RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 46
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Jakobho nemhuri yake vanotamira kuIjipiti (1-7)

      • Mazita evaya vakatamira kuIjipiti (8-27)

      • Josefa anoonana naJakobho kuGosheni (28-34)

Genesisi 46:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vese vaiva vake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:31
  • +Ge 31:42; Eks 3:6

Genesisi 46:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:13
  • +Ge 12:1, 2; Eks 1:7; Dhe 26:5

Genesisi 46:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti achavhara maziso aJakobho paanofa.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:16; 28:15; 47:29, 30; 50:13
  • +Ge 50:1

Genesisi 46:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 1:1-4
  • +Ge 35:23; 1Mak 5:1

Genesisi 46:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 26:5, 6

Genesisi 46:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:33
  • +Nu 26:12, 13; 1Mak 4:24

Genesisi 46:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:34
  • +1Mak 6:16

Genesisi 46:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:35; Zva 5:5
  • +Ge 38:2-5
  • +Ru 3:23, 33
  • +Ge 38:30
  • +Ge 38:7, 9, 10
  • +Nu 26:21; 1Mak 2:5

Genesisi 46:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 26:23, 24; 1Mak 7:1

Genesisi 46:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:20
  • +Nu 26:26

Genesisi 46:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya 33.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:21

Genesisi 46:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:11
  • +Nu 26:15-17

Genesisi 46:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:13
  • +Nu 26:44, 45

Genesisi 46:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya 16.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:24

Genesisi 46:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:24
  • +Ge 35:18

Genesisi 46:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Herioporisi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:51
  • +Ge 41:52
  • +Ge 41:50

Genesisi 46:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 7:6
  • +1Mak 8:1, 3
  • +1Mak 7:12
  • +Nu 26:38-40

Genesisi 46:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya 14.”

Genesisi 46:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Vanakomana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:6
  • +Nu 26:42

Genesisi 46:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:8
  • +Nu 26:48, 49

Genesisi 46:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya 7.”

Genesisi 46:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:10, 11

Genesisi 46:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya miviri.”

  • *

    Kana kuti “mweya 70.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 1:5; Dhe 10:22; Mab 7:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/2002, p. 27

Genesisi 46:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:8; 44:18
  • +Ge 45:10; 47:1

Genesisi 46:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akawira pamutsipa wavo.”

  • *

    Kana kuti “akaramba achichema ari pamutsipa wavo.”

Genesisi 46:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:39, 40
  • +Ge 45:19; Mab 7:13

Genesisi 46:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:17, 18; 47:3
  • +Ge 31:38
  • +Ge 46:6

Genesisi 46:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:35, 36
  • +Ge 45:17, 18; 47:27
  • +Ge 43:32

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 46:1Ge 21:31
Gen. 46:1Ge 31:42; Eks 3:6
Gen. 46:3Ge 28:13
Gen. 46:3Ge 12:1, 2; Eks 1:7; Dhe 26:5
Gen. 46:4Ge 15:16; 28:15; 47:29, 30; 50:13
Gen. 46:4Ge 50:1
Gen. 46:8Eks 1:1-4
Gen. 46:8Ge 35:23; 1Mak 5:1
Gen. 46:9Nu 26:5, 6
Gen. 46:10Ge 29:33
Gen. 46:10Nu 26:12, 13; 1Mak 4:24
Gen. 46:11Ge 29:34
Gen. 46:111Mak 6:16
Gen. 46:12Ge 29:35; Zva 5:5
Gen. 46:12Ge 38:2-5
Gen. 46:12Ru 3:23, 33
Gen. 46:12Ge 38:30
Gen. 46:12Ge 38:7, 9, 10
Gen. 46:12Nu 26:21; 1Mak 2:5
Gen. 46:13Nu 26:23, 24; 1Mak 7:1
Gen. 46:14Ge 30:20
Gen. 46:14Nu 26:26
Gen. 46:15Ge 30:21
Gen. 46:16Ge 30:11
Gen. 46:16Nu 26:15-17
Gen. 46:17Ge 30:13
Gen. 46:17Nu 26:44, 45
Gen. 46:18Ge 29:24
Gen. 46:19Ge 30:24
Gen. 46:19Ge 35:18
Gen. 46:20Ge 41:51
Gen. 46:20Ge 41:52
Gen. 46:20Ge 41:50
Gen. 46:211Mak 7:6
Gen. 46:211Mak 8:1, 3
Gen. 46:211Mak 7:12
Gen. 46:21Nu 26:38-40
Gen. 46:23Ge 30:6
Gen. 46:23Nu 26:42
Gen. 46:24Ge 30:8
Gen. 46:24Nu 26:48, 49
Gen. 46:26Ge 35:10, 11
Gen. 46:27Eks 1:5; Dhe 10:22; Mab 7:14
Gen. 46:28Ge 43:8; 44:18
Gen. 46:28Ge 45:10; 47:1
Gen. 46:31Ge 41:39, 40
Gen. 46:31Ge 45:19; Mab 7:13
Gen. 46:32Ge 31:17, 18; 47:3
Gen. 46:32Ge 31:38
Gen. 46:32Ge 46:6
Gen. 46:34Ge 30:35, 36
Gen. 46:34Ge 45:17, 18; 47:27
Gen. 46:34Ge 43:32
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 46:1-34

Genesisi

46 Saka Israeri akatora zvese zvaaiva nazvo,* ndokupinda munzira. Paakasvika kuBheeri-shebha,+ akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka.+ 2 Mwari akabva azviratidza kuna Israeri usiku akati: “Jakobho, Jakobho!” iye akapindura kuti: “Ndiri pano!” 3 Akati: “Ndini Mwari wechokwadi, Mwari wababa vako.+ Usatya kuenda kuIjipiti, nekuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko.+ 4 Ini pachangu ndini ndichaenda newe kuIjipiti uye ndini ndichakudzosa kubva ikoko,+ uye Josefa achabata maziso ako.”*+

5 Jakobho akazosimuka muBheeri-shebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatakura baba vavo Jakobho nevana vavo nemadzimai avo mungoro dzakanga dzatumirwa naFarao kuti dzivatakure. 6 Vakaenda nezvipfuwo zvavo nezvinhu zvavo zvavakanga vaunganidza munyika yeKenani. Saka Jakobho nemhuri yake yese yaaiva nayo vakasvika kuIjipiti. 7 Akauya muIjipiti nevanakomana vake, nevanasikana vake, nevazukuru vake vese, mhuri yake yese.

8 Aya ndiwo mazita evanakomana vaIsraeri, kureva vanakomana vaJakobho, vakauya muIjipiti:+ Dangwe raJakobho raiva Rubheni.+

9 Vanakomana vaRubheni vaiva Hanoki, Paru, Hezroni, naKami.+

10 Vanakomana vaSimiyoni+ vaiva Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari, naShauri+ mwanakomana wemukadzi wechiKenani.

11 Vanakomana vaRevhi+ vaiva Geshoni, Kohati, naMerari.+

12 Vanakomana vaJudha+ vaiva Ere, Onani, Shera,+ Perezi,+ naZera.+ Asi Ere naOnani vakafira munyika yeKenani.+

Vanakomana vaPerezi vaiva Hezroni naHamuri.+

13 Vanakomana vaIsakari vaiva Tora, Puvha, Yobhu, naShimroni.+

14 Vanakomana vaZebhuroni+ vaiva Seredhi, Eroni, naJareeri.+

15 Ava ndivo vanakomana vaReya, vaakaberekera Jakobho muPadhani-aramu, pamwe chete nemwanasikana wake Dhina.+ Vanakomana vake nevanasikana vake vese vaiva 33.*

16 Vanakomana vaGadhi+ vaiva Zifioni, Hagi, Shuni, Ezbhoni, Erai, Arodhi, naAreri.+

17 Vanakomana vaAsheri+ vaiva Imnaa, Ishvha, Ishvhi, naBheria, uye hanzvadzi yavo yainzi Sera.

Vanakomana vaBheria vaiva Hebheri naMarikieri.+

18 Ava ndivo vanakomana vaZiripa,+ uyo Rabhani akapa mwanasikana wake Reya. Akaberekera Jakobho ivava: vese vanosvika 16.*

19 Vanakomana vaRakeri, mudzimai waJakobho, vaiva Josefa+ naBhenjamini.+

20 Josefa akaberekerwa Manase+ naEfremu+ munyika yeIjipiti, nemudzimai wake Asenati+ mwanasikana waPotifera mupristi weOni.*

21 Vanakomana vaBhenjamini+ vaiva Bhira, Bhekeri, Ashbheri, Gera,+ Naamani, Ehi, Roshi, Mupimu, Hupimu,+ naAdhi.+

22 Ava ndivo vanakomana vaRakeri vakaberekerwa Jakobho: vese vaiva 14.*

23 Mwanakomana* waDhani+ aiva Hushimu.+

24 Vanakomana vaNaftari+ vaiva Jazeeri, Guni, Jezeri, naShiremu.+

25 Ava ndivo vanakomana vaBhiriha, uyo Rabhani akapa mwanasikana wake Rakeri. Akaberekera Jakobho ivava: vese vaiva 7.*

26 Vana vese nevazukuru vaJakobho vaakauya navo muIjipiti, tisingabatanidzi madzimai evanakomana vaJakobho, vaiva 66.+ 27 Vanakomana vaJosefa vaakabereka muIjipiti vaiva vaviri.* Vanhu vese veimba yaJakobho vakauya kuIjipiti vaiva 70.*+

28 Jakobho akatuma Judha+ kuti anoudza Josefa kuti akanga ari munzira kuenda kuGosheni. Pavakasvika munyika yeGosheni,+ 29 Josefa akaita kuti ngoro yake isungwe, ndokuenda kunosangana nababa vake Israeri kuGosheni. Paakaonana navo, akabva avambundira,* akachema kwenguva refu.* 30 Israeri akabva ati kuna Josefa: “Iye zvino ndikachifa zvangu hazvina mhosva; ndaona chiso chako uye ndava kuziva kuti uchiri mupenyu.”

31 Josefa akabva ati kuvana vababa vake nemhuri yese yababa vake: “Regai ndiende ndinoudza Farao+ kuti, ‘Vana vababa vangu nemhuri yese yababa vangu vaiva munyika yeKenani vauya kuno.+ 32 Varume vacho vafudzi vemakwai+ uye vanochengeta zvimwe zvipfuwo,+ uye vauya nemakwai avo nemombe dzavo nezvese zvavainazvo.’+ 33 Pamuchashevedzwa naFarao okubvunzai kuti, ‘Munoita basa rei?’ 34 pindurai kuti, ‘Varanda venyu vachengeti vezvipfuwo kubvira vachiri vadiki, isu nemadzitateguru edu,’+ kuitira kuti mugare munyika yeGosheni,+ nekuti vaIjipiti vanosema vanhu vese vanofudza makwai.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe