Rwiyo rwaSoromoni
4 “Chokwadi wakanaka, mudiwa wangu!
Wakazonaka!
Maziso ako akaita seenjiva paanooneka kuseri kwejira rakafukidza kumeso kwako.
Bvudzi rako rakaita seboka rembudzi
Dzakaita mudungwe dzichidzika nemakomo eGiriyedhi.+
2 Mazino ako akaita seboka remakwai achangobva kuveurwa
Abva kunogezwa,
Ese aine vana vaviri vaviri,
Uye pasina kana rakarasikirwa nevana varo.
3 Muromo wako wakaita seshinda tsvuku,
Uye matauriro ako anofadza.
Sepomegraneti* ratsemurwa nepakati
Ndizvo zvakaita matama ako akavharwa nejira.
4 Mutsipa wako+ wakaita seshongwe yaDhavhidhi,+
Yakavakwa nematombo akaturikidzana,
Panoturikwa nhoo dzine chiuru,
Nhoo dzese dzeraundi dzevarume vane simba.+
5 Mazamu ako maviri akaita setsvana mbiri dzemhara,
Vana vemhara vanoberekwa panguva imwe chete,+
Vanofura pakati pemaruva.”
6 “Kusvikira kwava kufefetera uye mimvuri yava kutiza,
Ndichaenda kugomo remura
Uye kuchikomo chezvinonhuhwirira zvichena.”+
Dzika uchibva pamusoro peAmana,
Pamusoro peSeniri, pamusoro peHemoni,+
Panzvimbo dzinogara shumba, pamakomo eingwe.
9 Wanditora mwoyo,+ hanzvadzi yangu, mwenga wangu,
Wanditora mwoyo nekungonditarisa kamwe chete nemaziso ako,
Nekungotarisa kwandaita chuma chimwe chete pachishongo chako chemuhuro.
10 Kuratidza kwako rudo kwakazonaka,+ hanzvadzi yangu, mwenga wangu!
Kuratidza kwako rudo kunopfuura waini,+
Uye kunhuhwirira kwemafuta ako kunopfuura chero chii zvacho chinonhuhwirira!+
11 Mwenga wangu, miromo yako inodonha uchi hwemumazinga.+
Uchi nemukaka zviri pasi perurimi rwako,+
Uye kunhuhwirira kwezvipfeko zvako kwakafanana nekunhuhwirira kweRebhanoni.
12 Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, akaita semunda wakakiyiwa,
Munda wakakiyiwa, chitubu chakanamwa.
13 Nhungirwa dzako* iparadhiso yemipomegraneti,*
Ine michero yakanakisisa, nemihena pamwe chete neminadhi,
14 Nadhi+ nesafuroni, karamusi*+ uye sinamoni,+
Pamwe chete nemiti yese yezvinonhuhwirira zvichena, mura nearosi,+
Uye zvinonhuhwirira zvese zvakanaka kwazvo.+
16 Muka, iwe mhepo yekuchamhembe;
Pinda, iwe mhepo yekumaodzanyemba.
Fefetera mubindu rangu.
Kunhuhwirira kwaro ngakupararire.”
“Mudiwa wangu ngaapinde mubindu rake,
Adye michero yaro yakanakisisa.”