RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 7/15 p. 32
  • Nhungamiro Mukusarudza Shamwari Dzakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhungamiro Mukusarudza Shamwari Dzakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 7/15 p. 32

Nhungamiro Mukusarudza Shamwari Dzakanaka

VECHIDUKU vanotarira kune vezera ravo pane kuti vatarire kuvabereki vavo nokuda kwenhungamiro pane zvokupfeka nenziyo, unodaro mushumo uri muReader’s Digest. Naizvozvo zvinokosha kuti vabereki vazive kuti shamwari dzevana vavo ndivanaani uye kuti vanosangana kupi.

“Mutoro wenyu kuti muongorore,” anodaro Esmé van Rensburg, mudzidzisi mukuru mudhipatimendi rekushanda kwepfungwa payunivhesiti yekuSouth Africa. Anowedzera kuti: “Mikana iripo ndeyokuti mwana wenyu achakugumbukirai, asi zvichapera.” Ipapo anopa mazano anotevera kuvabereki. Mitemo inofanira kuva ine musoro uye ine nheyo huru chaidzo; teererai mwana wenyu; musanyanyovhunduka, asi rambai makadzikama, uye zivai zvamunoda kutaura. Kana mwana wenyu atotanga kushamwaridzana neshamwari yamusingadi, taurai nezvetsika dzamusingadi dzakaparirwa noushamwari ihwohwo pane kungorambidza kushamwaridzana kwacho kuti kupfuurire.

Zano rinoshanda nokuda kwavabereki rakabvira kare riri muShoko raMwari, Bhaibheri. Somuenzaniso, rinoti munhu: “Ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa.” (Jakobho 1:19) Magwaro anopawo zano iri rakaisvonaka pakusarudza shamwari achiti: “Fambidzana navakachenjera, ugova akachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Mienzaniso iyi inoratidza kuchenjera kunowanika neavo vanorava Bhaibheri nokuonga ndokushandisa zvarinotaura muupenyu hwavo hwezuva nezuva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe