Dzidza Kubva Mushoko raMwari
Chii Chichaitika Kuzvitendero?
Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.
1. Zvitendero zvose zvakanaka here?
Muzvitendero zvakawanda mune vanhu vanoda kufadza Mwari nomwoyo wose. Mwari anoona vanhu vakadaro uye ane hanya navo. Asi zvinosuruvarisa kuti vanhu vakawanda vari kuita zvakaipa vachivanda nezvitendero. Kare vatungamiriri vezvitendero vaitotambudza vavengi vavo zvikuru. (2 VaKorinde 4:3, 4; 11:13-15) Mazuva ano nhau dziri kubudiswa dzinoratidza kuti vamwe vatungamiriri vezvitendero vanokurudzira zvougandanga, vanotsigira hondo uye vanoshungurudza vana.—Verenga Mateu 24:3-5, 11, 12.
Bhaibheri rinodzidzisa kuti kunongova nezvitendero zviviri chete, chechokwadi nechenhema. Chitendero chenhema hachidzidzise chokwadi nezvaMwari. Asi Mwari anoda kuti vanhu vazive chokwadi nezvake.—Verenga 1 Timoti 2:3-5.
2. Chii chichaitika kuzvitendero?
Mwari haadi kuti vanhu vanyengerwe nezvitendero zvinoti zvinomuda asi zvichidzidzisa nhema pamusoro pake. Chiripo ndechokuti vanhu vezvitendero izvozvo vanofarira kushamwaridzana nenyika iyo iri kutungamirirwa naSatani Dhiyabhorosi. (Jakobho 4:4; 1 Johani 5:19) Shoko raMwari rinorondedzera zvitendero zvinodyidzana nehurumende dzevanhu pane kuvimbika kuna Mwari semahure. Bhaibheri rinoti hure iri i“Bhabhironi Guru,” rinova zita rakatorwa paguta rakatangira chitendero chenhema pashure pemafashamo emuzuva raNoa. Munguva pfupi iri kuuya, Mwari achangoerekana agumisa chitendero chenhema icho chiri kunyengera uye kudzvinyirira vanhu.—Verenga Zvakazarurwa 17:1, 2, 5, 17; 18:8, 23, 24.
3. Mwari achaita sei kuti vanhu vari panyika yose vafare?
Zvinofadza kuti chitendero chenhema chichatongwa. Zvichaita kuti vanhu munyika yose vasavhiringidzwa nechitendero chenhema. Zvitendero zvenhema zvinenge zvisisipo, saka zvinenge zvisingachanyengeri kana kutsausa vanhu. Munhu wose mupenyu achange achinamata Mwari mumwe chete wechokwadi.—Verenga Isaya 11:9; Zvakazarurwa 18:20, 21; 21:3, 4.
4. Vanhu vanoda chokwadi nomwoyo wose vanofanira kuitei?
Jehovha haana kukanganwa vanhu vari muzvitendero zvakawanda vanoda chokwadi nomwoyo wose. Iye zvino ari kudzidzisa vanhu ivavo chokwadi kuti vabatane.—Verenga Mika 4:2, 5.
Jehovha anogamuchira vanhu vanoda kumunamata kuti vave mumhuri yake. Kunyange zvazvo hama dzedu dzingatigumbukira patinotanga kushumira Jehovha, tine zvimwe zvakawanda zvatinowana. Tinova shamwari dzaMwari, tinova “mumhuri” itsva ine rudo, uye tinova netariro yokuzorarama nokusingaperi.—Verenga Mako 10:29, 30; 2 VaKorinde 6:17, 18.
Kuti unzwe zvakawanda, ona zvitsauko 15 ne16 zvebhuku iri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck