RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Josiya anogadzirisa zvinhu (1-20)

      • Paseka inochengetwa (21-23)

      • Zvimwe zvinogadziriswa naJosiya (24-27)

      • Kufa kwaJosiya (28-30)

      • Jehoahazi, mambo weJudha (31-33)

      • Jehoyakimu, mambo weJudha (34-37)

2 Madzimambo 23:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 34:29, 30

2 Madzimambo 23:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:26
  • +Eks 24:8
  • +2Mad 22:8

2 Madzimambo 23:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akamutsidzira sungano.”

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:17; 2Mak 15:10, 12
  • +Jos 24:24, 25; 2Mak 34:31, 32

2 Madzimambo 23:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:4
  • +2Mad 21:1, 7; 2Mak 34:4
  • +1Mad 12:28, 29

2 Madzimambo 23:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:1, 3; Jer 8:1, 2

2 Madzimambo 23:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:1, 7
  • +Dhe 7:25
  • +2Mak 34:4

2 Madzimambo 23:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:22; Dhe 23:17, 18; 1Mad 15:11, 12; 22:46

2 Madzimambo 23:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 21:17, 19; 1Mad 15:22
  • +Ge 21:31

2 Madzimambo 23:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 44:10; Mar 2:7, 8

2 Madzimambo 23:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:31
  • +Jos 15:8
  • +2Mad 16:2, 3; Jer 32:35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/1988, p. 31

2 Madzimambo 23:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “apiwa.”

  • *

    Kana kuti “nemuimba yekudyira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:19; Eze 8:16

2 Madzimambo 23:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 19:13; Zef 1:4, 5
  • +2Mad 21:1, 5

2 Madzimambo 23:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kurudyi.” Kureva, kumaodzanyemba kana munhu akatarisa kumabvazuva.

  • *

    Kureva, Gomo reMiorivhi, kunyanya nechekwarinoperera kudivi rekumaodzanyemba uko kunonziwo Gomo reMhosva.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zef 1:4, 5
  • +1Mad 11:5, 7

2 Madzimambo 23:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:24; Dhe 7:5; 2Mak 34:1, 3

2 Madzimambo 23:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28, 33
  • +2Mak 34:6, 7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” pp. 68-69

2 Madzimambo 23:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 13:2

2 Madzimambo 23:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 13:1

2 Madzimambo 23:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 13:30, 31

2 Madzimambo 23:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:25, 31; 13:32; 2Mad 17:9
  • +2Mak 34:6, 7

2 Madzimambo 23:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 13:2

2 Madzimambo 23:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 35:1
  • +Eks 12:3-14

2 Madzimambo 23:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 35:18, 19

2 Madzimambo 23:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “navanamwari vemumba; nezvidhori.”

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:31; Dhe 18:10, 11; 2Mad 21:1, 6; Isa 8:19
  • +Ge 31:19
  • +Nu 33:52; Dhe 12:2
  • +2Mad 22:8

2 Madzimambo 23:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:29

2 Madzimambo 23:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:11, 12; 24:3, 4; Jer 15:4

2 Madzimambo 23:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 29:28; 2Mad 25:11; Eze 23:33
  • +2Mad 18:11; 21:13
  • +Dhe 12:5; 1Mad 8:29; 9:3

2 Madzimambo 23:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 9:15; 2Mak 35:20-25; Zek 12:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/2000, p. 30

2 Madzimambo 23:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:1, 2

2 Madzimambo 23:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 22:11
  • +2Mad 24:18

2 Madzimambo 23:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:1, 2, 19-21

2 Madzimambo 23:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:29
  • +Jer 39:5; 52:10
  • +2Mak 36:3

2 Madzimambo 23:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:4, 5
  • +Jer 22:11, 12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 158

2 Madzimambo 23:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 1:3; 22:18, 19
  • +2Mak 36:5

2 Madzimambo 23:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 26:21; 36:22-24
  • +2Mak 28:24, 25; 33:1, 4

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 23:12Mak 34:29, 30
2 Madz. 23:2Dhe 31:26
2 Madz. 23:2Eks 24:8
2 Madz. 23:22Mad 22:8
2 Madz. 23:32Mad 11:17; 2Mak 15:10, 12
2 Madz. 23:3Jos 24:24, 25; 2Mak 34:31, 32
2 Madz. 23:42Mad 22:4
2 Madz. 23:42Mad 21:1, 7; 2Mak 34:4
2 Madz. 23:41Mad 12:28, 29
2 Madz. 23:52Mad 21:1, 3; Jer 8:1, 2
2 Madz. 23:62Mad 21:1, 7
2 Madz. 23:6Dhe 7:25
2 Madz. 23:62Mak 34:4
2 Madz. 23:7Re 18:22; Dhe 23:17, 18; 1Mad 15:11, 12; 22:46
2 Madz. 23:8Jos 21:17, 19; 1Mad 15:22
2 Madz. 23:8Ge 21:31
2 Madz. 23:9Eze 44:10; Mar 2:7, 8
2 Madz. 23:10Jer 7:31
2 Madz. 23:10Jos 15:8
2 Madz. 23:102Mad 16:2, 3; Jer 32:35
2 Madz. 23:11Dhe 4:19; Eze 8:16
2 Madz. 23:12Jer 19:13; Zef 1:4, 5
2 Madz. 23:122Mad 21:1, 5
2 Madz. 23:13Zef 1:4, 5
2 Madz. 23:131Mad 11:5, 7
2 Madz. 23:14Eks 23:24; Dhe 7:5; 2Mak 34:1, 3
2 Madz. 23:151Mad 12:28, 33
2 Madz. 23:152Mak 34:6, 7
2 Madz. 23:161Mad 13:2
2 Madz. 23:171Mad 13:1
2 Madz. 23:181Mad 13:30, 31
2 Madz. 23:191Mad 12:25, 31; 13:32; 2Mad 17:9
2 Madz. 23:192Mak 34:6, 7
2 Madz. 23:201Mad 13:2
2 Madz. 23:212Mak 35:1
2 Madz. 23:21Eks 12:3-14
2 Madz. 23:222Mak 35:18, 19
2 Madz. 23:24Re 19:31; Dhe 18:10, 11; 2Mad 21:1, 6; Isa 8:19
2 Madz. 23:24Ge 31:19
2 Madz. 23:24Nu 33:52; Dhe 12:2
2 Madz. 23:242Mad 22:8
2 Madz. 23:25Dhe 4:29
2 Madz. 23:262Mad 21:11, 12; 24:3, 4; Jer 15:4
2 Madz. 23:27Dhe 29:28; 2Mad 25:11; Eze 23:33
2 Madz. 23:272Mad 18:11; 21:13
2 Madz. 23:27Dhe 12:5; 1Mad 8:29; 9:3
2 Madz. 23:291Mad 9:15; 2Mak 35:20-25; Zek 12:11
2 Madz. 23:302Mak 36:1, 2
2 Madz. 23:31Jer 22:11
2 Madz. 23:312Mad 24:18
2 Madz. 23:322Mad 21:1, 2, 19-21
2 Madz. 23:332Mad 23:29
2 Madz. 23:33Jer 39:5; 52:10
2 Madz. 23:332Mak 36:3
2 Madz. 23:342Mak 36:4, 5
2 Madz. 23:34Jer 22:11, 12
2 Madz. 23:36Jer 1:3; 22:18, 19
2 Madz. 23:362Mak 36:5
2 Madz. 23:37Jer 26:21; 36:22-24
2 Madz. 23:372Mak 28:24, 25; 33:1, 4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 23:1-37

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

23 Saka mambo akatumira shoko, uye vakaunganidza vakuru vese veJudha neveJerusarema.+ 2 Pashure paizvozvo mambo akakwidza kuimba yaJehovha aine varume vese veJudha, nevagari vese vemuJerusarema, nevapristi, nevaprofita, vanhu vese zvavo kubvira kumudiki kusvikira kumukuru. Akaverenga mashoko ese ebhuku+ resungano+ rakanga rawanikwa muimba yaJehovha+ vanhu vachinzwa. 3 Mambo akamira pedyo nembiru, akaita sungano* pamberi paJehovha,+ yekuti aizotevera Jehovha uye aizochengeta mirayiro yake, zviyeuchidzo zvake, nemirau yake nemwoyo wake wese nemweya* wake wese, kuburikidza nekuchengeta mashoko esungano iyi akanga akanyorwa mubhuku iri. Uye vanhu vese vakabvuma kuva musungano yacho.+

4 Mambo akabva arayira mupristi mukuru Hirikiya,+ nevapristi vaiva vatevedzeri vake, nevachengeti vemasuo kuti vabudise mutemberi yaJehovha midziyo yese yakanga yagadzirirwa Bhaari, neyebango rinoyera,*+ neyeuto rese rekudenga. Akabva aipisira kunze kweJerusarema pamateru eKidroni, akatora madota acho akaenda nawo kuBheteri.+ 5 Saka akashayisa basa vapristi vevanamwari vekune dzimwe nyika, avo vakanga vagadzwa nemadzimambo eJudha kuti vakwidze utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira dzaiva mumaguta eJudha nenzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nevayawo vaikwidza utsi hwezvibayiro kuna Bhaari, nekuzuva, nemwedzi nemapoka enyeredzi, neuto rese rekudenga.+ 6 Akabudisawo bango rinoyera*+ muimba yaJehovha akaenda naro kumucheto kweJerusarema kuBani reKidroni, uye akaripisira+ muBani reKidroni, akarikuya akamwaya guruva racho pamakuva evanhuwo zvavo.+ 7 Akaputsawo dzimba dzepfambi dzechirume dzepatemberi+ dzaiva muimba yaJehovha, idzo dzaishandiswa nevakadzi kurukira temberi dzetende dzebango rinoyera.*

8 Akabva abudisa vapristi vese mumaguta eJudha, uye akaita kuti nzvimbo dzakakwirira dzaishandiswa nevapristi pakukwidza utsi hwezvibayiro dzisare dzisina kukodzera kunamatira, kubva kuGebha+ kusvika kuBheeri-shebha.+ Akaputsawo nzvimbo dzakakwirira dzepamagedhi dzaiva pagedhi raJoshua, mukuru weguta, dzaiva kuruboshwe kana munhu achipinda nepagedhi reguta. 9 Vapristi venzvimbo dzakakwirira vakanga vasingashumiri paatari yaJehovha yaiva muJerusarema,+ asi vaidya chingwa chisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo. 10 Akaitawo kuti Tofeti+ isakodzera kunamatira, iyo iri muBani reVanakomana vaHinomu,*+ kuti parege kuva nemunhu anopfuudza mwanakomana wake kana mwanasikana wake nemumoto achipira kuna Moreki.+ 11 Akaitawo kuti mabhiza akanga apirwa* kuzuva nemadzimambo eJudha arege kupinda muimba yaJehovha achipfuura nemuimba* yemumwe mukuru wemumuzinda ainzi Natani-mereki iyo yaiva panzvimbo yaiva nedenga; uye akapisa ngoro dzezuva.+ 12 Mambo akaputsawo atari dzakanga dzavakwa nemadzimambo eJudha pamusoro peimba yepadenga+ yaAhazi, neatari dzakanga dzavakwa naManase muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.+ Akadzikuya-kuya akamwaya guruva radzo muBani reKidroni. 13 Mambo akaita kuti nzvimbo dzakakwirira dzaiva pakatarisana neJerusarema, dzaiva kumaodzanyemba* kweGomo Rekuparadza,* dzisakodzera kunamatira, idzo Soromoni mambo weIsraeri akanga avakira Ashtoreti, mwarikadzi anosemesa wevaSidhoni; naKemoshi, mwari anosemesa weMoabhi; naMirikomu,+ mwari anosemesa wevaAmoni.+ 14 Akaputsa-putsa shongwe dzinoyera, akatemawo mapango anoyera,*+ achibva azadza nzvimbo yazvaiva nemapfupa evanhu. 15 Akaputsawo atari yaiva muBheteri, nzvimbo yakakwirira yakanga yagadzirwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iyo yakaita kuti vaIsraeri vatadze.+ Pashure pekuputsa atari iyoyo pamwe chete nenzvimbo yakakwirira, akapisa nzvimbo yacho yakakwirira, akaikuya kuita guruva, akapisa bango rinoyera.*+

16 Josiya paakatendeuka achibva aona makuva aiva mugomo, akaita kuti mapfupa aiva mumakuva acho anotorwa achibva aapisira paatari, zvikaita kuti atari yacho isakodzera kunamatira, maererano neshoko raJehovha rakanga raziviswa nemunhu waMwari wechokwadi, uyo akagara ataura kuti zvinhu izvi zvichaitika.+ 17 Akabva ati: “Pane dombo repaguva randiri kuona uko iro. Iguva raani?” Varume veguta racho vakati kwaari: “Iguva remunhu waMwari wechokwadi akabva kuJudha,+ uyo akazivisa zvinhu izvi zvamaitira atari yeBheteri.” 18 Saka akati: “Muregei akadaro. Ngaparege kuva nemunhu anobvisa mapfupa ake.” Saka vakasiya mapfupa ake akadaro pamwe chete nemapfupa emuprofita akanga abva kuSamariya.+

19 Josiya akabvisawo dzimba dzese dzekunamatira dzaiva panzvimbo dzakakwirira mumaguta eSamariya+ dzakanga dzavakwa nemadzimambo eIsraeri achigumbura Mwari, uye akadziita zvaakanga aita dzekuBheteri.+ 20 Saka akabayira vapristi vese venzvimbo dzakakwirira vaiva ikoko paatari dzacho, akapisira mapfupa evanhu padziri.+ Pashure paizvozvo akadzokera kuJerusarema.

21 Mambo akabva arayira vanhu vese, achiti: “Itirai Jehovha Mwari wenyu Paseka+ sezvakanyorwa mubhuku iri resungano.”+ 22 Hakuna kumboitwa Paseka yakaita saiyoyi kubvira mumazuva aitongwa Israeri nevatongi, kana mumazuva ese emadzimambo eIsraeri nemadzimambo eJudha.+ 23 Asi mugore rechi18 raMambo Josiya, Jehovha akaitirwa Paseka iyi muJerusarema.

24 Josiya akabvisawo masvikiro, vafemberi,+ neterafimu,*+ nezvidhori zvaisemesa,* nezvinhu zvese zvinonyangadza zvakanga zviri munyika yeJudha nemuJerusarema, kuti aite zvakataurwa neMutemo+ zvakanga zvakanyorwa mubhuku rakawanikwa muimba yaJehovha nemupristi Hirikiya.+ 25 Hapana mambo akamutangira akanga akafanana naye, akadzoka kuna Jehovha nemwoyo wake wese nemweya*+ wake wese nesimba rake rese, maererano neMutemo wese waMozisi; uyewo hapana mumwe akamutevera akanga akafanana naye.

26 Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kudzora kutsamwa kwake kukuru, kwaakanga aitira Judha nemhaka yezvinhu zvese zvinogumbura zvakaitwa naManase achimugumbura.+ 27 Jehovha akati: “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu,+ sekubvisa kwandakaita Israeri;+ uye ndicharamba guta rino randakasarudza, iro Jerusarema, neimba yandakati nezvayo, ‘Zita rangu richaramba riri ipapo.’”+

28 Kana iri nhoroondo yese yaJosiya, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 29 Mumazuva ake, Farao Neko mambo weIjipiti akaenda kunosangana namambo weAsiriya kuRwizi rwaYufratesi, uye Mambo Josiya akaenda kunorwisana naye; asi Neko paakamuona, akamuuraya paMegidho.+ 30 Varanda vake vakabva vatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho, vakamuunza kuJerusarema, vakamuviga muguva rake. Vanhu vemunyika yacho vakabva vatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuzodza, vakamugadza kuti ave mambo panzvimbo yababa vake.+

31 Jehoahazi+ aiva nemakore 23 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wekuRibna. 32 Akatanga kuita zvakaipa pamberi paJehovha, achiita zvese zvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake.+ 33 Farao Neko+ akamuisa mujeri kuRibra+ munyika yeHamati, kuti arege kutonga muJerusarema, achibva abhadharisa nyika yacho matarenda* 100 esirivha netarenda rimwe chete regoridhe.+ 34 Farao Neko akagadzawo Eriyakimu mwanakomana waJosiya kuti ave mambo panzvimbo yababa vake Josiya, akachinja zita rake kuti rinzi Jehoyakimu; asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti,+ kwaakazofira.+ 35 Jehoyakimu akapa Farao sirivha negoridhe, asi akabhadharisa nyika mutero kuti awane mari yacho yaidiwa naFarao. Akatemera munhu mumwe nemumwe wemunyika yacho sirivha negoridhe zvaaifanira kubvisa, kuti iye ape Farao Neko.

36 Jehoyakimu+ aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema.+ Amai vake vainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya wekuRuma. 37 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha,+ maererano nezvese zvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe