“Chengetedza Mwoyo Wako!”
Gungano Reruwa Rezvapupu zvaJehovha
MUSORO UCHAKURUKURWA MUSI WECHISHANU
“Jehovha, Anoona Zvakaita Mwoyo”—1 SAMUERI 16:7.
MUSORO UCHAKURUKURWA MUSI WEMUGOVERA
“Muromo Unotaura Zvinobva Pazvizhinji Zviri Mumwoyo”—MATEU 12:34.
MUSORO UCHAKURUKURWA MUSI WESVONDO
‘Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana’—1 MAKORONIKE 28:9.
Bhaibheri rinotaura nezvemwoyo kanoda kusvika ka1 000. Kazhinji kacho Magwaro anenge achitaura nezvemwoyo wokufananidzira kwete mwoyo chaiwo. Mwoyo wokufananidzira chii? Kazhinji shoko racho rinoreva zvakaita munhu nechomukati, kureva mafungiro ake, manzwiro ake uye zvaanoda.
Nei tichifanira kuchengetedza mwoyo wedu wokufananidzira? Mwari akaita kuti Mambo Soromoni anyore kuti: “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako, nokuti mauri ndimo mune matsime oupenyu.” (Zvirevo 4:23) Zvakaita upenyu hwedu iye zvino uye tariro yedu yeramangwana, zvose zvinobva pane zvakaita mwoyo yedu yokufananidzira. Nei? Nokuti Mwari anoona zviri mumwoyo medu. (1 Samueri 16:7) Zvatiri nechemukati kana kuti zvakaita “munhu akavanzika womwoyo,” ndizvo zvichaita kuti Mwari atifarire kana kuti asatifarire.—1 Petro 3:4.
Tingachengetedza sei mwoyo yedu? Mubvunzo uyu uchanyatsopindurwa pamagungano eruwa achaitwa neZvapupu zvaJehovha pasi pose kutanga mwedzi uno. Unokokwa noushamwari kuti upinde mazuva ose matatu egungano iri.a Zvauchadzidza zvichakubatsira kuita zvinhu nenzira inofadza mwoyo waJehovha Mwari.—Zvirevo 27:11.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uzive gungano richaitirwa pedyo newe, tapota enda pakero yedu yepaIndaneti inoti www.pr2711.com. Unogonawo kutaura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti kunyorera vanobudisa magazini ino.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Mufananidzo uri kurudyi: Aus dem Fundus der MÜNCHNER OLYMPIAPARK GMBH, München