Mapisarema Rwiyo Rwekukwidza. 123 Ndinosimudza maziso angu ndichitarisa kwamuri,+Imi munogara pachigaro cheumambo kumatenga. 2 Sekutarisa kunoita maziso evashandi ruoko rwatenzi wavo,Uye maziso emushandikadzi ruoko rwatenzikadzi wake,Maziso edu anotarisawo kuna Jehovha Mwari wedu+Kusvikira atinzwira nyasha.+ 3 Tinzwireiwo nyasha, Jehovha, tinzwireiwo nyasha,Nekuti tanzwa nekuzvidzwa.+ 4 Tanzwa* nekunyombwa nevanhu vanozvikudzaUye tanzwa nekuzvidzwa nevanhu vanozvitutumadza.