Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva Zviri Mubhuku raJobho JOBHO ZVIRI MUBHUKU RACHO 1 Kuperera kwaJobho uye upfumi hwake (1-5) Satani anotaura kuti Jobho haatyi Mwari zvechokwadi (6-12) Jobho anorasikirwa neupfumi hwake nevana vake (13-19) Jobho haapi Mwari mhosva (20-22) 2 Satani anotaura zvakare kuti Jobho haatyi Mwari zvechokwadi (1-5) Satani anobvumirwa kurova muviri waJobho (6-8) Mudzimai waJobho: “Tuka Mwari ufe!” (9, 10) Shamwari nhatu dzaJobho dzinosvika (11-13) 3 Jobho anodemba kuti dai asina kuberekwa (1-26) Anobvunza kuti nei ari kutambura (20, 21) 4 Erifazi anotanga kutaura (1-21) Anoshora kuperera kwaJobho (7, 8) Anotaura mashoko aakaudzwa nemweya (12-17) ‘Mwari haatendi muvashumiri vake’ (18) 5 Erifazi anoenderera mberi achitaura (1-27) ‘Mwari anobata vakachenjera mukunyengera kwavo’ (13) ‘Jobho haafaniri kuramba kurangwa naMwari’ (17) 6 Jobho anopindura (1-30) Anoratidza kuti haangamboregi kuchema (2-6) Vanyaradzi vake vanyengeri (15-18) “Mashoko echokwadi haarwadzi!” (25) 7 Jobho anoenderera mberi achipindura (1-21) Upenyu hwakafanana nebasa rekumanikidzwa (1, 2) “Nei mangoti nangananga neni?” (20) 8 Bhiridhadhi anotanga kutaura (1-22) Anopa pfungwa yekuti vanakomana vaJobho vakaita chivi (4) ‘Dai wakachena, Mwari aizokudzivirira’ (6) Anopa pfungwa yekuti Jobho haadi Mwari (13) 9 Jobho anopindura (1-35) Munhu anofawo zvake haagoni kutongana naMwari (2-4) ‘Mwari anoita zvinhu zvisingagoni kuongororwa’ (10) Munhu haagoni kupikisana naMwari (32) 10 Jobho anoenderera mberi achipindura (1-22) ‘Mwari ari kundirwisirei?’ (2) Kusiyana kwakaita Mwari naJobho munhu wenyama (4-12) ‘Regai ndimbozororawo’ (20) 11 Zofari anotanga kutaura (1-20) Anopomera Jobho kuti ari kutaura zvisina musoro (2, 3) Anoudza Jobho kuti asiyane nezvakaipa (14) 12 Jobho anopindura (1-25) “Handina kuderera kukupfuurai” (3) “Ndava chiseko” (4) ‘Mwari ndiye ane uchenjeri’ (13) Mwari ari pamusoro pevatongi nemadzimambo (17, 18) 13 Jobho anoenderera mberi achipindura (1-28) ‘Ndingatoda zvangu kutaura naMwari’ (3) “Muri vanachiremba vasingabatsiri” (4) “Ndinoziva kuti ndakarurama” (18) Anobvunza kuti nei Mwari achimuona semuvengi (24) 14 Jobho anoenderera mberi achipindura (1-22) Munhu anorarama kwenguva pfupi uye achitambura (1) “Kunyange muti une tariro” (7) “Dai manga mandivanza henyu muGuva!” (13) “Kana munhu akafa, angararamazve here?” (14) Mwari achasuwa basa remaoko ake (15) 15 Erifazi anotaura kechipiri (1-35) Anopomera Jobho kuti haatyi Mwari (4) Anoti Jobho anozvikudza (7-9) ‘Mwari haatendi muvatsvene vake’ (15) ‘Munhu anotambura anenge ari munhu akaipa’ (20-24) 16 Jobho anopindura (1-22) “Muri vanyaradzi vanotambudza!” (2) Anoti Mwari ari kupfura miseve yake akamunanga (12) 17 Jobho anoenderera mberi achipindura (1-16) “Ndakakombwa nevanondinyomba” (2) “Akandiita chiseko” (6) “Guva richava imba yangu” (13) 18 Bhiridhadhi anotaura kechipiri (1-21) Anotaura nezvemugove wevatadzi (5-20) Anopa pfungwa yekuti Jobho haazivi Mwari (21) 19 Jobho anopindura (1-29) Anoramba kutsiurwa neshamwari dzake dzenhema (1-6) Anotaura kuti vanhu vamurasa (13-19) “Mudzikinuri wangu mupenyu” (25) 20 Zofari anotaura kechipiri (1-29) Anonzwa seari kutukwa naJobho (2, 3) Anopa pfungwa yekuti Jobho akaipa (5) Anoti Jobho anofarira chivi (12, 13) 21 Jobho anopindura (1-34) ‘Nei vakaipa vachibudirira?’ (7-13) Anofumura vanyaradzi vake venhema (27-34) 22 Erifazi anotaura kechitatu (1-30) “Munhu ane zvaanobatsira here kuna Mwari?” (2, 3) Anopomera Jobho kuti ane makaro uye anotonga zvisina kururama (6-9) ‘Dzokera kuna Mwari, wodzorerwa pawaiva’ (23) 23 Jobho anopindura (1-17) Anoda kutaura nyaya yake pamberi paMwari (1-7) Anotaura kuti ari kushaya Mwari (8, 9) ‘Ndakaramba ndichitevera nzira yake ndisingatsauki’ (11) 24 Jobho anoenderera mberi achipindura (1-25) ‘Nei Mwari asingatari nguva?’ (1) Anotaura kuti Mwari anobvumira zvakaipa (12) Vatadzi vanofarira rima (13-17) 25 Bhiridhadhi anotaura kechitatu (1-6) ‘Munhu angava sei akarurama pamberi paMwari?’ (4) Anoti kuperera kwemunhu hakuna zvakunobatsira (5, 6) 26 Jobho anopindura (1-14) “Inga unogona kubatsira munhu asina simba!” (1-4) ‘Mwari anorembedza nyika pasina chinhu’ (7) ‘Zvinongova mupendero wenzira dzaMwari’ (14) 27 Jobho ari kuda kuramba akaperera (1-23) “Handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari” (5) Munhu asingadi Mwari haana tariro (8) ‘Nei muchitaura mashoko asingabatsiri?’ (12) Vakaipa vanopedzisira vasisina chinhu (13-23) 28 Jobho anoratidza kusiyana kwakaita pfuma yenyika neuchenjeri (1-28) Zvinoitwa nevanochera migodhi (1-11) Uchenjeri hunokosha kupfuura maparera (18) Kutya Jehovha ndihwo uchenjeri hwechokwadi (28) 29 Jobho anoyeuka mazuva aaifara asati asangana nemiedzo (1-25) Airemekedzwa pagedhi reguta (7-10) Mararamiro aaiita achitonga zvakarurama (11-17) Vanhu vese vaiteerera mazano ake (21-23) 30 Jobho anotsanangura kuchinja kwaita upenyu hwake (1-31) Anonyombwa nevanhu vasina zvavanobatsira (1-15) Anoona sekuti Mwari haasi kumubatsira (20, 21) “Ganda rangu rasviba” (30) 31 Jobho anozvipupurira kuti akarurama (1-40) “Sungano nemaziso angu” (1) Anokumbira kuti Mwari amuise pachikero (6) Haasi mhombwe (9-12) Haasi munhu anoda mari (24, 25) Haanamati zvidhori (26-28) 32 Wechidiki Erihu anotangawo kutaura (1-22) Anotsamwira Jobho nevamwe vake (2, 3) Haana kutanga kutaura nekuti aivaremekedza (6, 7) Zera rega harisi iro rinoita kuti munhu achenjere (9) Erihu ane shungu dzekutaura (18-20) 33 Erihu anotsiura Jobho nekuti anozviita akarurama (1-33) Rudzikinuro rwakawanikwa (24) Kudzokera pasimba reudiki (25) 34 Erihu anopupurira matongero aMwari uye nzira dzake (1-37) Jobho akati Mwari akaramba kumutonga zvakarurama (5) Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa (10) Jobho anotaura zvaasingazivi (35) 35 Erihu anotaura kuti Jobho akarasika (1-16) Jobho anoti akarurama kupfuura Mwari (2) Mwari akakwirira zvekuti haakanganiswi nechivi (5, 6) Jobho anofanira kumirira Mwari (14) 36 Erihu anorumbidza ukuru hwaMwari husingaenzaniswi (1-33) Vanoteerera vanobudirira; vasingadi Mwari vanorambwa (11-13) ‘Murayiridzi upi akafanana naMwari?’ (22) Jobho anofanira kukudza Mwari (24) “Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva” (26) Mvura uye mheni zviri mumaoko aMwari (27-33) 37 Mamiriro ekunze anoratidza ukuru hwaMwari (1-24) Mwari anogona kumisa mabasa evanhu (7) “Fungisisa mabasa aMwari anoshamisa” (14) Vanhu havafi vakanzwisisa Mwari (23) Hapana munhu anofanira kufunga kuti akangwara (24) 38 Jehovha anopa chidzidzo chekuratidza kuti munhu mudiki zvakadini (1-41) ‘Waiva kupi pakasikwa nyika?’ (4-6) Vanakomana vaMwari vakashevedzera vachirumbidza (7) Mibvunzo nezvezvinhu zvakasikwa (8-32) “Mitemo yekudenga” (33) 39 Masikirwo akaitwa mhuka anoratidza kuti vanhu havazivi (1-30) Mbudzi dzemumakomo nenondo (1-4) Dhongi remusango (5-8) Nzombe yemusango (9-12) Mhou (13-18) Bhiza (19-25) Rukodzi negondo (26-30) 40 Mimwe mibvunzo inobva kuna Jehovha (1-24) Jobho anobvuma kuti haana chekutaura (3-5) “Ungati ini handitongi zvakarurama here?” (8) Mwari anorondedzera simba reBhehemoti (15-24) 41 Mwari anorondedzera kushamisa kunoita Revhiatani (1-34) 42 Jobho anopindura Jehovha (1-6) Shamwari nhatu dzinonzi dzine mhosva (7-9) Jehovha anodzorera Jobho paaiva pakutanga (10-17) Vanakomana nevanasikana vaJobho (13-15)