RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 6/15 p. 32
  • “Unoziva Mwari Nezita Here?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Unoziva Mwari Nezita Here?”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 6/15 p. 32

“Unoziva Mwari Nezita Here?”

MUBVUNZO uyu wakaita kuti mumwe mukadzi wokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweCentral Asia ade kuziva. Mubvunzo wacho waiva pabutiro reimwe magazini yedu yeMukai! yaFebruary 8, 2004. Mukadzi wacho akanyorera vabudisi vemagazini yacho achiti: “Pandakangoona magazini yenyu, yakanditora mwoyo uye yakandibatsira kuti ndifungisise nezvetsika dzakanaka. Ndava kuona upenyu zvakanaka chaizvo. Ndiri kuudza munhu wose nezvaMwari wedu uye rugare runowanika nokumuziva.”

Kutaura zvazviri, munzvimbo dzakawanda “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika,” vanhu vava kuziva zita raMwari rokuti Jehovha. (Mabasa 1:8) Somuenzaniso, zita iri mumutauro weTurkmen rinonzi Yehowa, uye rinowanika nyore mushanduro yeTurkmen yeMagwaro Matsvene. Pana Pisarema 8:1 panoti: “Jehovha Ishe wedu, zita renyu iguru sei panyika pose!”

Kuti azive zvakawanda nezvaJehovha Mwari, mukadzi wacho akakumbira bhurocha rine mapeji 32 rinonzi Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. Newewo unokwanisa kukumbira bhurocha iri kune mumwe weZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe