Rwiyo rwaDhavhidhi, paakanyepedzera kupenga+ ari pamberi paAbhimereki, uyo akamudzinga, akaenda.
א [Aleph]
34 Ndicharumbidza Jehovha nguva dzese;
Kurumbidzwa kwake kuchagara kuri pamiromo yangu.
ב [Beth]
2 Ndichazvirumbidza muna Jehovha;+
Vanyoro vachazvinzwa, vofara.
ג [Gimel]
3 Kudzai Jehovha pamwe chete neni;+
Ngatikudzei zita rake pamwe chete.
ד [Daleth]
4 Ndakanyengetera kuna Jehovha, uye akandipindura.+
Akandinunura pazvinhu zvese zvandaitya.+
ה [He]
5 Vaya vakatarisa kwaari vakafara;
Zviso zvavo zvaisagona kunyadziswa.
ז [Zayin]
6 Akaderera uyu akashevedza, uye Jehovha akazvinzwa.
Akamununura mukutambudzika kwake kwese.+
ח [Heth]
7 Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomberedza vese vanomutya,+
Uye inovanunura.+
ט [Teth]
8 Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;+
Anofara murume anopotera kwaari.
י [Yod]
9 Ityai Jehovha, imi mese vatsvene vake,
Nekuti vaya vanomutya havana chavanoshayiwa.+
כ [Kaph]
10 Kunyange shumba dzine simba dzakasvika pakuva nenzara,
Asi vaya vanotsvaga Jehovha havana chakanaka chavachashaya.+
ל [Lamed]
11 Uyai, vanakomana vangu, munditeerere;
Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.+
מ [Mem]
12 Ndiani pakati penyu anofarira upenyu
Uye anoda kuona mazuva akanaka akawanda?+
נ [Nun]
13 Chidzora rurimi rwako kuti rusataura zvakaipa,+
Nemuromo wako kuti usataura zvekunyengera.+
ס [Samekh]
14 Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka;+
Tsvaga rugare, urutevere.+
ע [Ayin]
15 Maziso aJehovha ari pane vakarurama,+
Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo vachida kubatsirwa.+
פ [Pe]
16 Asi chiso chaJehovha chinovenga vaya vanoita zvakaipa,
Achiita kuti vasazoyeukwa panyika zvachose.+
צ [Tsade]
17 Vakachema, uye Jehovha akanzwa;+
Akavanunura pakutambudzika kwavo kwese.+
ק [Qoph]
18 Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo;+
Anoponesa vaya vakasuruvara.+
ר [Resh]
19 Matambudziko emunhu akarurama mazhinji,+
Asi Jehovha anomununura maari ese.+
ש [Shin]
20 Anochengetedza mapfupa ake ese;
Hapana kana rimwe chete rawo rakatyorwa.+
ת [Taw]
21 Dambudziko richauraya vakaipa;
Vaya vanovenga vakarurama vachabatwa nemhosva.
22 Jehovha anodzikinura upenyu hwevashumiri vake;
Pane vaya vanopotera kwaari hapana kana mumwe chete achabatwa nemhosva.+