Mwari Ane Hanya Neni Here?
Mhinduro dzinowanzotaurwa:
▪ “Mwari nokukwirira kwaakaita haangambofungi nezvezvinondinetsa.”
▪ “Handifungi kuti ane hanya neni.”
Jesu akati kudii?
▪ “Shiri duku shanu hadzitengeswi nemari mbiri dzisingakoshi here? Asi hapana neimwe yadzo inokanganwika pamberi paMwari. Asi kunyange nebvudzi remisoro yenyu rose rakaverengwa. Musatya; imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.” (Ruka 12:6, 7) Hapana mubvunzo kuti Jesu akadzidzisa kuti Mwari ane hanya nesu.
▪ “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.” (Mateu 6:31, 32) Jesu aiva nechokwadi chokuti Mwari anoziva zvatinoda.
BHAIBHERI rinonyatsotaura kuti Mwari ane hanya nesu. (Pisarema 55:22; 1 Petro 5:7) Kana aine hanya nesu, nei tichitambura kwazvo mazuva ano? Kana Mwari aine rudo uye ari wemasimbaose, nei asingapedzi kutambura?
Mhinduro yacho inosanganisira chokwadi chisingazivikanwi nevanhu vakawanda—Satani Dhiyabhorosi ndiye mutongi wenyika ino yakaipa. Paaiedza Jesu, Satani akamuudza kuti aizomupa umambo hwose hwenyika, achiti: “Ndichakupa simba pane hwose uhwu nokubwinya kwahwo, nokuti hwakaiswa kwandiri, uye ndinohupa chero wandinoda.”—Ruka 4:5-7.
Ndiani akaita kuti Satani ave mutongi wenyika? Vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha pavakateerera Satani vachirega kuteerera Mwari, vakatosarudza kuti Satani ave mutongi wavo. Kubvira panguva yakapanduka Adhamu naEvha, Jehovha Mwari akabvumira nguva nokushivirira kuti aratidze kuti Satani mutongi asingabudiriri. Jehovha haamanikidzi vanhu kuti vamushumire, asi akatipa mukana wokuti tidzokere kwaari.—VaRoma 5:10.
Mwari akaronga kuti Jesu atinunure pakutonga kwaSatani, nokuti ane hanya nesu. Pasina nguva, Jesu ‘achaparadza uyo ane simba rokukonzera rufu, iye Dhiyabhorosi.’ (VaHebheru 2:14) Nokuita kudaro, Jesu “achaputsa mabasa aDhiyabhorosi.”—1 Johani 3:8.
Pasi rino richava paradhiso zvakare. Panguva iyoyo, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso [evanhu], rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga [zvichange] zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4, 5.a
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mamwe mashoko anoratidza kuti nei Mwari achibvumira kutambura, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Pasi rino richava paradhiso zvakare