RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 10/1 pp. 30-31
  • ‘Mbudzi Yomumakomo Inofadza’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Mbudzi Yomumakomo Inofadza’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 10/1 pp. 30-31

‘Mbudzi Yomumakomo Inofadza’

INOFADZA harisi shoko rokuti vazhinji vedu taizoshandisa kutsanangura mbudzi. Tingafunga nezvembudzi semhuka dzinobatsira, dzinongodya chinenge chinhu chose uye dzinotipa nyama inonaka nomukaka unovaka muviri—asi hatingambodziti dzinofadza.

Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotsanangura mudzimai se“hadzi yenondo yakanaka, ne[“mbudzi yomumakomo,” NW] inofadza.” (Zvirevo 5:18, 19) Soromoni, munyori webhuku raZvirevo, aiva mucherechedzi anofarira wemhuka dzomusango dzomuIsraeri, saka hapana mubvunzo kuti aive nechikonzero chakanaka chokushandisa fananidzo iyi. (1 Madzimambo 4:30-33) Kungofanana nababa vake, zvichida aive acherechedza mbudzi dzomumakomo dzaitambira muEni-gedhi, pedyo nemahombekombe eGungwa Rakafa.

Tumapoka twembudzi dzomumakomo twunogara muRenje reJudhiya riri pedyo twunowanzouya pachitubu cheEni-gedhi. Sezvo iri iyo yoga inowanisa mvura muiyi nharaunda yakaoma, Eni-gedhi yave iri nzvimbo yokunwira mvura inodiwa nembudzi dzomumakomo kwemazana emakore. Kutaura zvazviri, zita rokuti Eni-gedhi ringangoreva kuti “chisipiti chembudzana,” izvo zvinopupurira kuvapo nguva dzose kwembudzi duku munharaunda iyi. Mambo Dhavhidhi akatizira muno pakutambudzwa naMambo Sauro, kunyange zvazvo aifanira kugara sounotiza “pamatombo e[“mbudzi dzomumakomo,” NW].”—1 Samueri 24:1, 2.

PaEni-gedhi uchiri kukwanisa kuona ngururu hadzi, kana kuti mbudzi yomumakomo, ichidzika negoronga rine matombo zvishoma nezvishoma zvinoyevedza ichitevera gotora kumvura. Ipapo ungatanga kunzwisisa fananidzo iripo pakati pengururu hadzi nomukadzi akatendeka. Rupfave rwayo nemaitiro ayo akaisvonaka zvinotaura zvoga unhu hwechikadzi. Shoko rokuti “inofadza” rinoita seriri kunongedzera kukuyevedza uye maitiro akaisvonaka zvinoratidzwa nembudzi yomumakomo.a

Ngururu hadzi inofanira kutsungirira matambudziko asi ichiyevedza. Sezvakataurwa naJehovha kuna Jobho, mbudzi yomumakomo inoberekera mumatombo, mumaware, musingapindiki mungasawanika zvokudya uye muchinyanya kutonhora kana kupisa. (Jobho 39:1) Pasinei nematambudziko aya, inotarisira vana vayo nokuvadzidzisa kukwira nokusvetuka pakati pamatombo vachikurumidza sezvainoita. Ngururu inodzivirirawo vana vayo kuzvikara noumhare. Mumwe akamboona mbudzi yomumakomo ichirwisa gondo kwehafu yeawa, iko kambudzana kacho kakavhumbama pasi payo kuti kadzivirirwe.

Kazhinji vakadzi navanaamai vechiKristu vanofanira kurera vana vavo mumamiriro ezvinhu akaoma. Sezvinoita mbudzi yomumakomo, vanoratidza kuzvipira uye kusangozvifunga pakutarisira mitoro yavakapiwa naMwari. Uye vanoedza noushingi kudzivirira vana vavo pangozi dzomudzimu. Saka, panzvimbo pokuzvidza vakadzi nefananidzo iyi, Soromoni aitoda kuti kuyevedza uye runako zvomukadzi zvicherechedzwe—unhu hwomudzimu hunoramba huchipenya kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma.

[Mashoko Omuzasi]

a Maererano neThe New Brown-Driver-Briggs-Gesenius Hebrew and English Lexicon, mashandisirwo akaitwa shoko rechiHebheru rokuti chen, rakashandurwa kuti “inofadza,” rinoreva ‘kuyevedza uye maitiro akaisvonaka nechitarisiko.’

[Mifananidzo iri papeji 30, 31]

Mukadzi naamai vechiKristu anoratidza unhu hwomudzimu hwakanaka mukuita mitoro yake yaakapiwa naMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe