RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 42
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Vakoma vaJosefa vanoenda kuIjipiti (1-4)

      • Josefa anoonana nevakoma vake ovaedza (5-25)

      • Vakoma vaJosefa vanodzokera kumba kuna Jakobho (26-38)

Genesisi 42:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:48, 49

Genesisi 42:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 7:12

Genesisi 42:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 2:1, 2

Genesisi 42:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:18, 19; 42:38; 44:20
  • +Ge 43:14

Genesisi 42:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:57; Mab 7:11

Genesisi 42:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:44; 45:8; Pis 105:21; Mab 7:9, 10
  • +Ge 47:14
  • +Ge 37:7, 9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/2015, p. 13

Genesisi 42:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:23
  • +Ge 37:1; Mab 7:11, 12

Genesisi 42:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:7-9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/2015, p. 13

Genesisi 42:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 2:1, 2
  • +Eks 1:1-4
  • +Ge 35:18, 19; 42:38; 43:7
  • +Ge 37:27, 35; 44:20

Genesisi 42:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:34; 43:29

Genesisi 42:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 45:21, 23

Genesisi 42:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kutambudzika kwaiita mweya wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:18, 28; 50:17; Mab 7:9

Genesisi 42:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:21
  • +Ge 9:5

Genesisi 42:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:30
  • +Ge 42:19
  • +Ge 43:23

Genesisi 42:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “homwe dzavo dzizadzwe.”

Genesisi 42:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuzoongorora.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:7, 9

Genesisi 42:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:11

Genesisi 42:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:13
  • +Ge 37:28, 35
  • +Ge 35:18, 19; 42:4

Genesisi 42:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:19
  • +Ge 42:2

Genesisi 42:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:14
  • +Ge 37:28, 35
  • +Ge 42:24

Genesisi 42:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:22; 46:9
  • +Ge 43:8, 9; 44:32

Genesisi 42:38

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:31-34; 44:20
  • +Pis 89:48; Mup 9:10; Ho 13:14; Mab 2:27; Zva 20:13
  • +Ge 37:34, 35; 44:29

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 42:1Ge 41:48, 49
Gen. 42:2Mab 7:12
Gen. 42:31Mak 2:1, 2
Gen. 42:4Ge 35:18, 19; 42:38; 44:20
Gen. 42:4Ge 43:14
Gen. 42:5Ge 41:57; Mab 7:11
Gen. 42:6Ge 41:44; 45:8; Pis 105:21; Mab 7:9, 10
Gen. 42:6Ge 47:14
Gen. 42:6Ge 37:7, 9
Gen. 42:7Ge 42:23
Gen. 42:7Ge 37:1; Mab 7:11, 12
Gen. 42:9Ge 37:7-9
Gen. 42:131Mak 2:1, 2
Gen. 42:13Eks 1:1-4
Gen. 42:13Ge 35:18, 19; 42:38; 43:7
Gen. 42:13Ge 37:27, 35; 44:20
Gen. 42:15Ge 42:34; 43:29
Gen. 42:19Ge 45:21, 23
Gen. 42:21Ge 37:18, 28; 50:17; Mab 7:9
Gen. 42:22Ge 37:21
Gen. 42:22Ge 9:5
Gen. 42:24Ge 43:30
Gen. 42:24Ge 42:19
Gen. 42:24Ge 43:23
Gen. 42:30Ge 42:7, 9
Gen. 42:31Ge 42:11
Gen. 42:32Ge 42:13
Gen. 42:32Ge 37:28, 35
Gen. 42:32Ge 35:18, 19; 42:4
Gen. 42:33Ge 42:19
Gen. 42:33Ge 42:2
Gen. 42:36Ge 43:14
Gen. 42:36Ge 37:28, 35
Gen. 42:36Ge 42:24
Gen. 42:37Ge 37:22; 46:9
Gen. 42:37Ge 43:8, 9; 44:32
Gen. 42:38Ge 37:31-34; 44:20
Gen. 42:38Pis 89:48; Mup 9:10; Ho 13:14; Mab 2:27; Zva 20:13
Gen. 42:38Ge 37:34, 35; 44:29
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 42:1-38

Genesisi

42 Jakobho paakanzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo,+ akati kuvanakomana vake: “Muri kurambireiko makangotarisana?” 2 Akawedzera kuti: “Ndakanzwa kuti kuIjipiti kune zviyo. Endai ikoko munotitengera, kuti tirarame, tirege kufa nenzara.”+ 3 Saka vakoma vaJosefa gumi+ vakaenda kunotenga zviyo kuIjipiti. 4 Asi Jakobho haana kutuma Bhenjamini,+ munin’ina waJosefa, pamwe chete nevakoma vake, nekuti akati: “Angangosangana nenjodzi akafa.”+

5 Saka vanakomana vaIsraeri vakabatana nevamwe vaienda kunotenga, nekuti nzara yakanga yasvika munyika yeKenani.+ 6 Josefa ndiye murume aiva nesimba munyika yeIjipiti,+ uye ndiye aitengesera zviyo vanhu vese vepanyika.+ Saka vakoma vaJosefa vakasvika vakamugwadamira vakaisa zviso zvavo pasi.+ 7 Josefa paakaona vakoma vake, akabva angovaziva, asi akaita kuti ivo vasamuziva.+ Saka akataura navo nehasha achiti: “Mabva kupi?” ivo vakati: “Tabva kunyika yeKenani uye tauya kuzotenga zvekudya.”+

8 Saka Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. 9 Josefa akabva ayeuka hope dzaakamborota nezvavo,+ uye akati kwavari: “Muri vasori! Mauya kuzoona kuti nyika haina kudzivirirwa papi!” 10 Ivo vakabva vati kwaari: “Aiwa ishe wangu, varanda venyu vauya kuzotenga zvekudya. 11 Tese tiri vanakomana vemunhu mumwe. Tiri varume vakarurama. Varanda venyu havasi vasori.” 12 Asi akati kwavari: “Handizvo! Mauya kuzoona kuti nyika haina kudzivirirwa papi!” 13 Ivo vakabva vati: “Varanda venyu vanakomana 12+ vemunhu mumwe+ wekunyika yeKenani, uye gotwe rina baba vedu,+ asi mumwe wacho haasisipo.”+

14 Asi Josefa akati kwavari: “Ndizvo zvandakuudzai, ‘Muri vasori!’ 15 Muchaedzwa neizvi: Ndinopika naFarao mupenyu, hamusi kuzobva pano kusvikira munin’ina wenyu wegotwe auya pano.+ 16 Tumai mumwe wenyu kuti anotora munin’ina wenyu vamwe vosara vakasungwa. Izvi zvichaita kuti muonekwe kana mashoko enyu ari echokwadi. Kana zvisina kudaro, naFarao mupenyu, muri vasori.” 17 Akabva avaisa pamwe chete muchitokisi kwemazuva matatu.

18 Josefa akati kwavari pazuva rechitatu: “Itai izvi murarame nekuti ndinotya Mwari. 19 Kana makarurama, mumwe wenyu ngaasare akasungwa ari muchitokisi chenyu, asi vamwe vese endai henyu uye torai zviyo muwane chekumbopawo mhuri dzenyu dziri munzara.+ 20 Mozondiunzira munin’ina wenyu wegotwe, kuti mashoko enyu aoneke kuti ndeechokwadi uye hamuzofi.” Vakaita saizvozvo.

21 Vakataurirana vachiti: “Chokwadi tiri kurangwa nezvatakaitira munin’ina wedu,+ nekuti takaona kutambudzika kwaaiita* paaitikumbira kuti timunzwire tsitsi, asi hatina kumunzwa. Ndokusaka tapinda mutsekwende iyi.” 22 Rubheni akabva avapindura kuti: “Handiti ndakakuudzai kuti, ‘Musaitira mwana zvakaipa,’ imi mukasateerera?+ Zvino ropa rake rava kubvunzwa.”+ 23 Asi vakanga vasingazivi kuti Josefa ainzwisisa zvavaitaura, nekuti paaitaura navo paiva nemuturikiri. 24 Saka akabva pavari akatanga kuchema.+ Paakadzoka ndokutaura navo zvakare, akatora Simiyoni+ akamusunga vakatarisa.+ 25 Josefa akabva arayira kuti masaga avo azadzwe* nezviyo uye kuti mari yavo idzorerwe musaga remumwe nemumwe uye kuti vapiwe mbuva. Vakaitirwa saizvozvo.

26 Saka vakatakudza madhongi avo zviyo zvavo ndokuenda. 27 Mumwe wavo paakavhura saga rake kuti ape dhongi rake chikafu panzvimbo yekurara, akaona mari yake iri musaga rake nechekumuromo. 28 Akabva ati kuvamwe vake: “Onai mari yangu yadzoswa, iyi iri musaga rangu!” Vakabva vapera simba, vakatanga kudedera vakataurirana vachiti: “Mwari atidarireiko nhai?”

29 Pavakasvika kuna Jakobho baba vavo kunyika yeKenani, vakavaudza zvese zvavakanga vasangana nazvo, vachiti: 30 “Ishe wenyika yacho akataura nesu nehasha,+ uye akatipomera kuti takanga tauya kuzosora* nyika. 31 Asi takati kwaari, ‘Tiri varume vakarurama. Hatisi vasori.+ 32 Tiri vanakomana 12+ vababa mumwe chete. Mumwe haasisipo,+ uye mudiki ana baba vedu munyika yeKenani.’+ 33 Asi murume wacho akati kwatiri, ‘Ndichaziva kuti makarurama neizvi: Siyai mumwe wenyu aineni,+ mutore chimwe chinhu chekunopawo mhuri dzenyu dziri munzara, moenda.+ 34 Mundiunzire munin’ina wenyu wegotwe, kuti ndizive kuti hamusi vasori asi muri vanhu vakarurama. Ndichabva ndakudzorerai mumwe wenyu, uye munogona henyu kuramba muchiuya kuzotenga munyika ino.’”

35 Pavakanga vachibvisa zvaiva mumasaga avo, vakaona kuti mari yemumwe nemumwe yaiva musaga rake. Ivo nababa vavo pavakaona homwe dzavo dzemari, vakatya. 36 Jakobho baba vavo vakabva vati kwavari: “Ini ndini wamaita kuti ndirasikirwe!+ Josefa haasisipo,+ Simiyoni haasisipo,+ uye muchatora Bhenjamini! Zvese izvi zviri kurwadzisa inini!” 37 Asi Rubheni akati kuna baba vake: “Kana ndikasadzoka naye, munouraya henyu vanakomana vangu vaviri.+ Muisei mumaoko angu, uye ndichadzoka naye kwamuri.”+ 38 Asi iye akati: “Mwanakomana wangu haasi kuzoenda nemi, nekuti mukoma wake akafa uye ndiye asara.+ Kana akasangana nenjodzi akafa muri parwendo, chokwadi mungaita kuti ndipinde nebvudzi rangu jena muGuva*+ ndiine shungu.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe