RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 15
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Jehovha haazochinji mutongo wake (1-9)

      • Kunyunyuta kwaJeremiya (10)

      • Mhinduro yaJehovha (11-14)

      • Munyengetero waJeremiya (15-18)

        • Kufarira kudya shoko raMwari (16)

      • Jeremiya anosimbiswa naJehovha (19-21)

Jeremiya 15:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wangu waisambonzwira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:11; 1Sa 7:9; Pis 99:6; 106:23

Jeremiya 15:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 5:2
  • +Eze 12:11

Jeremiya 15:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “marudzi mana emitongo.” ChiHeb., “mhuri ina.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 14:21
  • +Dhe 28:26; Jer 7:33

Jeremiya 15:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:15, 25; Jer 24:9; Eze 23:46
  • +2Mad 21:11; 23:26; 24:3, 4

Jeremiya 15:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “uchifamba nenhendeshure.”

  • *

    Kana kuti “nekuzvidemba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:13
  • +Isa 1:4
  • +Zef 1:4

Jeremiya 15:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:15, 18; Jer 9:21; Eze 24:21
  • +Jer 5:3

Jeremiya 15:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mweya wake uri.”

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “Ranyadziswa uye ratsverudzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 44:27; Eze 5:12

Jeremiya 15:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 20:14

Jeremiya 15:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 20:5

Jeremiya 15:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:38; Jer 16:13
  • +Dhe 32:22; Isa 42:24, 25; Jer 17:4

Jeremiya 15:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Musandibvisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 11:20; 12:3; 17:18; 37:15
  • +Pis 69:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 117-118

Jeremiya 15:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 3:1-3; Zva 10:9, 10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 47

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    5/2017, p. 20

    Nharireyomurindi,

    3/15/2011, p. 30

    3/15/2007, p. 10

    Jeremiya, pp. 117-118

Jeremiya 15:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “neshoko rekutuka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 1:1
  • +Jer 20:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 10

    5/1/2004, pp. 11-12

    8/15/1992, p. 17

Jeremiya 15:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 9

    3/1/1998, p. 28

Jeremiya 15:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Uchataura uchindimiririra.”

Jeremiya 15:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “havazokukundi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 1:18; Eze 3:9
  • +Jer 20:11

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 15:1Eks 32:11; 1Sa 7:9; Pis 99:6; 106:23
Jer. 15:2Eze 5:2
Jer. 15:2Eze 12:11
Jer. 15:3Eze 14:21
Jer. 15:3Dhe 28:26; Jer 7:33
Jer. 15:4Dhe 28:15, 25; Jer 24:9; Eze 23:46
Jer. 15:42Mad 21:11; 23:26; 24:3, 4
Jer. 15:6Jer 2:13
Jer. 15:6Isa 1:4
Jer. 15:6Zef 1:4
Jer. 15:7Dhe 28:15, 18; Jer 9:21; Eze 24:21
Jer. 15:7Jer 5:3
Jer. 15:9Jer 44:27; Eze 5:12
Jer. 15:10Jer 20:14
Jer. 15:13Jer 20:5
Jer. 15:14Re 26:38; Jer 16:13
Jer. 15:14Dhe 32:22; Isa 42:24, 25; Jer 17:4
Jer. 15:15Jer 11:20; 12:3; 17:18; 37:15
Jer. 15:15Pis 69:7
Jer. 15:16Eze 3:1-3; Zva 10:9, 10
Jer. 15:17Pis 1:1
Jer. 15:17Jer 20:8
Jer. 15:20Jer 1:18; Eze 3:9
Jer. 15:20Jer 20:11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 15:1-21

Jeremiya

15 Jehovha akabva ati kwandiri: “Kunyange dai pamberi pangu paizomira Mozisi naSamueri+ ndaisambonzwira* vanhu ava nyasha. Vadzinge pamberi pangu. Ngavaende. 2 Uye kana vakati kwauri, ‘Toendepi?’ iwe unofanira kuti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha:

“Munhu wese akafanirwa nedenda rinouraya, ngaaende kunofa nedenda!

Munhu wese akafanirwa nebakatwa, ngaafe nebakatwa!+

Munhu wese akafanirwa nenzara, ngaafe nenzara!

Munhu wese akafanirwa nekutapwa, ngaatapwe!”’+

3 “‘Ndichatuma matambudziko mana* pavari,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘bakatwa kuti riuraye, imbwa kuti dzizvuzvurudze, shiri dzedenga uye mhuka dzepanyika kuti dzidye uye dziparadze.+ 4 Ndichavaita chinhu chinotyisa kuumambo hwese hwepanyika+ nemhaka yaManase mwanakomana waHezekiya, mambo weJudha, nekuda kwezvaakaita muJerusarema.+

 5 Ndiani achakunzwira tsitsi, haiwa iwe Jerusarema,

Ndiani achachema newe,

Uye ndiani achamira kuti abvunze kuti wakadii?’

 6 ‘Wakandisiya,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+

‘Unoramba uchindipira gotsi.*+

Saka ndichakutambanudzira ruoko rwangu ndokuparadza.+

Ndaneta nekukunzwira tsitsi.*

 7 Ndichavaurutsa neforogo pamagedhi enyika yacho.

Ndichaita kuti vafirwe nevana.+

Ndichaparadza vanhu vangu,

Nekuti vari kuramba kusiya nzira dzavo.+

 8 Chirikadzi dzavo dzichawanda pamberi pangu kupfuura jecha remakungwa.

Ndichaunza muparadzi pavari zuva riri panhongonya, pana vanaamai nepamajaya.

Ndichaita kuti vangoerekana vava kunetseka uye vava kutya zvikuru.

 9 Mukadzi akabereka vana vanomwe apera simba;

Ari* kunetseka kufema.

Zuva rake ravira achiri masikati,

Zvichikonzera kunyadziswa uye kuzvidzwa.’*

‘Uye vashoma vakasara pakati pavo

Ndichavaurayisa nebakatwa pamberi pevavengi vavo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”+

10 Ndine nhamo, haiwa amai vangu, nekuti makandibereka,+

Ini murume wekungopopotedzana uye kukakavadzana nenyika yese.

Handina kukweretesa, uye hapana wandakakwereta kwaari;

Asi vese zvavo vanondituka.

11 Jehovha akati: “Chokwadi ndichakushumira kuti zvikufambire zvakanaka;

Chokwadi ndichakumiririra kumuvengi panguva yekutambudzika,

Panguva yenhamo.

12 Munhu angagura-gura simbi here,

Simbi inobva kuchamhembe, uye mhangura?

13 Ndichaita kuti pfuma yako nezvinhu zvako zvinokosha zvitorwe+

Pasina mubhadharo, nemhaka yezvivi zvako zvese munharaunda dzako dzese.

14 Ndichazviisa mumaoko evavengi vako

Kuti vazviendese kunyika yausingazivi.+

Nekuti moto wabatidzwa nekutsamwa kwangu,

Uye uri kubvira kuti ukupisei.”+

15 Imi munoziva, haiwa Jehovha,

Ndiyeukei, mufunge nezvangu.

Nditsivirei vaya vanonditambudza.+

Musandirega ndichiparara,* nekuda kwekunonoka kutsamwa kwenyu.

Zivai kuti ndinotsungirira kuzvidzwa uku ndichiitira imi.+

16 Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya;+

Uye akaita kuti mwoyo wangu upembere uye ufare chaizvo,

Nekuti ndiri kushevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha Mwari wemauto.

17 Handifadzwi nekugara pane vaya vanoita mafaro akanyanyisa.+

Ndinogara ndega nekuti ruoko rwenyu ruri pandiri,

Nekuti makandizadza nekutsamwa.*+

18 Nei marwadzo angu asiri kupera uye ronda rangu risingarapiki?

Riri kuramba kupora.

Muchava kwandiri nzvimbo inoita seine mvura asi iyo isina here,

Nzvimbo isingagoni kuvimbwa nayo?

19 Saka zvanzi naJehovha:

“Kana ukadzoka, ndichabva ndakudzosa panzvimbo yako,

Uye uchamira pamberi pangu.

Kana ukaparadzanisa zvinhu zvinokosha nezvinhu zvisina zvazvinobatsira,

Uchava semuromo wangu.*

Vanenge vava kufanira kutouya kwauri,

Asi iwe hauzoendi kwavari.”

20 “Ndiri kukuita rusvingo rwemhangura rwakasimba kuvanhu ava.+

Chokwadi vacharwa newe,

Asi havazobudiriri,*+

Nekuti ini ndinewe, kuti ndikununure,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

21 “Ndichakununura paruoko rwevakaipa,

Ndokudzikinura muchanza chevane utsinye.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe