RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 12
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Madzimambo

      • Rehobhoamu anopindura nehasha (1-15)

      • Madzinza gumi anopanduka (16-19)

      • Jerobhoamu anoitwa mambo weIsraeri (20)

      • Rehobhoamu anorambidzwa kurwisa vaIsraeri (21-24)

      • Kunamata mhuru kwaJerobhoamu (25-33)

1 Madzimambo 12:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:6; Jos 20:7, 9; Vat 9:1, 2; Mab 7:15, 16
  • +2Mak 10:1-4

1 Madzimambo 12:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:26, 40

1 Madzimambo 12:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “reudzvinyiriri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 8:11-18; 1Mad 4:7

1 Madzimambo 12:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 10:5-7

1 Madzimambo 12:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “abvunza vakuru.”

1 Madzimambo 12:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nevakuru.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 10:8-11

1 Madzimambo 12:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 10:12-15

1 Madzimambo 12:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nevakuru.”

1 Madzimambo 12:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 2:30; 2Mak 22:7; VaR 9:18
  • +1Mad 11:31

1 Madzimambo 12:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kumatende.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 10:16, 17

1 Madzimambo 12:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:12, 13; 2Mak 11:13, 16

1 Madzimambo 12:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 20:24; 1Mad 4:6; 5:13, 14
  • +2Mak 10:18, 19

1 Madzimambo 12:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 17:21

1 Madzimambo 12:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:30, 31
  • +1Mad 11:12, 13; Ho 11:12

1 Madzimambo 12:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 11:1-4; 25:5

1 Madzimambo 12:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 12:5

1 Madzimambo 12:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:30, 31

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    6/2018, p. 14

1 Madzimambo 12:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “avaka rusvingo rwekudzivirira.”

  • *

    Kana kuti “akanovaka rusvingo rwekudzivirira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:1
  • +Ge 32:30; Vat 8:13, 17

1 Madzimambo 12:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:38

1 Madzimambo 12:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 12:5, 6

1 Madzimambo 12:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:4; 2Mad 10:29
  • +Eks 32:4, 8; 2Mak 11:15, 16

1 Madzimambo 12:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:8, 9; 28:19
  • +Ge 14:14; Dhe 34:1; Vat 18:29; 20:1

1 Madzimambo 12:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:31; 17:21-23

1 Madzimambo 12:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 3:10; 1Mad 13:33; 2Mak 11:14; 13:9

1 Madzimambo 12:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 23:34
  • +Amo 7:13

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Madz. 12:1Ge 12:6; Jos 20:7, 9; Vat 9:1, 2; Mab 7:15, 16
1 Madz. 12:12Mak 10:1-4
1 Madz. 12:21Mad 11:26, 40
1 Madz. 12:41Sa 8:11-18; 1Mad 4:7
1 Madz. 12:52Mak 10:5-7
1 Madz. 12:82Mak 10:8-11
1 Madz. 12:122Mak 10:12-15
1 Madz. 12:15Dhe 2:30; 2Mak 22:7; VaR 9:18
1 Madz. 12:151Mad 11:31
1 Madz. 12:162Mak 10:16, 17
1 Madz. 12:171Mad 11:12, 13; 2Mak 11:13, 16
1 Madz. 12:182Sa 20:24; 1Mad 4:6; 5:13, 14
1 Madz. 12:182Mak 10:18, 19
1 Madz. 12:192Mad 17:21
1 Madz. 12:201Mad 11:30, 31
1 Madz. 12:201Mad 11:12, 13; Ho 11:12
1 Madz. 12:212Mak 11:1-4; 25:5
1 Madz. 12:222Mak 12:5
1 Madz. 12:241Mad 11:30, 31
1 Madz. 12:251Mad 12:1
1 Madz. 12:25Ge 32:30; Vat 8:13, 17
1 Madz. 12:261Mad 11:38
1 Madz. 12:27Dhe 12:5, 6
1 Madz. 12:28Eks 20:4; 2Mad 10:29
1 Madz. 12:28Eks 32:4, 8; 2Mak 11:15, 16
1 Madz. 12:29Ge 12:8, 9; 28:19
1 Madz. 12:29Ge 14:14; Dhe 34:1; Vat 18:29; 20:1
1 Madz. 12:302Mad 10:31; 17:21-23
1 Madz. 12:31Nu 3:10; 1Mad 13:33; 2Mak 11:14; 13:9
1 Madz. 12:32Re 23:34
1 Madz. 12:32Amo 7:13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Madzimambo 12:1-33

Bhuku Rekutanga reMadzimambo

12 Rehobhoamu akaenda kuShekemu,+ nekuti vaIsraeri vese vakanga vaenda kuShekemu kuti vamugadze kuti ave mambo.+ 2 Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akanzwa nezvazvo (Jerobhoamu akanga achiri kuIjipiti nekuti akanga atiza Mambo Soromoni uye akanga achigara muIjipiti).+ 3 Vakabva vatumira shoko kuti anoshevedzwa. Jerobhoamu akabva aenda neungano yese yaIsraeri kuna Rehobhoamu vakati: 4 “Baba venyu vakaita kuti joko redu rirwadze.+ Asi kana mukaita kuti basa rinorwadza rataiitiswa nababa venyu rive nyore uye mukarerutsa joko rinorema* ravakaisa patiri, tichakushandirai.”

5 Iye akabva ati kwavari: “Endai mozodzoka kwandiri papera mazuva matatu.” Saka vanhu vakaenda.+ 6 Mambo Rehobhoamu akabva abvunza varume vakuru* vakanga vashandira baba vake Soromoni pavakanga vachiri vapenyu, achiti: “Mungandipa zano ripi rekuti ndipindure vanhu ava?” 7 Vakamupindura vachiti: “Nhasi kana ukava muranda wevanhu ava wonzwa chikumbiro chavo uye wovapindura zvakanaka, vachagara vari varanda vako.”

8 Zvisinei, haana kuteerera zano raakapiwa nevarume vakuru,* akanobvunza majaya aakakura nawo, akanga ava kumushandira.+ 9 Akavabvunza kuti: “Nderipi zano ramungapa kuti tipindure vanhu ava vati kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa patiri nababa venyu’?” 10 Majaya acho aakanga akura nawo akati kwaari: “Izvi ndizvo zvaunofanira kuudza vanhu ava vati kwauri, ‘Baba venyu vakaita kuti joko redu rireme, asi imi tirerutsirei’; vaudze kuti, ‘Munwe wangu mudiki uchava mukobvu kupfuura hudyu dzababa vangu. 11 Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu. Baba vangu vaikurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.’”

12 Jerobhoamu nevanhu vese vakaenda kuna Rehobhoamu pazuva rechitatu, sezvakanga zvataurwa namambo kuti: “Dzokai kwandiri pazuva rechitatu.”+ 13 Asi mambo akapindura vanhu nehasha, achirega kuteerera zano raakanga apiwa nevarume vakuru.* 14 Akataura navo achitevedzera zano remajaya, achiti: “Baba vangu vakaita kuti joko renyu rireme, asi ini ndichaita kuti riwedzere kurema. Baba vangu vakakurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.” 15 Saka mambo haana kuteerera vanhu, nekuti Jehovha ndiye akaita kuti zvinhu zviende nenzira iyoyo,+ kuti azadzise shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuburikidza naAhija+ wekuShiro.

16 VaIsraeri vese pavakaona kuti mambo aramba kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vachiti: “Tine mugove wei kuna Dhavhidhi? Hatina nhaka kumwanakomana waJese. Imi vaIsraeri, endai kuna vanamwari venyu. Chizvichengetera imba yako, iwe Dhavhidhi!” VaIsraeri vakabva vadzokera kudzimba* dzavo.+ 17 Asi Rehobhoamu akaramba achitonga vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha.+

18 Mambo Rehobhoamu akabva atuma Adhoramu,+ uyo aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa, asi vaIsraeri vese vakamutema nematombo vakamuuraya. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kukwira mungoro yake kuti atizire kuJerusarema.+ 19 Saka vaIsraeri vakapandukira+ imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.

20 VaIsraeri vese pavakangonzwa kuti Jerobhoamu akanga adzoka, vakamushevedza kwaiva neungano, vakamugadza kuva mambo wevaIsraeri vese.+ Pavanhu vese hapana akatevera imba yaDhavhidhi kunze kwedzinza raJudha.+

21 Rehobhoamu paakasvika kuJerusarema, akabva angounganidza imba yese yaJudha nedzinza raBhenjamini, varwi 180 000 vakadzidziswa hondo, kuti vanorwisa imba yaIsraeri vodzosa umambo kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.+ 22 Shoko raMwari wechokwadi rakabva rasvika kuna Shemaya+ munhu waMwari wechokwadi, richiti: 23 “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha nekuimba yese yaJudha naBhenjamini nevamwe vanhu vese, 24 ‘Zvanzi naJehovha: “Musaenda kunorwisa hama dzenyu vaIsraeri. Mumwe nemumwe wenyu ngaadzokere kumba kwake, nekuti ndini ndakaita kuti zvidaro.”’”+ Saka vakateerera shoko raJehovha, vakadzokera kumba sezvavakanga vaudzwa naJehovha.

25 Jerobhoamu akabva avaka* Shekemu+ munyika ine makomo yaEfremu akagaramo. Akabva ikoko akanovaka* Penueri.+ 26 Jerobhoamu akati nechemumwoyo: “Iye zvino umambo hwava kudzokera kuimba yaDhavhidhi.+ 27 Kana vanhu ava vakaramba vachienda kunopa zvibayiro kuimba yaJehovha iri kuJerusarema,+ mwoyo yevanhu ava ichadzokerawo kunashe wavo, Mambo Rehobhoamu waJudha. Chokwadi vachandiuraya, vodzokera kuna Mambo Rehobhoamu weJudha.” 28 Pashure pekunge mambo abvunza mazano kune vamwe, akagadzira mhuru mbiri dzegoridhe,+ akati kuvanhu: “Zvekuenda kuJerusarema zviri kukuremerai. Heuno Mwari wenyu, imi vaIsraeri, uyo akakubudisai munyika yeIjipiti.”+ 29 Akabva aisa imwe mhuru kuBheteri,+ uye imwe yacho akaiisa kuDhani.+ 30 Izvi zvakaita kuti vatadze,+ uye vanhu vakatosvika kuDhani vachinonamata mhuru yaiva ikoko.

31 Akavaka dzimba dzekunamatira panzvimbo dzakakwirira akagadza vapristi kubva pavanhuwo zvavo, vakanga vasiri vaRevhi.+ 32 Jerobhoamu akaitawo kuti pave nemutambo waiitwa mumwedzi wechi8 pazuva rechi15 remwedzi wacho, wakafanana nemutambo waiitwa muJudha.+ Paatari yaakagadzira kuBheteri,+ akapa zvibayiro kumhuru dzaakanga agadzira uye akagadza vapristi kuBheteri kuti vashumire panzvimbo dzakakwirira dzaakanga agadzira. 33 Akatanga kupa mipiro paatari yaakanga agadzira kuBheteri, pazuva rechi15 remwedzi wechi8, mumwedzi waakanga angosarudza ega; akaita kuti pave nemutambo waiitwa nevaIsraeri, uye akakwira paatari yacho kuti ape mipiro nekukwidza utsi hwezvibayiro.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe