“Nei Tiri Pano?”
MUMWE akahwina mubayiro weNobel Prize uye akapona paKuuraya Kukuru kweNazi anonzi Elie Wiesel akambouti “ndiwo mubvunzo unokosha zvikuru unofanira kubvunzwa nomunhu.” Wokuti chii? Wokuti, “Nei tiri pano?”
Wakambofungisisa mubvunzo uyu here? Vakawanda vakambofungisisa nezvawo, asi havana kuwana mhinduro yacho. Achiedza kuwana chinangwa choupenyu, mumwe munyori wenhau dzakaitika kare wokuBritain anonzi Arnold Toynbee akanyora kuti: “Chinangwa chaicho chevanhu ndechokukudza Mwari uye kuwana mufaro kubva Kwaari nokusingaperi.”
Sezvineiwo, makore anodarika zviuru zvitatu apfuura, mumwe murume aizivikanwa kuti aiva shasha yokuongorora zvoupenyu akanga atowana mhinduro iyi inokosha. Mambo Soromoni akachenjera akati: “Pashure pokunge zvinhu zvose zvanzwiwa, mhedziso yenyaya yacho ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.”—Muparidzi 12:13.
Chokwadi ichi chakatsigirwa noMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Paakanga ari pasi pano, Jesu akaita zvose kuti akudze Baba vake vokudenga. Kushumira Musiki wake kwakaita kuti Jesu ave nechinangwa muupenyu. Kwakamugutsa uye kwakamutsigira, zvokuti akakwanisa kutaura kuti: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma.”—Johani 4:34.
Saka nei tiri pano? Kufanana naJesu, naSoromoni, uye nevamwe vashumiri vaMwari vakawanda, tinogona kuwana chinangwa chaicho choupenyu uye kufara kusvika narini kana tikaita kuda kwaMwari. Ungada kuziva zvakawanda nezvemanamatiro aungaita Mwari “nomudzimu nechokwadi” here? (Johani 4:24) Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvingafara kukubatsira kuti upindure mubvunzo wokuti, “Nei tiri pano?”