RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 43
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Kubwinya kwaJehovha kunozadza temberi (1-12)

      • Atari (13-27)

Ezekieri 43:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 40:6; 42:15; 44:1

Ezekieri 43:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 9:3; 11:23
  • +Eze 1:24; Joh 12:28, 29
  • +Isa 6:3; Eze 10:4

Ezekieri 43:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “paakauya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 1:3, 4; 3:23

Ezekieri 43:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “muimba yacho.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 10:19; 44:1, 2

Ezekieri 43:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:34; 1Mad 8:10; Eze 44:4

Ezekieri 43:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 40:3

Ezekieri 43:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 6:1; Jer 3:17; Eze 1:26
  • +1Mak 28:2
  • +Eks 29:45; Pis 68:16; 132:14; Joe 3:17
  • +Eze 39:7; Zek 13:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 10

    Uprofita hwaIsaya II, p. 397

Ezekieri 43:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

  • *

    Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 8:3
  • +Dha 9:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 150

Ezekieri 43:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 37:23, 26; 2VaK 6:16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 150

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 10

    3/1/1999, pp. 9, 12-13

    Uprofita hwaIsaya II, p. 397

Ezekieri 43:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ngavayere mavakirwo ayo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 40:4
  • +Eze 16:63

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 146-147

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    9/2017, p. 2

    Zvakazarurwa, p. 162

Ezekieri 43:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 44:5
  • +Eze 11:19, 20; 36:27

Ezekieri 43:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 93:5; Eze 40:2; 42:20

Ezekieri 43:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    Anenge masendimita 22,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:1; 2Mak 4:1

Ezekieri 43:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:2; Zva 9:13

Ezekieri 43:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 38:1; 2Mak 4:1

Ezekieri 43:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:29; Re 1:5; 8:18-21; Eze 45:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1999, pp. 19-20

Ezekieri 43:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:10; Re 8:14
  • +Eze 40:46; 44:15; 48:11

Ezekieri 43:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:36, 37; Re 8:15; VaH 9:23

Ezekieri 43:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:14; Re 8:17; VaH 13:11

Ezekieri 43:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 2:13

Ezekieri 43:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:35

Ezekieri 43:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 9:1
  • +Eze 20:40

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 43:1Eze 40:6; 42:15; 44:1
Ezek. 43:2Eze 9:3; 11:23
Ezek. 43:2Eze 1:24; Joh 12:28, 29
Ezek. 43:2Isa 6:3; Eze 10:4
Ezek. 43:3Eze 1:3, 4; 3:23
Ezek. 43:4Eze 10:19; 44:1, 2
Ezek. 43:5Eks 40:34; 1Mad 8:10; Eze 44:4
Ezek. 43:6Eze 40:3
Ezek. 43:7Isa 6:1; Jer 3:17; Eze 1:26
Ezek. 43:71Mak 28:2
Ezek. 43:7Eks 29:45; Pis 68:16; 132:14; Joe 3:17
Ezek. 43:7Eze 39:7; Zek 13:2
Ezek. 43:8Eze 8:3
Ezek. 43:8Dha 9:12
Ezek. 43:9Eze 37:23, 26; 2VaK 6:16
Ezek. 43:10Eze 40:4
Ezek. 43:10Eze 16:63
Ezek. 43:11Eze 44:5
Ezek. 43:11Eze 11:19, 20; 36:27
Ezek. 43:12Pis 93:5; Eze 40:2; 42:20
Ezek. 43:13Eks 27:1; 2Mak 4:1
Ezek. 43:15Eks 27:2; Zva 9:13
Ezek. 43:16Eks 38:1; 2Mak 4:1
Ezek. 43:18Eks 40:29; Re 1:5; 8:18-21; Eze 45:19
Ezek. 43:19Eks 29:10; Re 8:14
Ezek. 43:19Eze 40:46; 44:15; 48:11
Ezek. 43:20Eks 29:36, 37; Re 8:15; VaH 9:23
Ezek. 43:21Eks 29:14; Re 8:17; VaH 13:11
Ezek. 43:24Re 2:13
Ezek. 43:25Eks 29:35
Ezek. 43:27Re 9:1
Ezek. 43:27Eze 20:40
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 43:1-27

Ezekieri

43 Akabva andiendesa kugedhi rakatarisa kumabvazuva.+ 2 Ikoko ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva,+ uye inzwi rake raitinhira semvura zhinji iri kuyerera;+ uye kubwinya kwake kwakavheneka panyika.+ 3 Zvandakaona zvakanga zvakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona pandakauya* kuzoparadza guta, uye zvakanga zvakafanana nezviya zvandakaona pedyo nerwizi rwaKebhari.+ Ndakabva ndapfugama, ndikadzikisa musoro wangu.

4 Kubwinya kwaJehovha kwakabva kwapinda mutemberi* nepagedhi rakatarisa kumabvazuva.+ 5 Uye mweya wakandisimudza, ukandipinza muchivanze chemukati, uye ndakaona kuti temberi yacho yakanga yazara nekubwinya kwaJehovha.+ 6 Ndakabva ndanzwa kuti pane aitaura neni ari mutemberi, uye murume uya akauya akamira pedyo neni.+ 7 Akati kwandiri:

“Mwanakomana wemunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu cheumambo+ nenzvimbo yetsoka dzangu,+ yandichagara pakati pevaIsraeri nekusingaperi.+ Vanhu veIsraeri nemadzimambo avo havazosvibisizve zita rangu dzvene+ neunzenza hwavo hwekunamata uye nezvitunha zvemadzimambo avo. 8 Vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinhu zvinosemesa zvavakaita, pavakaisa chidimbati* chavo pedyo nechangu, uye gwatidziro* rangu pedyo neravo, pakati pangu navo pachingova nechidziro chete.+ Saka ndakavaparadza ndakatsamwa.+ 9 Zvino ngavabvise unzenza hwavo hwekunamata nezvitunha zvemadzimambo avo vazviise kure neni, uye ndichagara pakati pavo nekusingaperi.+

10 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, tsanangurira vanhu veIsraeri zvakaita temberi,+ kuti vanyare nekukanganisa kwavo,+ uye ngavaongorore purani yayo.* 11 Kana vakanyara nezvese zvavakaita, unofanira kuvazivisa zvakaita purani yetemberi yacho, magadzirirwo ayo, nemasuo ayo ekupinda nawo neekubuda nawo.+ Varatidze mapurani ese ekuvakwa kwayo nemirau yayo, mapurani ayo nemitemo yayo, uzvinyore vakatarisa, kuti vanyatsotevedzera purani yayo nemirau yayo.+ 12 Uyu ndiwo mutemo wetemberi yacho. Nharaunda yese yepamusoro pegomo inzvimbo tsvenetsvene.+ Inzwa! Uyu ndiwo mutemo wetemberi yacho.

13 “Uku ndiko kukura kweatari yacho ichiyerwa nemakubhiti+ (kubhiti rimwe nerimwe rainge rakawedzerwa urefu hweupamhi hwechanza).* Chikamu chayo chepasi chakakwirira nekubhiti rimwe chete, uye chakafara nekubhiti rimwe chete kupfuura chepamusoro pacho. Chine mupendero unochitenderera wakafara sipani* imwe chete. Izvi ndizvo zvakaita chikamu chepasi cheatari yacho. 14 Chikamu chayo chechipiri chakakwirira nemakubhiti maviri uye chakafara nekubhiti rimwe chete kupfuura chepamusoro pacho. Chikamu chayo chechitatu chakakwirira nemakubhiti mana, uye chakafara nekubhiti rimwe chete kupfuura chikamu chekupedzisira chepamusoro. 15 Chikamu chekupedzisira chepamusoro, icho choto cheatari, chakakwirira nemakubhiti mana, uye chine nyanga ina dzakatarisa mudenga.+ 16 Choto chacho chine mativi mana akaenzana, chakareba makubhiti 12 uye chakafara makubhiti 12.+ 17 Mativi mana echikamu chayo chihombe akareba makubhiti 14, uye akafara makubhiti 14; mupendero wacho ihafu yekubhiti, uye mativi ese echikamu chayo chepasi akafara kubhiti rimwe chete.

“Masitepisi ayo akatarisa kumabvazuva.”

18 Akabva ati kwandiri, “Mwanakomana wemunhu, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Izvi ndizvo zvinofanira kutevedzerwa pachagadzirwa atari, kuti zvibayiro zvinopiswa zvipiwe uye kuti ropa risaswe pairi.’+

19 “‘Unofanira kupa chibayiro chechivi chemukono mudiki wemombe+ kuvapristi vedzinza raRevhi, veimba yaZadhoki,+ avo vanouya pamberi pangu kuti vandishumire,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 20 ‘Unofanira kutora rimwe ropa rayo, woriisa panyanga ina dzeatari, nepamakona mana echikamu chayo chihombe, nepamupendero wakachipoteredza, kuti uichenese pachivi uye kuti ive tsvene.+ 21 Ubve watora mukono mudiki wemombe, icho chibayiro chechivi, kuti upiswe munzvimbo yakasarudzwa patemberi, kunze kwenzvimbo tsvene.+ 22 Pazuva rechipiri unofanira kupa nhongo yakanaka kuti ive chibayiro chechivi; uye vachachenesa atari yacho pachivi sekuichenesa pachivi kwavakaita vachishandisa mukono mudiki wemombe.’

23 “‘Kana wapedza kuichenesa pachivi unofanira kupa mukono mudiki wemombe wakanaka negondohwe rakanaka rinobva paboka remakwai. 24 Unofanira kuzvipa kuna Jehovha, uye vapristi vanofanira kumwaya munyu pazviri+ vozvipa kuna Jehovha sezvibayiro zvinopiswa. 25 Kwemazuva manomwe, uchapa nhongo kuti ive chibayiro chechivi chinopiwa zuva nezuva+ pamwe chete nemukono mudiki wemombe negondohwe; unofanira kupa zvipfuwo zvakanaka. 26 Vachaita mazuva manomwe vachichenesa atari yacho, uye vanofanira kuita kuti ive tsvene, voita kuti ikodzere kushandiswa. 27 Mazuva acho paanopera, vapristi vachapa zvibayiro zvenyu zvinopiswa nezvibayiro zverugare paatari yacho kubva pazuva rechi8+ zvichienda mberi; uye ndichakufarirai,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe