Hosiya
Vakaramba vachibayira zvibayiro kumifananidzo yaBhaari+
Uye vachipa zvibayiro kumifananidzo yakavezwa.+
3 Ndini ndakadzidzisa Efremu kufamba,+ ndichivatakura mumaoko angu;+
Asi havana kubvuma kuti ndakanga ndavaporesa.
4 Ndakaramba ndichivakweva netambo dzemunhu,* netambo dzerudo;+
Ndaiita semunhu ari kubvisa joko pamitsipa yavo,
Uye ndakaunzira mumwe nemumwe wavo zvekudya neunyoro.
5 Havazodzokeri kunyika yeIjipiti, asi Asiriya ndiyo ichava mambo wavo,+
Nekuti vakaramba kudzoka kwandiri.+
6 Bakatwa richavheya richirwisa maguta ake+
Roparadza mazariro* ake uye rovaparadza nemhaka yezvavakafurirana kuita.+
7 Vanhu vangu vanongoda kuita zvinhu zvisina kutendeka kwandiri.+
Kunyange zvazvo vakavashevedza kuti vakwidze kumusoro,* hapana ari kukwidza.
8 Ndingakusiya here nhai Efremu?+
Ndingakuisa mumaoko evamwe here nhai Israeri?
Ndingakubata seAdma here?
Ndingakuita seZebhoimu here?+
Ndachinja pfungwa
Uye mwoyo wangu uri kurwadza.+
9 Handizoratidzi kutsamwa kwangu kukuru.
Handizoparadzizve Efremu,+
Nekuti handisi munhu asi ndiri Mwari,
Iye Mutsvene ari pakati pako;
Uye handizouyi kwauri ndakashatirwa.
10 Vachatevera Jehovha uye achadzvova seshumba;+
Paachadzvova, vanakomana vake vachauya vachidedera vachibva kumavirira.+
11 Vachadedera seshiri pavachabuda muIjipiti,
Uye senjiva pavachabuda munyika yeAsiriya;+
Ndichavagarisa mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
Asi Judha achiri kufamba naMwari,
Uye akavimbika kuna Iye Mutsvenetsvene.”+