Swedera Pedyo naMwari
“Ini, Jehovha Mwari Wako, Ndakabata Ruoko Rwako Rworudyi”
BABA pavanenge vava kuyambuka mugwagwa wakazara nemota, vanoti kumwanakomana wavo: “Uya ndikubate.” Kakomana aka pakanenge kakabatwa nababa vako hakavhunduki uye hakatyi. Pane pawakamboshuvawo here kuti mumwe munhu akubate ruoko okubatsira kukurira matambudziko oupenyu? Kana zvakadaro unogona kunyaradzwa nemashoko ari pana Isaya.—Verenga Isaya 41:10, 13.
Isaya ainyorera vaIsraeri mashoko aya. Kunyange zvazvo Mwari aiona rudzi urwu ‘sepfuma yake chaiyo,’ rwaiva rwakakombwa nevavengi. (Eksodho 19:5) VaIsraeri vaifanira kutya here? Jehovha akashandisa Isaya kuti avaudze mashoko aivasimbisa. Sezvatinoongorora mashoko acho, ngatiyeukei kuti anoshandawo kuvanamati vaMwari vemazuva ano.—VaRoma 15:4.
“Usatya,” anodaro Jehovha. (Ndima 10) Uku hakusi kungotaurawo zvako. Jehovha anotsanangura chinoita kuti vanhu vake vasatya achiti: “Nokuti ndinewe.” Haasi munhu ari kure nesu anovimbisa kuti achazongouya kana tava kuda kubatsirwa. Anoda kuti vanhu vake vazive kuti anavo, sezvinonzi ari parutivi pavo akagadzirira kuvabatsira. Iyi ipfungwa inokurudzira chaizvo.
Jehovha anowedzera kusimbisa vanamati vake, achiti: “Usatarira-tarira.” (Ndima 10) Shoko rechiHebheru rakashandiswa pano rinogona kureva vanhu “vanotarira kwose kwose kuti vaone kuti pane chingavakuvadza here.” Jehovha anotaura kuti nei vanhu vake vasingafaniri kutya saizvozvo achiti: “Nokuti ndiri Mwari wako.” Hapana mamwe mashoko anokurudzira kupfuura iwayo. Jehovha ndiye “Wokumusorosoro” uye ndiye “Wemasimbaose.” (Pisarema 91:1) Vashumiri vaMwari havafaniri kutya sezvo Jehovha wemasimbaose ari Mwari wavo.
Saka vanamati vaJehovha vanofanira kutarisira chii kubva kwaari? Anovimbisa kuti: “Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.” (Ndima 10) Anotiwo: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi.” (Ndima 13) Unofungei paunonzwa mashoko iwayo? Rimwe duramazwi rinotsanangura kuti “Ndima idzi dziri mbiri dzinoita kuti tifunge nezvemubereki nemwana wake. [Baba] havamiriri kuzongodzivirira mwana wavo chete asiwo vanogara vanaye uye havadi kuparadzaniswa naye.” Pafunge. Jehovha haazomboiti kuti pave nechimwe chinhu chingamuparadzanisa nevanhu vake, kunyange panguva dzokuti upenyu hunenge hwakavaomera chaizvo.—VaHebheru 13:5, 6.
Mazuva ano vanamati vaJehovha vanogona kunyaradzwa chaizvo nemashoko aIsaya. ‘Munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ dzimwe nguva tinombonzwa sokuti tamomoterwa nenhamo. (2 Timoti 3:1) Asi tine anotibatsira kugadzirisa nhamo idzodzo. Jehovha anoda kutambanudza ruoko rwake kuti atibate. Tinogona kubata ruoko rwake rune simba sezvinoita mwana muduku, tiine chivimbo chokuti achatitungamirira mugwara rakarurama otibatsira patinenge tichida kubatsirwa.—Pisarema 63:7, 8.
Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna January: