:17; Mari 2:21
  • +Jer 18:21

Jeremiya 11:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 21:8, 18

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 11:3Dhe 27:26; 28:15
Jer. 11:4Eks 24:3
Jer. 11:4Eks 13:3; Dhe 4:20
Jer. 11:4Re 26:3, 12
Jer. 11:5Ge 15:18; Eks 3:8; Re 20:24; Dhe 6:3
Jer. 11:7Jer 7:13; 25:4; 35:15
Jer. 11:8Isa 65:2; Jer 7:24, 26; Eze 20:8; Zek 7:11, 12
Jer. 11:10Vat 2:11, 17; 1Sa 8:8; 2Mad 22:17
Jer. 11:102Mak 28:22, 23
Jer. 11:10Dhe 31:16; 2Mad 17:6, 7; Ho 6:7
Jer. 11:112Mad 22:16; Jer 6:19; Eze 7:5
Jer. 11:11Isa 1:15; Jer 14:12; Eze 8:18; Mik 3:4
Jer. 11:12Dhe 32:37, 38; Jer 2:28
Jer. 11:13Jer 7:9, 10
Jer. 11:14Jer 7:16; 14:11
Jer. 11:17Isa 5:2; Jer 2:21
Jer. 11:17Jer 19:5, 15
Jer. 11:19Jer 18:18
Jer. 11:201Mak 28:9; Jer 17:10; 20:12
Jer. 11:21Jer 1:1
Jer. 11:21Isa 30:10; Amo 2:12; 7:16
Jer. 11:222Mak 36:17; Mari 2:21
Jer. 11:22Jer 18:21
Jer. 11:23Jos 21:8, 18
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 11:1-23

Jeremiya

11 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti: 2 “Inzwai mashoko esungano iyi imi vanhu!

“Ataure* kuvarume veJudha nekuvagari vemuJerusarema 3 uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: “Munhu asingateereri mashoko esungano iyi ngaatukwe,+ 4 ayo andakarayira madzitateguru enyu pazuva randakaabudisa munyika yeIjipiti,+ muchoto chinonyungudutsirwa simbi,+ ndichiti, ‘Teererai inzwi rangu, uye itai zvinhu zvese zvandinokurayirai; muchava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wenyu,+ 5 kuti ndizadzise mhiko yandakapikira madzitateguru enyu, yekuti ndiape nyika inoyerera uchi nemukaka,+ sezvazviri nhasi.’”’”

Ndakabva ndapindura kuti: “Ameni,* haiwa Jehovha.”

6 Jehovha akabva ati kwandiri: “Zivisa mashoko aya ese mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema uchiti: ‘Inzwai, mashoko esungano iyi, muaite. 7 Nekuti ndakarayira zvakasimba madzitateguru enyu pazuva randakaabudisa munyika yeIjipiti kusvikira nhasi, ndichiarayira ndaarayirazve* ndichiti: “Teererai inzwi rangu.”+ 8 Asi havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo; mumwe nemumwe akatoramba achiomesa musoro achitevera mwoyo wake wakaipa.+ Saka ndakavaunzira mashoko ese esungano ino andakavarayira kuti vaite, asi vakaramba kuaita.’”

9 Jehovha akabva ati kwandiri: “Varume veJudha nevagari vemuJerusarema vari kufurirana kuita zvakaipa. 10 Vakadzokera kuzvikanganiso zvemadzitateguru avo ekare, ayo akaramba kuteerera mashoko angu.+ Naivowo vakatevera vamwe vanamwari, vakavashumira.+ Imba yaIsraeri neimba yaJudha dzakaputsa sungano yangu yandakaita nemadzitateguru avo.+ 11 Saka zvanzi naJehovha, ‘Onai ndiri kuunza dambudziko pavari,+ ravasingazogoni kutiza. Pavanoshevedzera kwandiri kuti ndivabatsire, handizovateereri.+ 12 Vanhu vemumaguta eJudha nevagari vemuJerusarema vachabva vaenda kuna vanamwari vavari kupa zvibayiro* vokumbira kuti vabatsirwe,+ asi havasi kuzombovaponesa panguva yedambudziko ravo. 13 Nekuti vanamwari vako vawanda semaguta ako, haiwa iwe Judha, uye wakavaka atari dzamwari anonyadzisa dzakawanda semigwagwa yeJerusarema, kuti upire zvibayiro kuna Bhaari.’+

14 “Asi iwe* usanyengeterera vanhu ava. Usavachemera kwandiri kana kuvanyengeterera,+ nekuti handizoteereri pavachashevedzera kwandiri pamusoro pedambudziko ravo.

15 Mudiwa wangu ane kodzero yekuva mumba mangu here,

Ipo paine vanhu vakawanda kudai vakaita zvinhu zvakaipa zvavakaruka?

Vachaita kuti nyama tsvene* ivhariridze dambudziko parichauya pauri here?

Uchapembera nemufaro panguva iyoyo here?

16 Jehovha aimbokushevedza kuti muorivhi wakasvibirira,

Wakanaka uye une michero yakanaka.

Nekutinhira kukuru, akautungidza nemoto,

Uye vakatyora mapazi awo.

17 “Jehovha wemauto, Mudyari wako,+ azivisa kuti dambudziko richauya pauri nemhaka yezvakaipa zvakaitwa neimba yaIsraeri neimba yaJudha, idzo dzakandigumbura nekupa zvibayiro kuna Bhaari.”+

18 Jehovha akandiudza kuti ndizive;

Panguva iyoyo makaita kuti ndione zvavaiita.

19 Ndakanga ndakaita segwayana rakapfava riri kuendeswa kunourayiwa.

Handina kuziva kuti vaindirongera vachiti:+

“Ngatiparadzei muti nemichero yawo,

Uye ngatimubvisei panyika yevapenyu,

Kuti zita rake risayeukwa zvakare.”

20 Asi Jehovha wemauto anotonga nekururama;

Anoongorora pfungwa dzakadzama* uye mwoyo.+

Itai kuti ndione muchivatsiva,

Nekuti ndakaisa nyaya yangu kwamuri.

21 Saka zvanzi naJehovha kuvarume vekuAnatoti+ vari kutsvaga kukuuraya* uye vari kuti: “Usaprofita uchishandisa zita raJehovha,+ kuti tirege kukuuraya”; 22 zvanzi naJehovha wemauto: “Ndichaita kuti vazvidavirire. Majaya achaurayiwa nebakatwa+ uye vanakomana vavo nevanasikana vavo vachafa nenzara.+ 23 Hapana kunyange nevashoma vachasara pakati pavo, nekuti ndichaunza dambudziko pavarume vekuAnatoti,+ gore ravachaitwa kuti vazvidavirire.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe