RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 8/8 p. 32
  • “Chimwe Chinhu Chinokosha”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Chimwe Chinhu Chinokosha”
  • Mukai!—1998
Mukai!—1998
g98 8/8 p. 32

“Chimwe Chinhu Chinokosha”

Pashure pokurava bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama, bhuku rinoedza kuburitsa zvose zvakaitika muupenyu hwaJesu pasi pano semanyorerwe azvakaitwa muEvhangeri ina, mumwe mukadzi ane makore 70 muMoscow, Russia, akataura kuti: “Handisati ndamborava bhuku rakadaro. Ndinoda kuziva zvakawanda pamusoro paMwari naJesu Kristu nekutofunda Bhaibheri chaiko.”

Hofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha muRussia inowanzogamuchira tsamba dzakadaro pamusoro pemabhuku eBhaibheri. Tsamba yakafanana yakatumirwa nemumwe mukadzi wekuChelyabinsk, guta rine vanhu vanotopfuura miriyoni imwe riri makiromita anenge chiuru nehafu kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweMoscow.

Akataura pamusoro paMunhu Mukurusa Ati Amborarama kuti: “Bhuku racho chimwe chinhu chinokosha. Rinodyara muvanhu tariro yeramangwana rinofadza uye rinovabatsira kuziva nhau yekare kare. Ndisati ndaona bhuku iri, ndaisambofunga nezvaMwari uye ndaisamboita hanya nerudzidziso, asi zvino ndinoda kubhabhatidzwa. Ndinoda kudzidza mabhuku enyu zvekuti. Ndinoda kutaura pamusoro pezvinhu zvandakadzidza neshamwari dzangu, vanhu vandinoziva, nehama.”

Kana newewo unogona kugamuchira mabhuku anokubatsira kudzidza zvakawanda pamusoro paJesu netariro yeupenyu munyika itsva yakavakirwa paBhaibheri. Kana uchida kugamuchira kopi yebhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama, kana kuti uchida kuti mumwe munhu auye kumba kwako kuzodzidza newe Bhaibheri pachena, tapota nyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera iri papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe