30 “Iye zvino vava kundiseka,+
Varume vadiki kwandiri,
Vane vanababa vandaizoramba
Kuisa pamwe chete nembwa dzaichengetedza makwai angu.
2 Simba remaoko avo raindibatsirei?
Simba ravo raparara.
3 Vasakadzwa nenhamo, nenzara;
Vanon’un’una zvinhu zviri muvhu rakaoma
Rava matongo uye rakaparadzwa.
4 Vanotemha mashizha anovava mumakwenzi;
Zvekudya zvavo midzi yemiti yemugwenga.
5 Vanodzingwa pakati pevanhu;+
Vanhu vanoshevedzera kwavari sezvavanoita mbavha.
6 Vanogara mumakoronga,
Mumakomba ari muvhu nemumatombo.
7 Vanochema vari mumakwenzi
Uye vanoungana murukato.
8 Sevanakomana vebenzi uye vemunhu asingazivikanwi,
Vakadzingwa panyika.
9 Asi iye zvino vava kundinyomba kunyange munziyo dzavo;+
Ndava chiseko kwavari.+
10 Vanondisema uye vanotambira kure neni;+
Havazezi kundisvipira kumeso.+
11 Mwari anditorera zvombo zvandaishandisa uye andininipisa,
Saka havachazvidzori pamberi pangu.
12 Kurudyi rwangu vanosimuka semhomho;
Vanoita kuti nditize
Uye vanoisa zvinhu zvinondipiringisha munzira yangu kuti ndiparare.
13 Vanoparadza migwagwa yangu
Uye vanowedzera dambudziko rangu,+
Pasina kana anovarambidza.
14 Vanouya vachiita sevari kupinda nepamadziro akadhirika;
Vanodirana vachipinda makaparadzwa.
15 Kutya kwandikunda;
Kukudzwa kwangu kwabviswa semhepo,
Uye ruponeso rwangu runonyangarika segore.
16 Iye zvino upenyu hwangu hwava kupera;+
Mazuva ekutambudzika+ andibata.
17 Mapfupa angu anondirwadza achibaya-baya usiku;+
Marwadzo acho anondin’un’una asingambonyarari.+
18 Chipfeko changu chaunyanidzwa-unyanidzwa zvine simba;
Chinondidzipa sekora yechipfeko changu.
19 Mwari andiwisira mumadhaka;
Ndava guruva nemadota.
20 Ndinochema kwamuri kuti mundibatsire, asi hamundipinduri;+
Ndinosimuka, asi munongonditarisa.
21 Mandipandukira zveutsinye;+
Munondirova nesimba rese reruoko rwenyu.
22 Munondisimudza nemhepo, mondiendesa kure;
Mondikanda-kanda mudutu.
23 Nekuti ndinoziva kuti muchandidzikisa murufu,
Kuimba ichasangana vanhu vese vapenyu.
24 Asi hapana anorova munhu akatyoka+
Anenge achichema achida kubatsirwa panguva yenhamo.
25 Handina here kuchema vaya vakasangana nenguva yakaoma?
Handina here kuchema varombo?+
26 Kunyange ndaitarisira zvakanaka, kwakauya zvakaipa;
Ndaitarisira chiedza, asi kwakauya rima.
27 Kumona-mona kuri kuita mukati mangu hakuna kumira;
Mazuva ekutambudzika akanangana neni.
28 Ndinofamba ndakasuruvara;+ hakuna zuva.
Pakati peungano, ndinosimuka ndochemera kubatsirwa.
29 Ndava hama yehunguhwe
Neshamwari yevanasikana vemhou.+
30 Ganda rangu rasviba uye rafunuka;+
Mapfupa angu ari kutsva nekupisa kwakuri kuita.
31 Rudimbwa rwangu rwava kungoridzwa pakuchema,
Uye nyere yangu yava kushandiswa pakuchema.