RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 11
  • Muraraungu Wokutanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muraraungu Wokutanga
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu 8 Ndivo Vakapona
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mvura Inoparadza Nyika—Zvichaitika Zvakare Here?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Nyaya yeMafashamo Emunguva yaNoa Yakaitika Zvechokwadi Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kunyeverwa Nezvakamboitika
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 11
Muraraungu wekutanga, Areka yaNoa iri panyika yakaoma

NHAU 11

Muraraungu Wokutanga

UNOZIVA here chinhu chokutanga chakaita Noa apo iye nemhuri yake vakabuda muareka? Akaita chipiriso kuna Mwari. Ungamuona achikuita pamufananidzo uri pasi apa. Noa akapa ichi chipo chemhuka kuonga Mwari nokuda kwokuponesa mhuri yake pamafashamo makuru.

Unofunga kuti Jehovha akafadzwa nechipocho here? Hungu. Nokudaro akapikira Noa kuti haazotongoparadzizve nyika namafashamo.

Noa nemhuri yake vachipa chibayiro chekutenda Jehovha

Nokukurumidza nyika yakanga yaoma yose, uye Noa nemhuri yake vakatanga upenyu hutsva kunze kweareka. Mwari akavakomborera ndokuvaudza kuti: ‘Munofanira kuva navana vazhinji. Wedzerai kusvikira vanhu vagara pasi pose.’

Asi pashure, paizonzwa vanhu nezvamafashamo makuru, vaizotya kuti mafashamo akadaro aizoitikazve. Saka Mwari akapa chimwe chinhu chaizoyeuchidza vanhu nezvechipikirwa chake chokusatongofashamidzazve pasi rose. Unoziva chaakavapa chokuvayeuchidza here? Chaiva muraraungu.

Muraraungu unogarooneka mudenga panopenya zuva kana kwanaya. Miraraungu ingava namavara mazhinji akaisvonaka. Wati wamboona mumwe here? Unoona mumwe uri mumufananidzo here?

Mwari akati: ‘Ndinopikira kuti vanhu nemhuka zvose hazvizotongoparadzwizve namafashamo. Ndinoisa muraraungu wangu mumakore. Uye panooneka muraraungu, ndichauona ndokuyeuka ichi chipikirwa changu.’

Nokudaro paunoona muraraungu, unofanira kukuyeuchidza nezvei? Eya, chipikirwa chaMwari chokuti haazotongoparadzizve nyika nemafashamo makuru.

Genesisi 8:18-22; 9:9-17.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe