Mazano Aro Anoshanda Mazuva Ano
“Shoko renyu irambi retsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—PISAREMA 119:105.
BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDINI? Mamwe mabhuku anogona hawo kunzi akanaka asi haakodzeri kuratidza vanhu gwara muupenyu. Uyewo mabhuku emirayiridzo emazuva ano anogara achinatsurudzwa. Asi Bhaibheri rinotaura kuti “zvinhu zvose zvakanyorwa kare [zviri mariri] zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe.”—VaRoma 15:4.
MUENZANISO: Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rezvekurapa, rine mazano anobatsira kuti munhu ave noutano hwakanaka uye asashushikana mupfungwa. Somuenzaniso, rinotaura kuti “mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri wenyama.” (Zvirevo 14:30) Bhaibheri rinonyeverawo kuti: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.” (Zvirevo 18:1) Rinotaurawo kuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
ZVAKAWANIKWA NEVANOTSVAKURUDZA: Pfungwa dzakagadzikana, ushamwari hwetsika nditsikewo uye kuva nerupo kunogona kuvandudza utano hwako. Magazini inonzi The Journal of the American Medical Association inoti: “Varume vanonyanya kufufutirwa nehasha vane mukana wakapetwa nekaviri wokurohwa nesitiroko pane varume vanozvidzora.” Imwe ongororo yemakore gumi yakaitwa kuAustralia yakabudisa kuti vanhu vakura “vane shamwari nevanhu vavanotaura navo zvinhu zviri kutsi kwemwoyo yavo” vanogona kurarama kwenguva yakareba kupfuura vaya vasina. Uye muna 2008 vatsvakurudzi vekuCanada nevekuUnited States vakaona kuti “kupa vamwe mari kunoita kuti munhu afare pane kungoidya ega.”
UNOFUNGEI? Pane here rimwe bhuku rinopa mazano ezvokurapa rakanyorwa makore 2 000 akapfuura raungavimba naro? Izvi hazviratidzi here kuti Bhaibheri ibhuku rakasiyana nemamwe?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
“Ndinofarira Bhaibheri chaizvo . . . nokuti rinopa mazano akanaka chaizvo ezvekurapa.”—ZVAKATAURWA NACHIREMBA AINZI HOWARD KELLY, M.D., MUMWE WEVAKATANGA YUNIVHESITI INONZI THE JOHNS HOPKINS UNIVERSITY SCHOOL OF MEDICINE