Waizviziva Here?
Nei mafuta ainhuhwirira akashandiswa naMariya aidhura zvikuru?
Kwasara mazuva mashomanana kuti Jesu afe, Mariya, hanzvadzi yaRazaro “akauya nechinu chearabhasta chaiva nemafuta anonhuhwirira, nadhi chaiyo, inodhura kwazvo,” akadira mafuta acho pana Jesu. (Mako 14:3-5; Mateu 26:6, 7; Johani 12:3-5) Nhoroondo yaMako neyaJohani inoti mafuta ainhuhwirira aya aiita madhinari 300—inenge mari yaitambirwa nomushandiwo zvake pagore.
Mafuta aya ainhuhwirira uye aidhura aigadzirwa nei? Nadhi iyi inotaurwa muBhaibheri inofungidzirwa kuti yaigadzirwa nekamuti kanonhuhwirira (Nardostachys jatamansi) kanowanikwa muMakomo eHimalaya. Nadhi yaidhura yaiwanzosanganiswa nezvimwe zvisingadhuri kana kuti kugadzira yokunyepedzera. Zvisinei, Mako naJohani vanoshandisa mashoko okuti “nadhi chaiyo.” Kudhura kwaiita mafuta aya ainhuhwirira kungareva kuti akanga agadzirwa kuIndia, kwaiva kure zvikuru.
Nei nhoroondo yaMako ichiti Mariya aka“vhura chinu chearabhasta”? Kazhinji chinu chearabhasta chaiva nekamuromo kaduku kaigona kunyatsovharwa zvakasimba kuitira kuti mafuta aya arambe achinhuhwirira. Mubhuku rinotaura nezvezvakawanikwa munguva yaJesu rinonzi Discoveries From the Time of Jesus, Alan Millard anoti: “Zviri nyore kuona kuti zvakafamba sei kuti mukadzi uyu aifara chaizvo akwetsure [kamuromo kechinu], asingaiti zvokunyatsovhura kachivharo kacho, mafuta acho ose achibva angobuda.” Ndokusaka “imba yakazara nokunhuhwirira kwemafuta anonhuhwirira.” (Johani 12:3) Chokwadi chaiva chipo chinodhura, uye chakakodzera. Nei? Mukadzi uyu aionga akanga achangobva kuona Jesu achimutsa hanzvadzi yake yaaida, Razaro.—Johani 11:32-45.
Jeriko—raiva guta rimwe chete here kana maviri?
Mateu, Mako, uye Ruka vose vakanyora nezvokuporesa kunoshamisa kwakaitika pedyo neJeriko. (Mateu 20:29-34; Mako 10:46-52; Ruka 18:35-43) Mateu naMako vanoti Jesu akaita chishamiso ichi paai“buda muJeriko.” Zvisinei, Ruka anoti Jesu akachiita “ava kusvika” kuJeriko.
Munguva yaJesu, paiva neguta rimwe chete rainzi Jeriko here kana kuti paiva nemaviri? Bhuku rinonzi Bible Then & Now (Bhaibheri, Kare uye Nhasi) rinopindura richiti: “Jesu paaiva pasi pano Jeriko rakanga ravakwazve makiromita anenge 1.6 kumaodzanyemba kweguta rekare. Herodhi Mukuru akanga avaka muzinda wake womuchando ikoko.” Izvi zvinosimbiswa nerimwe bhuku rinonzi Archaeology and Bible History rinotaura nezvokuchera matongo uye zvenhoroondo yeBhaibheri, richiti: “Jeriko romunguva yaJesu raiva maguta maviri. . . . Guta rekare rechiJudha raiva kure neguta reRoma nemakiromita anenge 1,6.”
Zvimwe Jesu akaita chishamiso chacho paaibva muguta reJudha uye ava kusvika kuguta reRoma kana kuti paakanga ava kusvika kuguta reJudha achibva kune reRoma. Zviri pachena kuti kuziva zvakaitika panguva yakanyorwa Bhaibheri kunotibatsira kujekesa zvinhu zvingaita sezvinopesana.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Bhodhoro remafuta anonhuhwirira earabhasta
[Kwazvakatorwa]
© Réunion des Musées Nationaux/Art Resource, NY