RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 45
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Josefa anobuda pachena kuti ndiani (1-15)

      • Vakoma vaJosefa nemunin’ina wake vanodzokera kunotora Jakobho (16-28)

Genesisi 45:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:30
  • +Mab 7:13

Genesisi 45:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1999, p. 30

Genesisi 45:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:28; Mab 7:9

Genesisi 45:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:23, 25; 50:20; Pis 105:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1999, p. 30

Genesisi 45:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:30; 47:18

Genesisi 45:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuti muve nevanosara panyika.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:26

Genesisi 45:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “sababa vaFarao.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 105:21; Mab 7:9, 10

Genesisi 45:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 45:26
  • +Mab 7:14

Genesisi 45:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:33, 34; 47:1; Eks 8:22; 9:26

Genesisi 45:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:12

Genesisi 45:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:23

Genesisi 45:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akawira pamutsipa pemunin’ina.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:29

Genesisi 45:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muchadya zvakakora zvenyika ino.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:6

Genesisi 45:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:39, 40
  • +Ge 45:27; 46:5
  • +Ge 47:9

Genesisi 45:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:6

Genesisi 45:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:34

Genesisi 45:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “madhongi makadzi.”

Genesisi 45:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:21, 22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    6/2017, p. 17

Genesisi 45:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 105:21
  • +Ge 42:38; 44:27, 28

Genesisi 45:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:30

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 45:1Ge 43:30
Gen. 45:1Mab 7:13
Gen. 45:4Ge 37:28; Mab 7:9
Gen. 45:5Ge 47:23, 25; 50:20; Pis 105:17
Gen. 45:6Ge 41:30; 47:18
Gen. 45:7Ge 46:26
Gen. 45:8Pis 105:21; Mab 7:9, 10
Gen. 45:9Ge 45:26
Gen. 45:9Mab 7:14
Gen. 45:10Ge 46:33, 34; 47:1; Eks 8:22; 9:26
Gen. 45:11Ge 47:12
Gen. 45:12Ge 42:23
Gen. 45:14Ge 46:29
Gen. 45:18Ge 47:6
Gen. 45:19Ge 41:39, 40
Gen. 45:19Ge 45:27; 46:5
Gen. 45:19Ge 47:9
Gen. 45:20Ge 46:6
Gen. 45:22Ge 43:34
Gen. 45:24Ge 42:21, 22
Gen. 45:26Pis 105:21
Gen. 45:26Ge 42:38; 44:27, 28
Gen. 45:28Ge 46:30
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 45:1-28

Genesisi

45 Paainzwa izvi Josefa akanga asingachakwanisi kuzvidzora pamberi pevashandi vake.+ Saka akashevedzera kuti: “Vanhu vese ngavambobuda!” Hapana mumwe akasara naJosefa paakazvizivisa kuvana vababa vake.+

2 Akatanga kuchema kwazvo nenzwi riri pamusoro zvekuti vaIjipiti vakazvinzwa uye imba yaFarao yakazvinzwa. 3 Josefa akazoti kuvana vababa vake: “Ndini Josefa. Baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi vana vababa vake vakatadza kana kumupindura, nekuti vakanga vapererwa. 4 Saka Josefa akati kuvana vababa vake: “Swederai henyu pedyo neni.” Ivo vakabva vaswedera pedyo naye.

Akabva ati: “Ndini Josefa mwana wababa venyu, wamakatengesera kuIjipiti.+ 5 Asi musazvitambudza uye musanetsana pamusoro pekuti makanditengesera kuno; nekuti Mwari akandituma kuti ndifanouya kuno kuti ndichengetedze upenyu.+ 6 Rino igore rechipiri renzara panyika,+ uye kuchiine mamwe makore mashanu akuchange kusingarimwe kana kukohwewa. 7 Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndichengetedze dzinza renyu+ panyika* uye kuti akununurei zvinoshamisa moramba muri vapenyu. 8 Saka hamusi imi makandituma kuno, asi akanga ari Mwari wechokwadi, kuti andigadze sachipangamazano mukuru waFarao* uye ishe weimba yake yese uye mutongi wenyika yese yeIjipiti.+

9 “Kurumidzai kudzokera kuna baba vangu munoti kwavari, ‘Zvanzi naJosefa mwanakomana wenyu: “Mwari akandigadza kuti ndive ishe weIjipiti yese.+ Uyai kwandiri. Musanonoka.+ 10 Munofanira kugara munyika yeGosheni,+ pamunenge muri pedyo neni, imi, vanakomana venyu, vazukuru venyu, makwai enyu, mombe dzenyu, nezvese zvamuinazvo. 11 Ndichakupai zvekudya ikoko, nekuti kuchiine mamwe makore mashanu enzara.+ Mukasadaro imi neimba yenyu nezvese zvamuinazvo muchava varombo.”’ 12 Imi naBhenjamini munin’ina wangu muri kuzvionera nemaziso enyu kuti ndini chaiye ndiri kutaura nemi.+ 13 Saka udzai baba vangu nezvekukudzwa kwangu kwese muIjipiti nezvese zvamaona. Chikurumidzai muuye nababa vangu kuno.”

14 Akabva ambundira munin’ina* wake Bhenjamini, akatanga kuchema, uye Bhenjamini akachema akambundira mukoma wake nechemumutsipa.+ 15 Akatsvoda vakoma vake vese, akachema akavambundira, uye pashure paizvozvo vana vababa vake vakataura naye.

16 Mashoko acho akasvika kumba kwaFarao, zvichinzi: “Vakoma vaJosefa nemunin’ina wake vauya!” Farao nevashandi vake vakafadzwa nazvo. 17 Saka Farao akati kuna Josefa: “Udza vana vababa vako kuti: ‘Takudzai mhuka dzenyu, muende kunyika yeKenani, 18 munotora baba venyu nemhuri dzenyu muuye kuno kwandiri. Ndichakupai zvinhu zvakanaka zvenyika yeIjipiti, uye muchadya zvinobva munzvimbo yakanakisisa yenyika ino.’*+ 19 Uye uvaudze kuti:+ ‘Torai ngoro+ muno munyika yeIjipiti dzekutakurisa vana venyu nemadzimai enyu, mokwidza baba venyu mune imwe yacho, muuye kuno.+ 20 Musanetseka pamusoro pezvinhu zvenyu,+ nekuti zvakanakisisa zvenyika yese yeIjipiti ndezvenyu.’”

21 Saka vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo, Josefa akavapa ngoro sezvakanga zvataurwa naFarao, uye akavapa mbuva. 22 Akapa mumwe nemumwe wavo hembe yekuchinja, asi akapa Bhenjamini masirivha 300 nehembe shanu dzekuchinja.+ 23 Akatumira baba vake zvinotevera: madhongi gumi akanga akatakura zvinhu zvakanaka zveIjipiti, nemamwe madhongi* gumi akanga akatakura zviyo nechingwa nezvimwe zvekudya zvekuti baba vake vadye vari parwendo. 24 Saka akaonekana nevana vababa vake, uye pavakanga vava kuenda akati kwavari: “Musazonetsana munzira.”+

25 Vakabva vabuda muIjipiti vakasvika munyika yeKenani kuna Jakobho baba vavo. 26 Vakabva vavaudza kuti: “Josefa achiri mupenyu, uye ndiye mutongi wenyika yese yeIjipiti!”+ Asi mwoyo waJakobho wakati rukutu, nekuti haana kutenda zvavaitaura.+ 27 Pavakavaudza zvese zvavakanga vaudzwa naJosefa, uye pavakaona ngoro dzakanga dzatumirwa naJosefa kuti dzivatakure, baba vavo Jakobho vakatanga kuwanazve simba. 28 Israeri akabva ati: “Ndagutsikana! Josefa mwanakomana wangu achiri mupenyu! Ndinofanira kuenda, ndinomuona ndisati ndafa!”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe