RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Kaini naAbheri (1-16)

      • Dzinza rakabva kuna Kaini (17-24)

      • Seti nemwanakomana wake Inoshi (25, 26)

Genesisi 4:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:28
  • +1Jo 3:10-12; Jud 11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/2013, p. 13

    Tevedzera, pp. 10-11

    Shoko raMwari, p. 151

Genesisi 4:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 23:35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/2013, pp. 13-14

    1/15/2002, p. 22

    Tevedzera, pp. 11-12

Genesisi 4:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 16

    Nharireyomurindi,

    1/15/2002, p. 21

    2/1/1999, p. 21

    6/15/1996, pp. 4-5

Genesisi 4:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 13:12
  • +VaH 11:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 17-19

    Nharireyomurindi,

    5/15/2015, p. 20

    1/1/2013, pp. 14-15

    1/15/2002, p. 21

    8/15/2000, pp. 13-14

    2/1/1999, p. 21

    6/15/1996, p. 4

    Tevedzera, p. 14

Genesisi 4:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 16-17

    Nharireyomurindi,

    1/1/2013, p. 15

    1/15/2002, p. 22

    2/1/1999, p. 21

    6/15/1996, pp. 4-5

    Tevedzera, pp. 14-16

Genesisi 4:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/1999, pp. 21, 23

    1/15/1999, p. 21

    6/15/1994, p. 14

Genesisi 4:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “haungakwidziridzwi here?”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2014, p. 28

    1/15/2002, p. 22

    2/1/1999, pp. 21-23

    1/15/1999, p. 21

    6/15/1996, pp. 4-5

    6/15/1994, p. 14

    2/1/1994, p. 31

    Mukai!,

    10/2011, p. 24

Genesisi 4:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 23:35; 1Jo 3:10-12; Jud 11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/2013, p. 15

    9/15/2002, p. 28

    Tevedzera, p. 16

Genesisi 4:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/2002, p. 22

Genesisi 4:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 12:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Ramba Uri Murudo rwaMwari, p. 90

    “Rudo rwaMwari,” pp. 74-75

    Zvakazarurwa, pp. 100-101

    Nharireyomurindi,

    6/15/2004, p. 14

    11/15/1995, p. 10

Genesisi 4:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:5

Genesisi 4:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “simba raro.”

Genesisi 4:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/2004, p. 29

    1/15/2002, pp. 22-23

    2/1/1999, pp. 21-22

Genesisi 4:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Upoteri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 2:8

Genesisi 4:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 5:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    8/2016, p. 10

    Nharireyomurindi,

    9/1/2010, p. 25

    1/1/2004, p. 29

    7/15/1992, p. 4

    Mukai!,

    10/2005, p. 29

    Shoko raMwari, pp. 90-91

    Kukurukurirana, pp. 147-148, 211

Genesisi 4:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvekuridza rudimbwa nemutopota.”

Genesisi 4:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/2002, p. 6

Genesisi 4:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 4:15

Genesisi 4:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kugadzwa; Kuiswa Panzvimbo.”

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 5:3; 1Mak 1:1
  • +Ge 4:8; Mt 23:35; VaH 11:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2009, p. 13

Genesisi 4:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 5:6; Ru 3:23, 38

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 19

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 1 2017, p. 10

    Nharireyomurindi,

    9/1/2005, pp. 15-16

    9/15/2001, p. 29

    1/15/1997, p. 30

    11/15/1993, p. 12

    Mukai!,

    7/8/1989, p. 6

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 4:1Ge 1:28
Gen. 4:11Jo 3:10-12; Jud 11
Gen. 4:2Mt 23:35
Gen. 4:4Eks 13:12
Gen. 4:4VaH 11:4
Gen. 4:8Mt 23:35; 1Jo 3:10-12; Jud 11
Gen. 4:10VaH 12:24
Gen. 4:11Ge 9:5
Gen. 4:16Ge 2:8
Gen. 4:17Ge 5:4
Gen. 4:24Ge 4:15
Gen. 4:25Ge 5:3; 1Mak 1:1
Gen. 4:25Ge 4:8; Mt 23:35; VaH 11:4
Gen. 4:26Ge 5:6; Ru 3:23, 38
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 4:1-26

Genesisi

4 Adhamu akazorara nemudzimai wake Evha, akabata pamuviri.+ Paakabereka Kaini,+ Evha akati: “Ndabereka mwana mukomana ndichibatsirwa naJehovha.” 2 Akazoberekazve Abheri,+ munin’ina waKaini.

Abheri akava mufudzi wemakwai, asi Kaini akava murimi. 3 Nekufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvirimwa zvake semupiro kuna Jehovha. 4 Asi Abheri akauya nemamwe makwai ake akatanga kuberekwa,+ zvese nemafuta awo. Jehovha akafarira Abheri nemupiro wake,+ 5 asi haana kutombofarira Kaini nemupiro wake. Saka Kaini akagumbuka chaizvo ndokufundumwara. 6 Jehovha akabva ati kuna Kaini: “Nei wakagumbuka uye wakafundumwara kudaro? 7 Kana ukaita zvakanaka handizokufariri here?* Asi kana ukasaita zvakanaka, chivi chiri kukuhwandira pasuo, uye chiri kuda kukukunda; asi iwe uchachikunda here?”

8 Pashure paizvozvo Kaini akati kuna Abheri munin’ina wake: “Ngatimbofambai musango.” Saka pavakanga vari musango, Kaini akarwisa munin’ina wake Abheri, akamuuraya.+ 9 Gare gare, Jehovha akati kuna Kaini: “Munin’ina wako Abheri aripi?” Akapindura kuti: “Hameno. Ko ndini muchengeti wemunin’ina wangu here?” 10 Iye akabva ati: “Waitei? Inzwa! Ropa remunin’ina wako riri kushevedzera kwandiri riri panyika.+ 11 Iye zvino watukwa uye wadzingwa panyika iyo yashama muromo wayo kuti igamuchire ropa remunin’ina wako radeurwa neruoko rwako.+ 12 Paucharima ivhu, harizokudzoreri zvibereko zvaro.* Uchava mudzungairi uye mupoteri panyika.” 13 Kaini akabva ati kuna Jehovha: “Chirango chekukanganisa kwangu chanyanya kundiremera. 14 Nhasi muri kundidzinga panyika, uye ndichange ndabva pamberi penyu; ndichava mudzungairi nemupoteri panyika, uye chero munhu achandiwana achatondiuraya chete.” 15 Jehovha akabva ati kwaari: “Saka munhu anouraya Kaini achatsiviwa ka7.”

Jehovha akabva aisira Kaini chiratidzo kuti chero munhu aizomuwana asamuuraya. 16 Saka Kaini akabva pamberi paJehovha uye akatanga kugara munyika yeNodhi,* kumabvazuva kweEdheni.+

17 Pashure paizvozvo Kaini akarara nemudzimai wake,+ uyo akabva abata pamuviri, akabereka Inoki. Akabva atanga kuvaka guta, ndokuritumidza zita remwanakomana wake Inoki. 18 Inoki akazobereka Iradhi. Iradhi akabereka Mehujaeri, Mehujaeri akabereka Metushaeri, Metushaeri akabereka Rameki.

19 Rameki akawana madzimai maviri. Wekutanga ainzi Adha, wechipiri ainzi Zira. 20 Adha akabereka Jabhari. Jabhari ndiye akatanga upenyu hwekugara mumatende nekuchengeta zvipfuwo. 21 Munin’ina wake ainzi Jubhari. Ndiye akatanga zvekuridza zviridzwa zvine tambo nezviridzwa zvinoita zvekufuridzwa.* 22 Kana ari Zira, akabereka Tubhari-kaini, uyo aipfura midziyo yemarudzi ese yemhangura nesimbi. Uye hanzvadzi yaTubhari-kaini yainzi Naama. 23 Rameki akazotaura mashoko aya kumadzimai ake Adha naZira:

“Inzwai inzwi rangu, imi madzimai aRameki;

Teererai zvandiri kutaura:

Ndakauraya munhu nekuti akandikuvadza,

Iro jaya, nekuti rakandirova.

24 Kana anouraya Kaini achifanira kutsiviwa ka7,+

Anouraya Rameki anofanira kutsiviwa ka77.”

25 Adhamu akararazve nemudzimai wake, akabereka mwanakomana. Mudzimai wacho akamutumidza kuti Seti*+ nekuti aiti, “Mwari andipa mumwe mwana* anotsiva Abheri, nekuti akaurayiwa naKaini.”+ 26 Seti akavawo nemwanakomana, akamutumidza kuti Inoshi.+ Panguva iyoyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe