RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatongi 18
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVatongi

      • VaDhani vanotsvaga nyika yekugara (1-31)

        • Zvidhori zvaMika zvinotorwa pamwe nemupristi wake (14-20)

        • Raishi inotorwa yotumidzwa kuti Dhani (27-29)

        • Kunamata chidhori muDhani (30, 31)

Vatongi 18:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nhaka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 8:23; 1Sa 8:4, 5
  • +Jos 19:40
  • +Jos 19:47, 48; Vat 1:34

Vatongi 18:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanosora.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:41, 48
  • +Vat 17:1, 5

Vatongi 18:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “matauriro emurume.”

Vatongi 18:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 17:9, 10

Vatongi 18:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:47, 48; Vat 18:29
  • +Vat 18:27

Vatongi 18:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 33; Vat 18:2

Vatongi 18:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 18:7, 27
  • +Eks 3:8; Dhe 8:7-9

Vatongi 18:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 18:2

Vatongi 18:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Musasa waDhani.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 7:1
  • +Vat 13:24, 25

Vatongi 18:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 17:1, 5

Vatongi 18:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kunosora.”

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

  • *

    Kana kuti “navanamwari vemumba; neterafimu.”

  • *

    Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 18:2, 29
  • +Dhe 27:15; Vat 17:4, 5

Vatongi 18:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 17:7, 12; 18:30

Vatongi 18:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 18:11

Vatongi 18:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “navanamwari vemumba; neterafimu.”

  • *

    Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 18:2
  • +Eks 28:6; Vat 8:27
  • +Ge 31:19
  • +Re 19:4; Dhe 27:15; Vat 17:3-5
  • +Vat 17:12

Vatongi 18:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “navanamwari vemumba; neterafimu.”

  • *

    Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”

Vatongi 18:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “baba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 17:12
  • +Vat 18:30

Vatongi 18:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “navanamwari vemumba; neterafimu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 17:4, 5

Vatongi 18:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya wako uye nemweya yeveimba yako.”

Vatongi 18:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:47, 48; Vat 18:29
  • +Vat 18:7, 10

Vatongi 18:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 13:17, 21

Vatongi 18:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:47, 48; Vat 20:1; 1Mad 4:25; 12:28, 29
  • +Ge 30:6; 32:28
  • +Vat 18:7

Vatongi 18:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 17:1, 4; 18:18
  • +Vat 17:12
  • +Eks 2:21, 22

Vatongi 18:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:2; Jos 18:1; 1Sa 1:3

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Vat. 18:1Vat 8:23; 1Sa 8:4, 5
Vat. 18:1Jos 19:40
Vat. 18:1Jos 19:47, 48; Vat 1:34
Vat. 18:2Jos 19:41, 48
Vat. 18:2Vat 17:1, 5
Vat. 18:4Vat 17:9, 10
Vat. 18:7Jos 19:47, 48; Vat 18:29
Vat. 18:7Vat 18:27
Vat. 18:8Jos 15:20, 33; Vat 18:2
Vat. 18:10Vat 18:7, 27
Vat. 18:10Eks 3:8; Dhe 8:7-9
Vat. 18:11Vat 18:2
Vat. 18:121Sa 7:1
Vat. 18:12Vat 13:24, 25
Vat. 18:13Vat 17:1, 5
Vat. 18:14Vat 18:2, 29
Vat. 18:14Dhe 27:15; Vat 17:4, 5
Vat. 18:15Vat 17:7, 12; 18:30
Vat. 18:16Vat 18:11
Vat. 18:17Vat 18:2
Vat. 18:17Eks 28:6; Vat 8:27
Vat. 18:17Ge 31:19
Vat. 18:17Re 19:4; Dhe 27:15; Vat 17:3-5
Vat. 18:17Vat 17:12
Vat. 18:19Vat 17:12
Vat. 18:19Vat 18:30
Vat. 18:20Vat 17:4, 5
Vat. 18:27Jos 19:47, 48; Vat 18:29
Vat. 18:27Vat 18:7, 10
Vat. 18:28Nu 13:17, 21
Vat. 18:29Jos 19:47, 48; Vat 20:1; 1Mad 4:25; 12:28, 29
Vat. 18:29Ge 30:6; 32:28
Vat. 18:29Vat 18:7
Vat. 18:30Vat 17:1, 4; 18:18
Vat. 18:30Vat 17:12
Vat. 18:30Eks 2:21, 22
Vat. 18:31Eks 40:2; Jos 18:1; 1Sa 1:3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Vatongi 18:1-31

Vatongi

18 Mazuva iwayo muIsraeri makanga musina mambo.+ Uye mazuva iwayo dzinza revaDhani+ rakanga richitsvaga nzvimbo* yekugara, nekuti kusvikira panguva iyoyo vakanga vasati vawana nhaka pakati pemadzinza aIsraeri.+

2 VaDhani vakatuma varume vashanu vemhuri yavo, varume vakashinga vaibva kuZora neEshtaori,+ kuti vanoongorora* nyika nekuona zvayakaita. Vakati kwavari: “Endai munoona zvakaita nyika.” Pavakasvika munyika ine makomo yaEfremu, kumba kwaMika,+ vakarara ikoko. 3 Pavaiva pedyo neimba yaMika, vakaziva inzwi remurume* uya wechidiki muRevhi, saka vakaenda kwaari vakamubvunza kuti: “Ndiani akakuunza kuno? Uri kuitei munzvimbo ino? Uri kugarirei pano?” 4 Iye akati kwavari: “Mika akandiitira zvekuti nezvekuti uye akanditora kuti ndishande semupristi wake achindibhadhara.”+ 5 Vakabva vati kwaari: “Tapota bvunza Mwari kuti tizive kana rwendo rwedu ruchizobudirira.” 6 Mupristi wacho akati kwavari: “Endai nerugare. Jehovha anemi parwendo rwenyu.”

7 Saka varume vacho vashanu vakapfuurira, vakasvika kuguta reRaishi.+ Vakaona kuti vanhu vaiva muguta racho vaizviraramira havo vega sezvaiitwa nevaSidhoni. Vakanga vakazvinyararira, vasina chavaifungira,+ uye kwainge kusina vatongi vaipinda munyika yavo kuti vavadzvinyirire. Vaiva kure chaizvo nevaSidhoni, uye vakanga vasina vamwe vanhu vavaidyidzana navo.

8 Varume vacho pavakadzokera kuhama dzavo kuZora neEshtaori,+ hama dzavo dzakati kwavari: “Makaona kwakadii?” 9 Ivo vakapindura vachiti: “Handei tinovarwisa, nekuti takaona kuti nyika yacho yakanaka chaizvo. Muri kuzezei? Musanonoka kuenda kunotora nyika yacho. 10 Pamuchasvika, muchaona vanhu varimo avo vasina chavari kumbofungira;+ nyika yacho yakakura chaizvo. Mwari aisa nyika yacho mumaoko enyu uye munyika yacho hamuna chinhu chiri panyika chinoshayikwa.”+

11 Varume 600 vainge vakapakata zvombo zvehondo, vemhuri yevaDhani, vakabva vasimuka vachibva kuZora neEshtaori.+ 12 Vakaenda vakanodzika musasa paKiriyati-jearimu+ iri muJudha. Ndokusaka nzvimbo iyoyo iri kumavirira kweKiriyati-jearimu ichinzi Mahane-dhani*+ nanhasi. 13 Vakabva ipapo vakaenda kunyika ine makomo yaEfremu, vakasvika pamba paMika.+

14 Varume vashanu vakanga vaenda kunoongorora* nyika yeRaishi+ vakati kuhama dzavo: “Maizviziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi,* nezvidhori,* nemufananidzo wakavezwa uye mufananidzo wesimbi?*+ Fungai zvekuita.” 15 Saka vakamira ipapo, vakaenda kuimba yemurume uya wechidiki muRevhi,+ pamba paMika, vakamubvunza upenyu. 16 Munguva yese iyi varume 600 vekwaDhani,+ avo vainge vakapakata zvombo zvehondo, vakanga vakamira pagedhi. 17 Varume vashanu vakanga vaenda kunosora nyika+ vakapinda mukati kuti vatore mufananidzo wakavezwa, neefodhi,+ nezvidhori,*+ nemufananidzo wesimbi.*+ (Mupristi wacho+ akanga akamira pagedhi aine varume 600 vakanga vakapakata zvombo zvehondo.) 18 Vakapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, neefodhi, nezvidhori,* nemufananidzo wesimbi.* Mupristi wacho akati kwavari: “Muri kuitei?” 19 Asi vakati kwaari: “Nyarara. Bata muromo wako, uende nesu kuti unova chipangamazano* nemupristi wedu. Ndezvipi zviri nani, kuti uve mupristi weimba yemunhu mumwe chete+ kana kuti uve mupristi wedzinza newemhuri muIsraeri?”+ 20 Mupristi wacho akagutsikana nazvo, achibva atora efodhi nezvidhori,* nemufananidzo wakavezwa,+ akabva aenda nevanhu vacho.

21 Vakabva vasimuka kuti vaende, vakaisa vana nezvipfuwo nezvinhu zvinokosha mberi kwavo. 22 Pavakanga vafamba chinhambwe kubva pamba paMika, varume vaigara mudzimba dzaiva pedyo neimba yaMika vakabva vaungana, vakatevera vaDhani vakavabata. 23 Pavakashevedzera kuvaDhani, vaDhani vakabva vacheuka vakati kuna Mika: “Chii chanetsa? Nei maungana pamwe chete?” 24 Akabva ati: “Matora vanamwari vangu vandakagadzira, mukabva matorawo nemupristi wacho. Zvino ini ndasara nei? Saka mungati sei kwandiri, ‘Chii chiri kukunetsa?’” 25 VaDhani vakamupindura vachiti: “Usatikwidzira inzwi; nekuti varume vakatsamwa vanogona kukurwisa worasikirwa neupenyu hwako nehwevanhu veimba yako.”* 26 Saka vaDhani vakaenderera mberi nerwendo rwavo; uye Mika paakaona kuti vaiva nesimba kumupfuura, akabva atendeuka ndokudzokera kumba kwake.

27 Pashure pekunge vatora zvakanga zvagadzirwa naMika pamwe chete nemupristi wake, vakabva vaenda kuRaishi,+ kuvanhu vakanga vakazvinyararira, vasina chavaifungira.+ Vakavauraya nebakatwa uye vakapisa guta racho nemoto. 28 Hapana aigona kubatsira vanhu vemuguta iri nekuti raiva kure neSidhoni, uye hapana mumwe wavaidyidzana naye uye guta racho rakanga riri mubani reBheti-rehobhu.+ Vakabva vavakazve guta racho vakagara mariri. 29 Uyewo vakatumidza guta racho kuti Dhani,+ iro raiva zita rababa vavo Dhani, mwanakomana waIsraeri.+ Asi guta racho raimbonzi Raishi.+ 30 Pashure paizvozvo vaDhani vakazvimisira mufananidzo wakavezwa,+ uye Jonatani+ mwanakomana waGeshomu,+ mwanakomana waMozisi, nevanakomana vake, vakava vapristi vedzinza revaDhani kusvikira pazuva rakazotapwa vagari vemunyika yacho. 31 Vakamisa mufananidzo wakavezwa wakanga wagadzirwa naMika, uye wakaramba uri ipapo mazuva ese ayo imba yaMwari wechokwadi yaiva muShiro.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe