RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 12/1 p. 32
  • Good News for People of All Nations

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Good News for People of All Nations
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 12/1 p. 32

Good News for People of All Nations

PAMUSORO apa pari kuratidzwa kabhuku kakabudiswa paGungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha ra2004/05 raiva nomusoro unoti, “Famba naMwari.” Kamwe kabhuku kacho ako kane mapeji 96 kane mashoko mashoma mumitauro 92, kubvira kumutauro weAfrikaans kusvikira kune weZulu, uye kakanyorerwa kubatsira kuparadzira mashoko akanaka oUmambo kuvanhu vakawanda sevanobvira. (Mateu 24:14) Zvakaitika zvinotevera zvinoratidza zvinowanzoitika panoshandiswa kabhuku kacho.

• Pashure pokugamuchira kabhuku kacho pagungano reruwa, imwe mhuri yeZvapupu yakashanyira mapaki matatu omunyika mayo. Ikoko vakasangana nevanhu vokuIndia, Netherlands, Pakistan, nePhilippines. Murume wacho akati: “Kunyange zvazvo vanhu vose ava vaitaura Chirungu zvishoma, vakafara chaizvo patakavaratidza mashoko acho mumutauro wavo, sezvo vaiva kure zvikuru nokumusha kwavo. Vakanyatsonzwisisa zvakaita basa redu romunyika yose uyewo kubatana kwatakaita.”

• Chimwe Chapupu chakaratidza kabhuku kacho mumwe wachinoshanda naye wokuIndia. Akafara kuona mitauro yose irimo achibva averenga mashoko acho mumutauro wake. Izvi zvakaita kuti vakurukure zvakawanda nezveBhaibheri. Mumwe waanoshanda naye wokuPhilippines akashamiswa kuona mutauro wokumusha kwake mukabhuku kacho achibva afarira kudzidza zvakawanda nezveZvapupu zvaJehovha.

• MuCanada, mumwe mukadzi wokuNepal akabvuma kudzidzira Bhaibheri pafoni nechimwe Chapupu asi aizengurira kukoka hanzvadzi iyi kumba kwake. Zvisinei, Chapupu chacho pachakaudza mukadzi uyu nezvekabhuku kaiva nemashoko akanyorwa muchiNepali, mukadzi wacho akakoka hanzvadzi iya achiratidza kufara. Akanga achida kuzvionera mashoko acho mumutauro waamai vake! Kubvira ipapo, vakanga vava kudzidza Bhaibheri kumba kwomukadzi wacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe