RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 11/8 p. 32
  • “Kutsvaka Mugadziri Wezvinhu Mukurusa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kutsvaka Mugadziri Wezvinhu Mukurusa”
  • Mukai!—1996
Mukai!—1996
g96 11/8 p. 32

“Kutsvaka Mugadziri Wezvinhu Mukurusa”

Iwoyo wakanga uri musoro weimwe nyaya yaiva muMukai! yaNovember 8, 1995. Nhau yacho yakaunza kudavidza kwakanaka kubva kuvaravi munyika yose.

Amang akanyora ari kuDouala, Cameroon, kuti: “Nyaya dzacho dzakava netapuro huru pandiri nemhaka yokuti ndinoda kunyora mifananidzo, zvikurukuru mifananidzo yakaisvonaka yakaitwa nependi. Zvino ndinonzwisisa kuti kune Mugadziri wezvinhu mukurusa kupfuura Van Gogh, Rembrandt, Da Vinci, navamwe—hakuna mumwe kunze kwaJehovha Mwari amene.”

Kubva kuSt. Barthélemy, muFrench West Indies, Frederick akati: “Ndakachirava kana, uye nguva imwe neimwe ndakanga ndakazadzwa nokuonga zvinhu zvakaisvonaka izvo Musiki wedu akatipa.”

Assunta akanyora ari kuItaly, kuti: “Chakanyandura mandiri chishuvo chokuita mufananidzo nependi. Chakawedzera kudisa kwangu nyika itsva yaMwari.” Uye Irena, wokuCzech Republic, akati: “Apo tinoshanyira mamiziyemu, tinofanira kubhadhara kuti tione mabasa ounyanzvi, nepo Musiki wezvinhu zvose zvakanaka zvomusikirwo anozvipa kwatiri pasina mubhadharo, zuva riri rose.” Aline akanyora ari kuBrazil, kuti: “Kunyange zvazvo tichigarova nenyaya dzokutibetsera kuonga unhu hwaJehovha, idzi dzakabaya mwoyo wangu. Dzakapa udzame huzhinji pamusoro pechisiko icho chinowedzera kuonga kwedu rudo rwaJehovha.”

Ari muchando cheWisconsin, U.S.A., Anne akanyora, kuti: “Chakandibetsera chaizvoizvo kuonga runako rwechisiko. Pane dzimwe nguva muchando rwakaoma kuwana. Zuva rimwe chetero randakarava nyaya yacho, ndakabuda kunze ndokucherechedza chando chakanga chiri pabazu, shizha rakafukidzwa nesinou, makwara emhuka musinou. Ndinokuongai zvakare nokuda kwechiyeuchidzo chenzira iyo tinogona kunzwisisa nayo ‘Mugadziri Wezvinhu Mukurusa,’ Jehovha Mwari.”

Kana ungada kugamuchira iyi magazini nguva dzose, tapota kurukura neZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda mako kana kuti nyorera kero iri pedyosa yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe