RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Eriya anoprofita nezvekufa kwaAhaziya (1-18)

2 Madzimambo 1:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:36, 37; 2Sa 8:2; Pis 60:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 69

2 Madzimambo 1:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 13:2, 3; 1Sa 5:10
  • +2Mad 1:16

2 Madzimambo 1:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Mwari Wangu ndiJehovha.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 17:1; 18:36
  • +Isa 8:19; Jer 2:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1950

2 Madzimambo 1:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 10:13, 14

2 Madzimambo 1:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:19; Zek 13:4; VaH 11:32, 37
  • +Mt 3:4

2 Madzimambo 1:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 33:1

2 Madzimambo 1:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 11:1; 16:35; Ru 9:54; Jud 7

2 Madzimambo 1:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wangu ngaukoshe.”

2 Madzimambo 1:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 13:2, 3
  • +2Mad 1:3

2 Madzimambo 1:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, munin’ina waAhaziya.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 3:1; 9:22
  • +2Mad 8:16

2 Madzimambo 1:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 22:51

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 1:1Ge 19:36, 37; 2Sa 8:2; Pis 60:8
2 Madz. 1:2Jos 13:2, 3; 1Sa 5:10
2 Madz. 1:22Mad 1:16
2 Madz. 1:31Mad 17:1; 18:36
2 Madz. 1:3Isa 8:19; Jer 2:11
2 Madz. 1:61Mak 10:13, 14
2 Madz. 1:81Mad 19:19; Zek 13:4; VaH 11:32, 37
2 Madz. 1:8Mt 3:4
2 Madz. 1:9Dhe 33:1
2 Madz. 1:10Nu 11:1; 16:35; Ru 9:54; Jud 7
2 Madz. 1:16Jos 13:2, 3
2 Madz. 1:162Mad 1:3
2 Madz. 1:172Mad 3:1; 9:22
2 Madz. 1:172Mad 8:16
2 Madz. 1:181Mad 22:51
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 1:1-18

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

1 Pashure pekufa kwaAhabhi, vaMoabhi+ vakapandukira vaIsraeri.

2 Panguva iyoyo Ahaziya ndipo paakawira pasi nepaburi raiva nesefa achibva muimba yepadenga remba yake muSamariya, achibva akuvara. Saka akatuma nhume, akati kwadziri: “Endai munobvunza Bhaari-zebhubhu, mwari weEkroni,+ kuti munzwe kuti ndichapora here pakukuvara uku kwandaita.”+ 3 Asi ngirozi yaJehovha yakati kuna Eriya*+ muTishbhi: “Simuka uende kunosangana nenhume dzamambo weSamariya, uti kwadziri, ‘MuIsraeri hamuna Mwari here zvamuri kuenda kunobvunza Bhaari-zebhubhu mwari weEkroni?+ 4 Saka zvanzi naJehovha: “Hausi kuzobva pamubhedha pawakarara, nekuti chokwadi uchafa.”’” Eriya akabva aenda.

5 Nhume dzacho padzakadzoka kuna mambo, akabva ati kwadziri: “Madzokerei?” 6 Dzakati kwaari: “Pane murume auya kuzosangana nesu akatiudza kuti, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai, muti kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘MuIsraeri hamuna Mwari here zvauri kutuma vanhu kunobvunza Bhaari-zebhubhu mwari weEkroni? Saka hausi kuzobva pamubhedha pawakarara, nekuti chokwadi uchafa.’”’”+ 7 Akabva avabvunza kuti: “Murume wacho auya kuzosangana nemi akakuudzai mashoko aya anga akaita sei?” 8 Saka vakati kwaari: “Murume wacho anga akapfeka nguo yemvere,+ akasunga bhandi reganda muchiuno make.”+ Akabva ati: “NdiEriya muTishbhi.”

9 Mambo akabva amutumira mukuru wevanhu 50 aine varume vake 50. Paakakwidza kwaaiva, akamuwana akagara pamusoro pegomo. Akati kwaari: “Munhu waMwari wechokwadi,+ zvanzi namambo, ‘Burukai.’” 10 Asi Eriya akapindura mukuru wevanhu 50 achiti: “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kubva kudenga+ ukuparadze nevarume vako 50.” Moto wakabva waburuka kudenga ukamuparadza nevarume vake 50.

11 Saka mambo akamutumira mumwe mukuru wevanhu 50 aine varume vake 50. Akaenda akanoti kwaari: “Munhu waMwari wechokwadi, zvanzi namambo, ‘Burukai nekukurumidza.’” 12 Asi Eriya akavapindura achiti: “Kana ndiri munhu waMwari wechokwadi, moto ngauburuke kubva kudenga ukuparadze nevarume vako 50.” Moto waMwari wakabva waburuka kubva kudenga ukamuparadza nevarume vake 50.

13 Mambo akabva atumazve mukuru wevanhu 50 wechitatu aine varume vake 50. Asi mukuru wevanhu 50 wechitatu akakwira, akapfugama pamberi paEriya, akatanga kuteterera kunzwirwa nyasha, akati kwaari: “Munhu waMwari wechokwadi, ndapota, upenyu hwangu neupenyu hwevaranda venyu ava 50 ngahukoshe kwamuri. 14 Moto watoburuka kubva kudenga ukaparadza vakuru vaviri vevanhu 50 vatanga kuuya nemapoka avo evanhu 50, asi zvino upenyu hwangu ngahukoshe* kwamuri.”

15 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kuna Eriya: “Dzika naye. Usamutya.” Saka akasimuka, akaenda naye kwaiva namambo. 16 Eriya akabva ati kuna mambo: “Zvanzi naJehovha, ‘Wakatuma nhume kunobvunza Bhaari-zebhubhu mwari weEkroni.+ MuIsraeri hamuna Mwari here?+ Wakaregererei kubvunza kuti anoti chii? Saka hausi kuzobva pamubhedha pawakarara, nekuti chokwadi uchafa.’” 17 Saka akafa, maererano neshoko raJehovha rakanga rataurwa naEriya; uye sezvo akanga asina mwanakomana, Jehoramu*+ akava mambo panzvimbo yake, mugore rechipiri raJehoramu+ mwanakomana waJehoshafati mambo weJudha.

18 Kana iri nhoroondo yese yaAhaziya,+ zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri?

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe