RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 30
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Uprofita pamusoro peIjipiti (1-19)

        • Kurwisa kwaNebhukadhinezari kunoziviswa (10)

      • Farao anotorerwa simba rake (20-26)

Ezekieri 30:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Obh 15
  • +Eze 32:7
  • +Pis 110:6

Ezekieri 30:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “faundesheni.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 32:11, 12

Ezekieri 30:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvichida pari kureva vaIsraeri vainge vabatana neIjipiti.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zef 2:12
  • +Na 3:8, 9

Ezekieri 30:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 30:18
  • +Jer 44:1
  • +Eze 29:10

Ezekieri 30:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 46:19; Eze 29:12; 32:18

Ezekieri 30:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 29:19; 32:11

Ezekieri 30:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ha 1:6
  • +Eze 29:5

Ezekieri 30:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 29:3
  • +Eze 31:12

Ezekieri 30:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

  • *

    Kana kuti “veMemfisi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 43:12; 46:14
  • +Jer 46:5

Ezekieri 30:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Tebhesi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 10:13, 14; Jer 44:1
  • +Jer 46:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2003, p. 32

Ezekieri 30:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2003, p. 32

Ezekieri 30:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Herioporisi.

Ezekieri 30:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 30:8
  • +Jer 46:20; Eze 31:18
  • +Jer 46:19

Ezekieri 30:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 46:25; Eze 29:3
  • +2Mad 24:7; Jer 46:2
  • +Jer 46:21

Ezekieri 30:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 29:12

Ezekieri 30:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ndichawedzera simba ramambo.”

  • *

    Kureva, pamberi pamambo weBhabhironi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 27:6
  • +Eze 32:11, 12

Ezekieri 30:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 29:19, 20

Ezekieri 30:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 29:12

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 30:3Obh 15
Ezek. 30:3Eze 32:7
Ezek. 30:3Pis 110:6
Ezek. 30:4Eze 32:11, 12
Ezek. 30:5Zef 2:12
Ezek. 30:5Na 3:8, 9
Ezek. 30:6Eze 30:18
Ezek. 30:6Jer 44:1
Ezek. 30:6Eze 29:10
Ezek. 30:7Jer 46:19; Eze 29:12; 32:18
Ezek. 30:10Eze 29:19; 32:11
Ezek. 30:11Ha 1:6
Ezek. 30:11Eze 29:5
Ezek. 30:12Eze 29:3
Ezek. 30:12Eze 31:12
Ezek. 30:13Jer 43:12; 46:14
Ezek. 30:13Jer 46:5
Ezek. 30:14Ge 10:13, 14; Jer 44:1
Ezek. 30:14Jer 46:25
Ezek. 30:18Eze 30:8
Ezek. 30:18Jer 46:20; Eze 31:18
Ezek. 30:18Jer 46:19
Ezek. 30:22Jer 46:25; Eze 29:3
Ezek. 30:222Mad 24:7; Jer 46:2
Ezek. 30:22Jer 46:21
Ezek. 30:23Eze 29:12
Ezek. 30:24Jer 27:6
Ezek. 30:24Eze 32:11, 12
Ezek. 30:25Eze 29:19, 20
Ezek. 30:26Eze 29:12
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 30:1-26

Ezekieri

30 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, profita, uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Ridzai mhere muchiti, ‘Maiwee zuva riya riri kuuya!’

 3 Nekuti zuva racho rava pedyo, chokwadi, zuva raJehovha rava pedyo.+

Richava zuva rine makore+ uye nguva yakasarudzirwa marudzi.+

 4 Bakatwa richauya kuzorwisa Ijipiti, uye vaItiopiya vachatya kwazvo vanhu pavachati katakata vaurayiwa muIjipiti;

Upfumi hwayo huchatorwa uye nheyo* dzayo dzichaputswa.+

 5 Itiopiya,+ Puti,+ Rudhi, nevanhu vese vekune dzimwe nyika,

NeKubhi, nevanakomana vemunyika yesungano,*

Vese vachaurayiwa nebakatwa.”’

 6 Zvanzi naJehovha:

‘Vatsigiri veIjipiti vachawawo,

Uye simba rayo rinoita kuti izvikudze richapedzwa.’+

“‘Vachaurayiwa nebakatwa munyika yacho kubva kuMigdhori+ kusvika kuSiene,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 7 ‘Nharaunda dzavo dzichaitwa matongo ekupedzisira, uye maguta ayo achava matongo ekupedzisira.+ 8 Vachaziva kuti ndini Jehovha pandichabatidza moto muIjipiti, ndoparadza vese vakabatana nayo. 9 Zuva iroro ndichatuma nhume mungarava kuti dzidederese Itiopiya inozvikudza; vachabatwa nekutya pazuva riri kuuya paIjipiti, nekuti zuva racho richatouya chete.’

10 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichapedza gurumwandira revanhu veIjipiti ndichishandisa ruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi.+ 11 Iye nemauto ake, ivo vanhu vane utsinye kupfuura vamwe vese,+ vachaunzwa kuzoparadza nyika yacho. Vachavhomorera Ijipiti mapakatwa avo, vozadza nyika yacho nezvitunha.+ 12 Ndichaomesa migero yaNire+ uye ndichatengesa nyika yacho kuvanhu vakaipa. Ndichaparadza nyika yacho nezvese zviri mairi ndichishandisa maoko evanhu vekune imwe nyika.+ Ini Jehovha ndataura.’

13 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichaparadzawo zvidhori zvinosemesa* ndoparadza vanamwari vasina zvavanobatsira veNofi.*+ Munyika yeIjipiti hamuzovi nejinda, uye ndichaita kuti vanhu vemuIjipiti vatye.+ 14 Ndichaita kuti Patrosi+ ive dongo, ndobatidza moto muZoani, ndoita zvandakatongera No.*+ 15 Ndichadururira hasha dzangu paSini, iyo nhare* yeIjipiti, ndoparadza vanhu vemuNo. 16 Ndichabatidza moto muIjipiti; Sini ichabatwa nekutya, No ichapazwa uye Nofi icharwiswa masikati machena! 17 Majaya ekuOni* nePibheseti achaurayiwa nebakatwa, uye maguta acho achatapwa. 18 MuTehafinehesi muchava nerima pandichatyora majoko eIjipiti imomo.+ Simba rayo rayaizvikudza naro richapera.+ Ichavharwa nemakore uye maguta ayo madiki achatapwa.+ 19 Ndichaitira Ijipiti zvandakaitongera, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

20 Zvino mugore rechi11, mumwedzi wekutanga, pazuva rechi7 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 21 “Mwanakomana wemunhu, ndatyora ruoko rwaFarao mambo weIjipiti; haruzombosungwi kuti rupore kana kumonerwa jira kuti rusimbe zvekugona kubata bakatwa.”

22 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kurwisa Farao mambo weIjipiti,+ uye ndichatyora maoko ake ese, ruoko rune simba nerwakatyoka,+ uye ndichaita kuti bakatwa ridonhe muruoko rwake.+ 23 Ndichabva ndaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi ndoita kuti vapararire nenyika.+ 24 Ndichasimbisa maoko amambo* weBhabhironi+ ndomupa bakatwa rangu.+ Ndichatyora maoko aFarao, uye achagomera kwazvo ari pamberi pake* semunhu ava kufa. 25 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao achati regwede; uye vachaziva kuti ndini Jehovha pandichapa mambo weBhabhironi bakatwa rangu, orishandisa kurwisa nyika yeIjipiti.+ 26 Ndichaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi ndoita kuti vapararire nenyika,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe