RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 47
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Rukova runoyerera ruchibva mutemberi (1-12)

        • Mvura inoita ichiwedzera kuwanda (2-5)

        • Mvura yeGungwa Rakafa inonatswa (8-10)

        • Nzvimbo dzine machakwi hadzizonatswi (11)

        • Miti yemichero uye yekurapa (12)

      • Miganhu yenyika (13-23)

Ezekieri 47:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 41:2
  • +Zek 13:1; 14:8; Zva 22:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 202-203, 206-207, 208-209

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 11

    3/1/1999, pp. 10-11, 18-20

    9/15/1988, p. 27

Ezekieri 47:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 40:20
  • +Eze 40:6; 44:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 206

Ezekieri 47:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 40:3; Zva 21:15

Ezekieri 47:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 202-203, 206-207, 208-209

Ezekieri 47:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zva 22:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1999, pp. 10-11

    11/1/1989, p. 17

Ezekieri 47:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kurenje.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:47, 49
  • +Zek 14:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 202-205, 209-210

    Nharireyomurindi,

    11/1/1989, p. 17

    9/15/1988, p. 27

Ezekieri 47:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “hova dzacho mbiri.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 202-207, 209-210

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 11

    3/1/1999, pp. 10-11, 18-19, 21-22

    9/15/1988, p. 27

Ezekieri 47:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 62; 2Mak 20:2
  • +Nu 34:2, 6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 203-205

    Nharireyomurindi,

    3/1/1999, p. 21

Ezekieri 47:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 29:22, 23; Pis 107:33, 34; Jer 17:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 203-208, 209-210

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 11

    3/1/1999, pp. 21-22

Ezekieri 47:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 47:1
  • +Zva 22:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 202-203, 205-206, 207-208, 210

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 11

    3/1/1999, pp. 21-22

    9/15/1988, p. 27

Ezekieri 47:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 48:5; 1Mak 5:1; Eze 48:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 213-215

    Nharireyomurindi,

    3/1/1999, pp. 18, 22-23

    9/15/1988, pp. 25, 27

Ezekieri 47:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:3; 28:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 213-216

Ezekieri 47:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 48:1
  • +Nu 34:2, 8

Ezekieri 47:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 13:21
  • +2Sa 8:8
  • +Eze 47:18

Ezekieri 47:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 34:2, 9
  • +Eze 48:1

Ezekieri 47:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Gungwa Rakafa.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:1

Ezekieri 47:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Rwizi rweIjipiti.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:51
  • +Eze 48:28

Ezekieri 47:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nepanopindwa napo muHamati.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 34:2, 8

Ezekieri 47:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 216-217

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 47:1Eze 41:2
Ezek. 47:1Zek 13:1; 14:8; Zva 22:1
Ezek. 47:2Eze 40:20
Ezek. 47:2Eze 40:6; 44:1, 2
Ezek. 47:3Eze 40:3; Zva 21:15
Ezek. 47:7Zva 22:1, 2
Ezek. 47:8Dhe 4:47, 49
Ezek. 47:8Zek 14:8
Ezek. 47:10Jos 15:20, 62; 2Mak 20:2
Ezek. 47:10Nu 34:2, 6
Ezek. 47:11Dhe 29:22, 23; Pis 107:33, 34; Jer 17:6
Ezek. 47:12Eze 47:1
Ezek. 47:12Zva 22:1, 2
Ezek. 47:13Ge 48:5; 1Mak 5:1; Eze 48:5
Ezek. 47:14Ge 26:3; 28:13
Ezek. 47:15Eze 48:1
Ezek. 47:15Nu 34:2, 8
Ezek. 47:16Nu 13:21
Ezek. 47:162Sa 8:8
Ezek. 47:16Eze 47:18
Ezek. 47:17Nu 34:2, 9
Ezek. 47:17Eze 48:1
Ezek. 47:18Nu 32:1
Ezek. 47:19Dhe 32:51
Ezek. 47:19Eze 48:28
Ezek. 47:20Nu 34:2, 8
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 47:1-23

Ezekieri

47 Akabva andidzosa kusuo retemberi,+ uye ikoko ndakaona mvura yaiyerera ichienda kumabvazuva, ichibva pasi pechidimbati* chetemberi,+ nekuti temberi yacho yakanga yakatarisa kumabvazuva. Mvura yacho yaiyerera ichibva pasi petemberi, kudivi rayo rekurudyi, kumaodzanyemba kweatari.

2 Akabva andibudisa kunze nekugedhi rekuchamhembe,+ akapota neni kuseri, achindiendesa kugedhi rekunze rakatarisa kumabvazuva,+ uye ndakaona mvura yaiyerera ichibva kudivi rekurudyi.

3 Murume wacho paakaenda kumabvazuva aine tambo yekuyeresa,+ akayera makubhiti* 1 000, akaita kuti ndiyambuke nemumvura yacho; uye mvura yacho yaisvika muzviziso zvemakumbo.

4 Akayera mamwe makubhiti 1 000, akaita kuti ndiyambuke nemumvura yacho, uye yaisvika mumabvi.

Akayerazve mamwe makubhiti 1 000, akaita kuti ndiyambuke nemumvura yacho, uye yaisvika muchiuno.

5 Paakayerazve mamwe makubhiti 1 000, rwakanga rwava rukova rwandainge ndisingagoni kuyambuka netsoka, nekuti mvura yacho yakanga yawanda zvekuti yaitoda kuti munhu aite zvekushambira; rwakanga rwatova rukova rusingayambukiki uchifamba.

6 Akandibvunza kuti: “Wazviona here izvi mwanakomana wemunhu?”

Akabva aita kuti ndifambe ndichidzokera kumahombekombe erukova rwacho. 7 Pandakadzokera, ndakaona kuti kumativi maviri erukova rwacho kwaiva nemiti yakawanda chaizvo.+ 8 Akabva ati kwandiri: “Mvura iyi iri kuenda kunzvimbo iri kumabvazuva uye iri kupfuurira ichienda kuArabha,*+ ichinopinda mugungwa. Paichapinda mugungwa,+ mvura yemo ichanatswa. 9 Zvisikwa zvipenyu zvakawanda zvichararama kwese kuchasvika mvura yacho.* Pachava nehove dzakawanda, nekuti mvura iyi ichayerera ichisvika ikoko. Mvura yemugungwa ichanatswa, uye zvinhu zvese zviri kunosvika rukova rwacho zvichararama.

10 “Vabati vehove vachamira mumativi arwo, kubva kuEni-gedhi+ kusvika kuEni-egraimu, uye kuchava nenzvimbo yekuomesera mambure ekukukudzisa. Pachava nehove dzakawanda dzemarudzi akasiyana-siyana, dzakaita sedzemuGungwa Guru.*+

11 “Richava nenzvimbo dzine machakwi nenzvimbo dzine matope, uye dzichangoramba dzakadaro. Dzichangoramba dziine munyu.+

12 “Mumativi erukova rwacho muchamera miti yemichero yemarudzi ese. Mashizha ayo haazosvavi; uye haizomiri kubereka. Ichabereka mwedzi wega wega, nekuti mvura inoidiridza inobva munzvimbo tsvene.+ Michero yayo ichadyiwa uye mashizha ayo acharapa vanhu.”+

13 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Nzvimbo iyi ndiyo ichava nhaka yamuchapa madzinza 12 aIsraeri, uye Josefa achapiwa nharaunda mbiri munzvimbo yacho.+ 14 Ichava nhaka yenyu uye muchapiwa nharaunda dzakaenzana. Ndakapika kuti ndichapa madzitateguru enyu nyika iyi,+ uye iye zvino maipiwa kuti ive nhaka yenyu.

15 “Uyu ndiwo muganhu wenyika yacho kudivi rekuchamhembe: Unobvira kuGungwa Guru pedyo nenzira inoenda kuHetroni,+ woenda kuZedhadhi,+ 16 Hamati,+ Bherota,+ neSibraimu, iri pakati peDhamasiko neHamati, uchienda kuHazeri-hatikoni, iri pamuganhu weHaurani.+ 17 Saka muganhu wacho uchatangira kugungwa uchinosvika kuHazari-enoni,+ uchitevedza muganhu weDhamasiko kuchamhembe, uye muganhu weHamati.+ Uyu ndiwo muganhu wekuchamhembe.

18 “Pakati peHaurani neDhamasiko ndipo pane divi rekumabvazuva, uye rinotevedza Jodhani, pakati peGiriyedhi+ nenyika yeIsraeri. Munofanira kuyera kubva kumuganhu wacho kusvika kugungwa rekumabvazuva.* Uyu ndiwo muganhu wekumabvazuva.

19 “Muganhu wekumaodzanyemba uchatangira kuTamari uchinosvika kumvura yeMeribhati-kadheshi,+ wobva waenda kuRwizi* uye kuGungwa Guru.+ Uyu ndiwo muganhu wekumaodzanyemba.

20 “Gungwa Guru ndiro muganhu wekumavirira, kubva panoperera muganhu wekumaodzanyemba kusvika panzvimbo yakatarisana neRebhohamati.*+ Uyu ndiwo muganhu wekumavirira.”

21 “Munofanira kugova nyika iyi kumadzinza enyu 12 aIsraeri. 22 Munofanira kuigovana kuti ive nhaka yenyu neyevatorwa vamunogara navo, avo vava nevana vavowo pakati penyu; vachangoita sevanhu veIsraeri. Pachapiwa madzinza enyu aIsraeri nhaka, ivo vachapiwawo. 23 Munofanira kupa mutorwa nhaka munharaunda yedzinza raanogara naro,” ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe