RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 1/15 p. 31
  • Kubairwa Kwavanhu Vaduku—Hakuna Kubva Kuna Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubairwa Kwavanhu Vaduku—Hakuna Kubva Kuna Mwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 1/15 p. 31

Kubairwa Kwavanhu Vaduku—Hakuna Kubva Kuna Mwari

KUNZE kwamasvingo eJerusarema, munguva dzakare kwaiva nenzvimbo yainzi Tofeti. Ikoko, vaIsraeri vakawa pakutenda, kubatanidza Madzimambo Ahazi naManase, vaisishandisa tsika inotyisa yokubaira vana. Pakupedzisira, mambo akatendeka Josia akamisa muitiro wacho kupfurikidza nokuita Tofeti nzvimbo isina kukodzera miitiro yorudzidziso.—2 Madzimambo 23:10; 2 Makoronike 28:1-4; 33:1, 6.

Neiko nzvimbo yacho yakanzi Tofeti? Mviromviro yeshoko racho inoitiranwa nharo, asi kunofadza kucherekedza icho mudzidzi wechiJudha David Kimhi (c. 1160-c. 1235) aifanira kutaura pamsoro penzvimbo yacho. Achikurukura 2 Madzimambo 23:10, apo panodudzwa Tofeti, iye akanyora, kuti: “Zita renzvimbo apo vaiparira vanakomana vavo kupfuura nomu[mwoto] kuenda kuna Moreki. Zita renzvimbo yacho rakanga richinzi Tofeti, uye ivo vakataura kuti yakadanwa kudaro nemhaka yokuti panguva yokunamata ivo vaitamba ndokuridza mitengeranwa [chiHebhheru, tup·pimʹ] kuitira kuti baba agorega kunzwa kuchema kwomwanakomana wake pavakanga vachimuparira kupfuura nomumwoto, uye kuti mwoyo wake ugorega kunyandurwa pamsoro pake uye iye achimubvisa muruoko rwavo. Uye iyi nzvimbo yakanga iri mupata womunhu ainzi Hinomi, uye yakanzi ‘Mupata waHimoni’ uye yakanzi ‘Mupata woMwanakomana waHinomi’ . . . Josia akasvibisa nzvimbo iyoyo, achiiita nzvimbo isina kuchena, kukanda zvitunhamo nokusachena kwose, kuti igorega kuzotongopinda zvakare mumwoyo womunhu kuparira mwanakomana wake nomwanasikana wake kupfuura mumwoto achienda kuna Moreki.”

Munguva dzazvino uno, mwari Moreki anongova zvake chechienzi chenhau, uye vazhinji pasina panikiro vanokuwana kwakaoma kunzwisisa chikonzero nei vanhu vaiuraya vana vavo nokuda kwake. Bva, vakuru nhasi vachiri vanoratidzika kuva vakagadzirira kuuraya vaduku vavo apo kunovakodzera. Mukati mezana rino ramakore, mamirioni epwere akabairwa paatari yehondo. Gore riri rose, mamirioni asingataurwi avana vasina kuberekwa anourawa namaune mukubvisa pamuviri, vazhinji vavo nemhaka yokuti kunamba kwavo kwaiva muuyo wevatano yokusaitira hanya kana kuti nemhaka yokuti kubereka kwavo kwaizodzongonyedza mutoo woupenyu wavabereki vavo. Nokudaro, ava vana vanova zvibairo kuvamwari vorusununguko rwevatano nekudisa zvenyika.

Jehovha akataura kuti kupiswa kwavana kuna Moreki kwakanga kuri kwakashata. (Jeremia 7:31) Ko anomborangarira zvakasiana here kuurawa kwakaipa kwavanhu vaduku muchizvarwa chedu?

[Mifananidzo iri papeji 31]

Kubairwa kwavana kuna mwari wenhema Moreki, sezvakaratidzirwa makore 75 akapfuura mu“Photo-Drama of Creation”

Mupata waHinomi womuzuva razvino uno, wakatarira nechokumabvazuva

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe