RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatongi 20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVatongi

      • Kurwa nevaBhenjamini (1-48)

Vatongi 20:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “semunhu mumwe chete.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:47, 48; Vat 18:29
  • +Jos 22:9
  • +1Sa 7:5; 10:17; 2Mad 25:23

Vatongi 20:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:17; 2Sa 24:9

Vatongi 20:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:22

Vatongi 20:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:1, 2
  • +Vat 19:12, 14

Vatongi 20:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “Varidzi venyika yeGibhiya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:25, 26

Vatongi 20:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:29

Vatongi 20:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:30

Vatongi 20:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “semunhu mumwe chete.”

Vatongi 20:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:18; Zvi 16:33

Vatongi 20:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “semunhu mumwe chete.”

Vatongi 20:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:22, 25
  • +Dhe 13:5; 17:7; 22:22; 1VaK 5:6, 13

Vatongi 20:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:2

Vatongi 20:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:30; Nu 27:21; Vat 20:27

Vatongi 20:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:28

Vatongi 20:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:21

Vatongi 20:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:23
  • +2Mak 20:3; Ezr 8:21
  • +Re 1:3
  • +Re 3:1

Vatongi 20:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 27:21; Vat 20:18

Vatongi 20:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “aimira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 6:25; Nu 25:7
  • +Vat 20:23

Vatongi 20:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 8:3, 4

Vatongi 20:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:20, 22

Vatongi 20:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:36
  • +Vat 20:39

Vatongi 20:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:21, 25

Vatongi 20:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:28, 48
  • +Vat 20:14, 15, 46

Vatongi 20:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:31
  • +Vat 20:29

Vatongi 20:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:31
  • +Vat 20:21, 25

Vatongi 20:44

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:15

Vatongi 20:45

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 21:13

Vatongi 20:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:15, 35

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Vat. 20:1Jos 19:47, 48; Vat 18:29
Vat. 20:1Jos 22:9
Vat. 20:11Sa 7:5; 10:17; 2Mad 25:23
Vat. 20:2Vat 20:17; 2Sa 24:9
Vat. 20:3Vat 19:22
Vat. 20:4Vat 19:1, 2
Vat. 20:4Vat 19:12, 14
Vat. 20:5Vat 19:25, 26
Vat. 20:6Vat 19:29
Vat. 20:7Vat 19:30
Vat. 20:9Vat 20:18; Zvi 16:33
Vat. 20:13Vat 19:22, 25
Vat. 20:13Dhe 13:5; 17:7; 22:22; 1VaK 5:6, 13
Vat. 20:17Vat 20:2
Vat. 20:18Eks 28:30; Nu 27:21; Vat 20:27
Vat. 20:23Vat 20:28
Vat. 20:25Vat 20:21
Vat. 20:26Vat 20:23
Vat. 20:262Mak 20:3; Ezr 8:21
Vat. 20:26Re 1:3
Vat. 20:26Re 3:1
Vat. 20:27Nu 27:21; Vat 20:18
Vat. 20:28Eks 6:25; Nu 25:7
Vat. 20:28Vat 20:23
Vat. 20:29Jos 8:3, 4
Vat. 20:30Vat 20:20, 22
Vat. 20:31Vat 20:36
Vat. 20:31Vat 20:39
Vat. 20:32Vat 20:21, 25
Vat. 20:35Vat 20:28, 48
Vat. 20:35Vat 20:14, 15, 46
Vat. 20:36Vat 20:31
Vat. 20:36Vat 20:29
Vat. 20:39Vat 20:31
Vat. 20:39Vat 20:21, 25
Vat. 20:44Vat 20:15
Vat. 20:45Vat 21:13
Vat. 20:46Vat 20:15, 35
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Vatongi 20:1-48

Vatongi

20 VaIsraeri vese vakabva vabuda kubvira kuDhani+ kusvikira kuBheeri-shebha uye kubva kunyika yeGiriyedhi,+ uye ungano yese yakaungana pamwe chete yakabatana* pamberi paJehovha kuMizpa.+ 2 Saka vakuru vevanhu nemadzinza ese eIsraeri vakamira munzvimbo dzavo muungano yevanhu vaMwari, varwi vanofamba netsoka 400 000 vaine mapakatwa.+

3 VaBhenjamini vakanzwa kuti varume veIsraeri vakanga vaenda kuMizpa.

Varume veIsraeri vakabva vati: “Tiudzei, zvinhu izvi zvakaipa kudai zvakaitika sei?”+ 4 MuRevhi wacho,+ murume wemukadzi akanga aurayiwa, akabva apindura achiti: “Ndakaenda kuGibhiya+ yaBhenjamini ndiine murongo wangu kuti tirare ikoko. 5 Vagari veGibhiya* vakasimuka kuti vandirwise, vakakomba imba usiku. Ndini wavaida kuuraya, asi vakazobata murongo wangu chibharo, akafa.+ 6 Saka ndakatora mutumbi wemurongo wangu ndikaudimbura-dimbura ndikabva ndatumira zvidimbu zvacho kunharaunda imwe neimwe yenhaka yevaIsraeri,+ nekuti vakanga vaita zvinhu zvinonyadzisa chaizvo uye zvakafumuka muIsraeri. 7 Saka imi vanhu vese veIsraeri, taurai zano renyu nezvamunofunga+ kuti tiite panyaya iyi.”

8 Vanhu vese vakabva vasimuka vakabatana* vakati: “Hapana kana mumwe wedu achaenda kutende rake kana kudzokera kumba kwake. 9 Izvi ndizvo zvatichaitira Gibhiya: Tichakanda mujenya tobva taenda kunoirwisa.+ 10 Tichatora varume 10 pavarume 100 kubva mumadzinza ese evaIsraeri, uye varume 100 kubva pavarume 1 000 uye varume 1 000 kubva pavarume 10 000, kuti vaunganidze mbuva yevarwi kuti varwise vanhu veGibhiya yaBhenjamini, nemhaka yezvinhu zvakafumuka zvavakaita muIsraeri.” 11 Saka varume vese veIsraeri vakaungana kuti varwise guta racho, vakabatana.*

12 Madzinza evaIsraeri akabva atumira varume kuvanhu vese vedzinza raBhenjamini, achiti: “Ndicho chiiko ichi chakaipa kudai chakaitwa pakati penyu? 13 Tipei varume ivavo vasingabatsiri vemuGibhiya,+ kuti tivauraye tobvisa zvakaipa muIsraeri.”+ Asi vaBhenjamini vakaramba kuteerera hama dzavo vaIsraeri.

14 VaBhenjamini vakabva mumaguta vakanoungana kuGibhiya kuti vaende kunorwa nevarume veIsraeri. 15 Pazuva iroro, vaBhenjamini vakaunganidza varume 26 000 vaiva nemapakatwa kubva mumaguta avo, tisingabatanidzi varume 700 vemuGibhiya vaiva shasha dzekurwa. 16 Muuto iri maiva nevarume 700 vaiva shasha dzekurwa vaishandisa ruboshwe. Mumwe nemumwe wevarume ava aikwanisa kupotsera dombo nechipfuramabwe zvekugona kurova kabvudzi kamwe chete uye aisapotsa.

17 Varume veIsraeri, tisingabatanidzi vekwaBhenjamini, vakaunganidza varume 400 000 vaiva nemapakatwa,+ uye mumwe nemumwe wavo aiva nyanzvi pakurwa. 18 Vakasimuka, vakaenda kuBheteri kunobvunza Mwari.+ VaIsraeri vakabva vati: “Ndiani wedu anofanira kutungamirira pakurwa nevaBhenjamini?” Jehovha akapindura kuti: “Judha ngaatungamirire.”

19 Pashure paizvozvo vaIsraeri vakamuka mangwanani, vakadzika musasa kuti varwe neGibhiya.

20 Varume veIsraeri vakabva vabuda kuti vanorwa nevaBhenjamini; vakaronga mauto avo kuGibhiya kuti varwe navo. 21 Saka vaBhenjamini vakabuda muGibhiya, vakauraya varume veIsraeri 22 000 zuva iroro. 22 Zvisinei, uto revarume veIsraeri rakaratidza ushingi, richibva ragadzirirazve kurwa panzvimbo yaraiva pazuva rekutanga. 23 VaIsraeri vakabva vaenda vakachema pamberi paJehovha kusvikira manheru, vakabvunza Jehovha vachiti: “Tiende zvakare kunorwisa hama dzedu vaBhenjamini here?”+ Jehovha akabva ati: “Endai munorwa navo.”

24 Saka vaIsraeri vakaswedera pedyo nevaBhenjamini pazuva rechipiri. 25 VaBhenjamini vakabva vabudawo muGibhiya kuti vanosangana navo pazuva rechipiri uye vakauraya vamwe vaIsraeri 18 000,+ vese ava vaiva nemapakatwa. 26 Varume vese veIsraeri vakabva vaenda kuBheteri. Vakachema, vakagara ipapo pamberi paJehovha,+ uye vakatsanya+ pazuva iroro kusvikira manheru, vakapa zvibayiro zvinopiswa+ nezvibayiro zverugare+ pamberi paJehovha. 27 Pashure paizvozvo varume veIsraeri vakabvunza Jehovha,+ nekuti areka yesungano yaMwari wechokwadi yaiva ikoko mazuva iwayo. 28 Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari, mwanakomana waAroni, ndiye aishumira* pamberi payo mazuva iwayo. Vakabvunza kuti: “Tibude zvakare here kuti tinorwa nehama dzedu varume vekwaBhenjamini kana kuti torega?”+ Jehovha akapindura kuti: “Endai, nekuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.” 29 VaIsraeri vakabva vaisa varume kuti vahwandire+ vakakomberedza Gibhiya.

30 VaIsraeri vakaenda kunorwa nevaBhenjamini pazuva rechitatu, vakagadzirira kurwa neGibhiya sezvavaiita pane dzimwe nguva.+ 31 VaBhenjamini pavakabuda kuti vanosangana neuto racho, vakabva vaendeswa kure neguta.+ Sezvavakanga vamboita pane dzimwe nguva, vakatanga kurwisa, vachiuraya vamwe vevarume vaiva mumigwagwa mikuru, mumwe wacho unoenda kuBheteri uye mumwe kuGibhiya, vakasiya varume vanenge 30 veIsraeri vafa musango.+ 32 Saka vaBhenjamini vakati: “Tiri kuvakunda sezvatakaita pakutanga.”+ Asi vaIsraeri vakati: “Tichatiza uye tichavaendesa kumigwagwa mikuru kure neguta.” 33 Varume vese veIsraeri vakabva vasimuka munzvimbo dzavo, vakaronga uto ravo paBhaari-tamari, ukuwo vaIsraeri vaya vainge vakahwandira vakabuda vachimhanya kubva pavainge vakahwanda pedyo neGibhiya vachienda kunorwisa. 34 Saka varume 10 000 vakasarudzwa kubva pakati pevaIsraeri vese vakasvika pamberi peGibhiya, uye pakarwiwa zvinotyisa. Asi vaBhenjamini havana kuziva kuti zvinhu zvakanga zvava kuvaipira.

35 Jehovha akakunda vaBhenjamini+ pamberi pevaIsraeri, uye zuva iroro vaIsraeri vakauraya varume 25 100 vekwaBhenjamini, vese ivavo vaiva nemapakatwa.+

36 Zvisinei, vaBhenjamini pavakaona varume veIsraeri vachitiza vakafunga kuti vaizovakunda,+ asi vakatiza nekuti vaivimba nevaya vainge vaiswa kuti vahwandire Gibhiya.+ 37 Vaya vakanga vakahwandira vakakurumidza kumhanya kunorwisa Gibhiya. Vakabva vapararira, vakauraya guta rese nebakatwa.

38 Varume veIsraeri vakanga varonga kuti varume vainge vakahwandira guta vazopa chiratidzo cheutsi hunokwira huchibva ikoko.

39 VaIsraeri pavakatendeuka vachitiza, varume vekwaBhenjamini vakatanga nekurwisa uye kuuraya varume veIsraeri 30,+ uye vakati: “Chokwadi tiri kuvakunda zvakare, sezvatakaita patakamborwa navo.”+ 40 Asi utsi hwakawanda hwakatanga kukwira huchibva muguta sechiratidzo. Varume vekwaBhenjamini pavakacheuka kuti vatarise, vakaona guta rese richinganduma moto uchikwira mudenga. 41 Varume veIsraeri vakabva vatendeuka, uye varume vekwaBhenjamini vakatya, nekuti vakaona kuti dambudziko rakanga ravawira. 42 Saka vakatiza varume veIsraeri vakananga kurenje, asi hondo yacho yakavatevera; varume vaibuda mumaguta vakabva vabatana nevamwe pakuvauraya. 43 Vakakomba vaBhenjamini uye vakaramba vakati name name navo. Vakavakunda pamberi chaipo peGibhiya nechekumabvazuva. 44 Pakazofa varume vekwaBhenjamini 18 000, vese vari varwi vane simba.+

45 Varume vekwaBhenjamini vakatendeuka vakatizira kurenje kudombo reRimoni,+ uye vaIsraeri vakauraya vaBhenjamini 5 000 mumigwagwa mikuru, vakaramba vachivatevera kusvikira kuGidhomu; saka vakauraya vamwezve varume 2 000. 46 Vanhu vese vekwaBhenjamini vakafa zuva iroro vakasvika varume 25 000 vaiva nemapakatwa,+ uye vese vaiva varwi vane simba. 47 Asi varume 600 vakatizira kurenje kudombo reRimoni, uye vakagara padombo reRimoni kwemwedzi mina.

48 Varume veIsraeri vakabva vadzokera kuti vanorwa nevaBhenjamini, vakauraya vaya vaiva mumaguta nebakatwa, kubva kuvanhu kusvikira kuzvipfuwo, zvese zvakanga zvasara. Vakapisawo maguta ese kwese kwavaipfuura nako.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe