RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nehemiya 6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raNehemiya

      • Basa rekuvakazve rinoramba richipikiswa (1-14)

      • Rusvingo runopera mumazuva 52 (15-19)

Nehemiya 6:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 2:10; 4:3
  • +Ne 2:19; 4:7
  • +Dha 9:25
  • +Ne 3:1, 3

Nehemiya 6:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 8:12; Ne 11:31, 35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2007, p. 30

Nehemiya 6:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2007, p. 30

    2/1/2006, p. 9

Nehemiya 6:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 2:19
  • +Ezr 4:14, 15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2007, p. 30

Nehemiya 6:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mumwoyo mako.”

Nehemiya 6:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 4:4
  • +Pis 68:35; 138:3; Isa 41:10

Nehemiya 6:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2007, p. 30

Nehemiya 6:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 1:51; 18:7; 2Mak 26:18, 19

Nehemiya 6:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 2:10

Nehemiya 6:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 4:3, 4

Nehemiya 6:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), pp. 1954, 2052

Nehemiya 6:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 4:7; Pis 129:5

Nehemiya 6:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 5:7

Nehemiya 6:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 2:1, 5
  • +Ne 3:4

Nehemiya 6:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 6:9, 10, 13

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Neh. 6:1Ne 2:10; 4:3
Neh. 6:1Ne 2:19; 4:7
Neh. 6:1Dha 9:25
Neh. 6:1Ne 3:1, 3
Neh. 6:21Mak 8:12; Ne 11:31, 35
Neh. 6:6Ne 2:19
Neh. 6:6Ezr 4:14, 15
Neh. 6:9Ezr 4:4
Neh. 6:9Pis 68:35; 138:3; Isa 41:10
Neh. 6:11Nu 1:51; 18:7; 2Mak 26:18, 19
Neh. 6:12Ne 2:10
Neh. 6:14Ne 4:3, 4
Neh. 6:16Ne 4:7; Pis 129:5
Neh. 6:17Ne 5:7
Neh. 6:18Ezr 2:1, 5
Neh. 6:18Ne 3:4
Neh. 6:19Ne 6:9, 10, 13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Nehemiya 6:1-19

Nehemiya

6 Sanibharati, Tobhiya,+ Geshemu muArabhiya,+ nevamwe vavengi vedu vese pavakangoudzwa kuti ndakanga ndavakazve rusvingo+ uye kuti pakanga pasisina pakaputsika (kunyange zvazvo kusvikira panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa masuo pamagedhi),+ 2 Sanibharati naGeshemu vakabva vanditumira shoko vachiti: “Ngatironge nguva yekuti tionane mumisha iri muBani reOno.”+ Asi ivo vaironga kundikuvadza. 3 Saka ndakatuma nhume kwavari, ndichiti: “Basa randiri kuita iguru, uye handikwanisi kudzika ikoko. Ndingasiya basa richimira ndichiuya ikoko here?” 4 Vakanditumira shoko rimwe chetero kanokwana kana, asi ndaingovapa mhinduro imwe chete.

5 Sanibharati akazotuma mushandi wake kwandiri neshoko rimwe chete iroro kechishanu, aine tsamba yakavhurika muruoko rwake. 6 Yakanga yakanyorwa kuti: “Marudzi akanzwa nezvazvo, uye Geshemu+ ari kuzvitaurawo, kuti iwe nevaJudha muri kuronga kupanduka.+ Ndokusaka uri kuvaka rusvingo; uye zviri kunzi uchava mambo wavo. 7 Wakatogadzawo vaprofita kuti vazivise nezvako muJerusarema rese, vachiti, ‘MuJudha muna mambo!’ Mambo achaudzwa zvinhu izvi. Saka huya titaure nezvenyaya iyi.”

8 Zvisinei, ndakamutumira mhinduro iyi: “Zvinhu zvauri kutaura hazvina kumboitika; uri kungotaurawo zvauri kuruka mumusoro mako.”* 9 Nekuti vese vaiedza kutityisidzira, vachiti: “Maoko avo achaneta pabasa racho, uye harizoitwi.”+ Saka ndinonyengetera kuti musimbise maoko angu.+

10 Ndakabva ndaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya mwanakomana waMehetabheri uyo akanga akazvivharira ikoko. Iye akati: “Ngatirongei nguva yekusangana paimba yaMwari wechokwadi, mutemberi, tovhara masuo etemberi, nekuti vari kuuya kuzokuuraya. Vari kuuya kuzokuuraya usiku.” 11 Asi ndakati: “Munhu akaita seni angatiza here? Munhu akaita seni angapinda mutemberi akararama here?+ Handisi kuzopinda!” 12 Ndakabva ndaziva kuti akanga asina kutumwa naMwari, asi kuti Tobhiya naSanibharati+ ndivo vakanga vamutenga kuti ataure uprofita uhwu kwandiri. 13 Akanga atengwa kuti andityisidzire uye kuti aite kuti nditadze, vobva vawana zvikonzero zvekusvibisa zita rangu, ndozvidzwa.

14 Haiwa Mwari wangu, yeukai Tobhiya+ naSanibharati uye zvinhu izvi, naNoadhiya muprofitakadzi nevamwe vaprofita vese vairamba vachiedza kundityisidzira.

15 Saka rusvingo rwakapera pazuva rechi25 raEruri,* mumazuva 52.

16 Vavengi vedu vese pavakangozvinzwa uye mamwe marudzi ese akanga akatipoteredza paakazviona, vakanyara chaizvo,+ uye vakaziva kuti basa iri rakanga raitwa nerubatsiro rwaMwari wedu. 17 Mazuva iwayo vakuru vakuru+ veJudha vaitumira tsamba dzakawanda kuna Tobhiya, uye Tobhiya aivapindura. 18 Vanhu vakawanda vemuJudha vakatsidza kuti vaizomutsigira, nekuti aiva mukuwasha waShekaniya mwanakomana waAraa,+ uye mwanakomana wake Jehohanani akanga aroora mwanasikana waMeshuramu+ mwanakomana waBherekiya. 19 Uyewo, vairamba vachindiudza zvinhu zvakanaka nezvake, vobva vaenda kunomuudza zvandaitaura. Tobhiya aibva atumira tsamba dzekundityisidzira.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe