RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 3/1 p. 32
  • Rakadzorera Ringi Paminwe Yavo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rakadzorera Ringi Paminwe Yavo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 3/1 p. 32

Rakadzorera Ringi Paminwe Yavo

“TARIRAI minwe yangu. Pane chamuri kuona chachinja here?” Mumwe murume akatambanudzira ruoko rwake kune mumwe mukadzi, ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, uyo akarwutarira ndokubva aona kuti ringi yake yomuchato pakanga pasisina. Akatsanangura kuti iye nomudzimai wake vakanga vasingachawirirani, saka vakasarudza kurambana. “Kwete!” Chapupu chacho chakadaro. “Torai bhuku iri mugorirava. Richakubetserai nemhuri yenyu.” Naizvozvo, akamupa kopi yebhuku reBhaibheri rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.a

Kwapera mazuva murume wacho akadzoka kune Chapupu chacho achifara. Akachiratidza ruoko rwake. Nguva ino akanga akapfeka ringi yake yomuchato. Akachiudza kuti iye nomudzimai wake vakanga varava bhuku rinonzi Zivo uye kuti zvino vakanga vava kufara zvikuru. Bhuku racho rakanga radzorera chaizvoizvo ringi dzacho paminwe yavo.

Zano reBhaibheri rinogona kubetsera murume nomukadzi kuratidzana rudo rwechokwadi. Izvi zvakadaro nemhaka yokuti munyori weBhaibheri haasi mumwe kunze kwoMusiki wedu, uyo anoti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isaya 48:17.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe