RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatongi 17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVatongi

      • Zvidhori zvaMika nemupristi wake (1-13)

Vatongi 17:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 17:14, 15

Vatongi 17:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ndichatsvenesa.”

  • *

    Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:4; Re 26:1; Dhe 27:15

Vatongi 17:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”

Vatongi 17:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

  • *

    Kana kuti “vanamwari vemumba; materafimu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:6; Vat 8:27
  • +Ge 31:19
  • +Nu 3:10; Dhe 12:11, 13; 2Mak 13:8, 9

Vatongi 17:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvakarurama mumaziso ake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 8:4, 5
  • +Vat 21:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/2005, p. 27

Vatongi 17:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mik 5:2
  • +Nu 3:45; Jos 14:3; 18:7

Vatongi 17:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 17:1, 5

Vatongi 17:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “baba.”

Vatongi 17:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 3:10; Vat 17:5

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Vat. 17:1Jos 17:14, 15
Vat. 17:3Eks 20:4; Re 26:1; Dhe 27:15
Vat. 17:5Eks 28:6; Vat 8:27
Vat. 17:5Ge 31:19
Vat. 17:5Nu 3:10; Dhe 12:11, 13; 2Mak 13:8, 9
Vat. 17:61Sa 8:4, 5
Vat. 17:6Vat 21:25
Vat. 17:7Mik 5:2
Vat. 17:7Nu 3:45; Jos 14:3; 18:7
Vat. 17:8Vat 17:1, 5
Vat. 17:12Nu 3:10; Vat 17:5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Vatongi 17:1-13

Vatongi

17 Kwaiva nemumwe murume wekunyika ine makomo yaEfremu+ ainzi Mika. 2 Akati kuna amai vake: “Ndini ndine masirivha 1 100 amakashaya, mukataura mashoko ekutuka nezvawo, ini ndikanzwa mashoko acho. Ndini ndakaatora.” Amai vake vakabva vati: “Jehovha ngaakomborere mwanakomana wangu.” 3 Saka akadzorera amai vake masirivha acho 1 100, asi amai vake vakati: “Ndichapa* Jehovha sirivha yacho ichibva muruoko rwangu kuti mwanakomana wangu aishandise pakugadzira mufananidzo wakavezwa uye mufananidzo wesimbi.*+ Ndava kuidzorera kwauri.”

4 Pashure pekunge adzorera sirivha yacho kuna amai vake, amai vake vakatora masirivha 200 vakaapa mupfuri wesirivha. Akagadzira mufananidzo wakavezwa uye mufananidzo wesimbi.* Mifananidzo yacho yakabva yaiswa mumba maMika. 5 Murume uyu Mika aiva neimba yaiva navanamwari. Akagadzira efodhi*+ uye zvidhori,*+ akagadza mumwe wevanakomana vake, kuti ashande semupristi wake.+ 6 Mumazuva iwayo, muIsraeri makanga musina mambo.+ Munhu aiita zvaaifunga kuti ndizvo zvakarurama.*+

7 Paiva nemumwe murume wechidiki wekuBhetrehema+ iri muJudha aiva wemhuri yaJudha. Aiva muRevhi+ uye akanga ava nenguva yakati achigara imomo. 8 Murume wacho akabuda muguta reBhetrehema iri muJudha kuti anotsvaga pekugara. Paaifamba, akasvika munyika ine makomo yaEfremu, kumba kwaMika.+ 9 Mika akabva ati kwaari: “Unobvepi?” Iye akati: “Ndiri muRevhi wekuBhetrehema iri muJudha, ndiri kuenda kunotsvaga nzvimbo yekugara.” 10 Mika akati kwaari: “Gara neni uve chipangamazano* nemupristi wangu. Ndichakupa masirivha 10 pagore nenguo nezvekudya zvako.” Saka muRevhi wacho akabva apinda. 11 MuRevhi wacho akabvuma kugara naMika, akava semumwe wevanakomana vake. 12 Mika akagadzawo muRevhi wacho kuti ave mupristi wake+ uye akagara mumba maMika. 13 Mika akabva ati: “Ndava kuziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, nekuti muRevhi uyu ava mupristi wangu.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe