Nehemiya
11 Machinda evanhu aigara muJerusarema,+ asi vamwe vanhu vese vakakanda mijenya+ kuti vaunze munhu mumwe chete pavanhu gumi vega vega kuti agare muJerusarema, guta dzvene, vamwe 9 vachisara mune mamwe maguta. 2 Uyewo vanhu vakarumbidza varume vese vakazvipira kugara muJerusarema.
3 Ava ndivo vakuru vedunhu vaigara muJerusarema. (Vamwe vaIsraeri vese, vapristi, vaRevhi, vashandi vepatemberi,*+ nevanakomana vevashandi vaSoromoni,+ vaigara mune mamwe maguta eJudha, mumwe nemumwe munzvimbo yake, muguta rake.+
4 Paivawo nevamwe vanhu vekwaJudha nevekwaBhenjamini vaigara muJerusarema.) Pavanhu vekwaJudha paiva naAtaya mwanakomana waUziya mwanakomana waZekariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waShefatiya mwanakomana waMaharareri wekuvanakomana vaPerezi,+ 5 naMaaseya mwanakomana waBharuki mwanakomana waKorihoze mwanakomana waHazaya mwanakomana waAdhaya mwanakomana waJoyaribhi mwanakomana waZekariya mwanakomana wemuShera. 6 Vanakomana vese vaPerezi vaigara muJerusarema vaiva 468, varume vaiva nesimba.
7 Ava ndivo vaiva vanhu vekwaBhenjamini: Saruu+ mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waJoedhi mwanakomana waPedhaya mwanakomana waKoraya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waItieri mwanakomana waJeshaya, 8 uye aiteverwa naGabhai naSereai, varume 928; 9 uye Joeri mwanakomana waZikri ndiye aiva mutariri wavo, uye Judha mwanakomana waHasenua ndiye aiva mutevedzeri wemutariri weguta.
10 Kuvapristi: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi, Jakini,+ 11 Seraya mwanakomana waHirikiya mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waZadhoki mwanakomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhu,+ mutungamiriri weimba* yaMwari wechokwadi, 12 nehama dzavo dzaiita basa reimba yacho, 822; uye Adhaya mwanakomana waJerohamu mwanakomana waPerariya mwanakomana waAmzi mwanakomana waZekariya mwanakomana waPashuri+ mwanakomana waMarikija, 13 nehama dzake, vakuru vedzimba dzemadzibaba, 242; uye Amashisai mwanakomana waAzareri mwanakomana waAzai mwanakomana waMeshiremoti mwanakomana waImeri, 14 nehama dzavo, idzo dzaiva varume vane simba uye vakashinga, 128; uye mutariri wavo aiva Zabdhieri, wekumhuri yaiva nemukurumbira.
15 KuvaRevhi: Shemaya+ mwanakomana waHashubhu mwanakomana waAzrikamu mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waBhuni, 16 naShabhetai+ naJozabhadhi,+ vekuvakuru vevaRevhi avo vaiona nezvezvinhu zvaiitwa kunze kweimba yaMwari wechokwadi; 17 naMataniya,+ mwanakomana waMika mwanakomana waZabdhi mwanakomana waAsafi,+ uyo aitungamirira pakuimba uye aitungamirira pakurumbidza kwaiitwa pakunyengetera,+ uye Bhakbhukiya, uyo aiva wechipiri pahama dzake, naAbdha mwanakomana waShamua mwanakomana waGarari mwanakomana waJedhutuni.+ 18 VaRevhi vese avo vaiva muguta dzvene vaiva 284.
19 Varindi vepamagedhi vaiva Akubhu naTarimoni+ nehama dzavo, varume 172.
20 Vamwe vaIsraeri vese, vapristi, nevaRevhi, vaiva mune mamwe maguta ese aJudha, mumwe nemumwe munhaka yake. 21 Vashandi vepatemberi*+ vaigara muOferi,+ uye Ziha naGishpa vaitungamirira vashandi ivavo vepatemberi.
22 Mutariri wevaRevhi muJerusarema aiva Uzai mwanakomana waBhani mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waMataniya+ mwanakomana waMaika wekuvanakomana vaAsafi avo vaiva vaimbi; ndiye aitungamirira basa reimba yaMwari wechokwadi. 23 Nekuti paiva nemurayiro wamambo pamusoro pavo,+ uye paiva nezvaifanira kugara zvichipiwa vaimbi maererano nezvaidiwa zuva nezuva. 24 Petahiya mwanakomana waMeshezabheri wekuvanakomana vaZera mwanakomana waJudha aiva chipangamazano wamambo* panyaya dzese dzevanhu.
25 Kana iri misha neminda yayo, vamwe vanhu veJudha vaigara muKiriyati-abha+ nemaguta madiki akaipoteredza, muDhibhoni nemaguta madiki akaipoteredza, muJekabhuzeeri+ nemisha yayo, 26 muJeshua, muMoradha,+ muBheti-pereti,+ 27 muHazari-shuari,+ muBheeri-shebha nemaguta madiki akaipoteredza, 28 muZikragi,+ muMekona nemaguta madiki akaipoteredza, 29 muEni-rimoni,+ muZora,+ nemuJamuti, 30 muZanoa,+ muAdhuramu nemisha yayo, muRakishi+ neminda yayo, nemuAzeka+ nemaguta madiki akaipoteredza. Vakagara* munzvimbo yaitangira kuBheeri-shebha kunosvika kuBani raHinomu.+
31 Vanhu vekwaBhenjamini vaiva muGebha,+ Mikmashi, Aija, Bheteri+ nemaguta madiki akaipoteredza, 32 Anatoti,+ Nobhu,+ Ananiya, 33 Hazori, Rama,+ Gitaimu, 34 Hadhidhi, Zebhoimu, Nebharati, 35 Rodhi, neOno,+ bani remhizha. 36 Mamwe mapoka evaRevhi emuJudha akaiswa kwaBhenjamini.