Zvishamiso Zvava Kuda Kuitika
KUDAI waiva nechirwere chakakura, waizonzwa sei kana ukaziva kuti chiremba ava kuda kukuvhiya haana kumbobvira avhiya mumwe munhu saizvozvo? Hazvishamisi kuti waizonetseka chaizvo. Asiwo waizonzwa sei dai waizoziva kuti chiremba wacho ane unyanzvi uye akambobudirira kuvhiya vanhu vakawanda chaizvo vaiva nechirwere chakafanana nechako? Izvi hazvingaiti kuti uve nechivimbo chokuti achakubatsira here?
Nyika ino iri kurwara inodawo chiremba anonyatsogona “kuirapa.” Jehovha Mwari akavimbisa muShoko rake Bhaibheri kuti achaita kuti nyika ino ive Paradhiso. (2 Petro 3:13) Kuti izvozvo zviitike, uipi hwose huchafanira kutanga hwabviswa panyika. (Pisarema 37:9-11; Zvirevo 2:21, 22) Zvinhu zvose zvinorwadza zvinofanira kutanga zvabviswa kuti nyika izova paradhiso. Pachatoitwa chishamiso kuti izvozvo zviitike!—Zvakazarurwa 21:4, 5.
Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti zvinhu izvozvo zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. Sei zvichidaro? Nokuti zvishamiso zvakatoitwa kare naJehovha Mwari zvinoratidza kuti ane simba rokuzadzisa zvaakavimbisa. Ngatimboonai zvishamiso zvitanhatu chete zvaakaita pazvishamiso zviri muBhaibheri, toona kuti ndezvipi zvaari kutivimbisa zvakafanana naizvozvo.
Dai ukaramba uchidzidza zvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana redu. Kutenda kwako zvakunoramba kuchikura, uchavawo netariro yakajeka yokurarama munguva yauchabatsirwa iwe pachako nezvishamiso zvaJehovha.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9, 10]
CHISHAMISO:
JESU AKAITA KUTI ZVIURU ZVEVANHU ZVIGUTE NECHINGWA UYE NEHOVE SHOMANANA.—MATEU 14:13-21; MAKO 8:1-9; JOHANI 6:1-14.
VIMBISO:
“Nyika ichabereka zvibereko zvayo; Mwari, iye Mwari wedu, achatikomborera.”—PISAREMA 67:6.
ZVATICHAITIRWA:
PACHANGE PASISINA MUNHU ANOTAMBURA NENZARA.
CHISHAMISO:
JESU AKAITA KUTI MAPOFU AONE.—MATEU 9:27-31; MAKO 8:22-26.
VIMBISO:
“Maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa.”—ISAYA 35:5.
ZVATICHAITIRWA:
MAPOFU OSE ACHANGE AVA KUONA.
CHISHAMISO:
JESU AKAPORESA VAKAREMARA.—MATEU 11:5, 6; JOHANI 5:3-9.
VIMBISO:
“Munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono.”—ISAYA 35:6.
ZVATICHAITIRWA:
UREMA HWOSE HUCHANGE HWAPERA.
CHISHAMISO:
JESU AKARAPA ZVIRWERE ZVAKASIYANA-SIYANA.—MAKO 1:32-34; RUKA 4:40.
VIMBISO:
“Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—ISAYA 33:24.
ZVATICHAITIRWA:
ZVIRWERE ZVOSE ZVINOTISHAYISA MUFARO ZVICHABVISWA. TICHANGE TAVA NOUTANO HWAKANAKISISA.
CHISHAMISO:
JESU AIVA NEMASIMBA PAZVINHU ZVAKASIKWA.—MATEU 8:23-27; RUKA 8:22-25.
VIMBISO:
“Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazoshandi zvakaoma pasina.”—ISAYA 65:21, 23.
“Uchava kure nokudzvinyirira—nokuti hapana wauchatya—uye uchave kure nechinhu chero chipi zvacho chinotyisa, nokuti hachizoswederi pedyo newe.”—ISAYA 54:14.
ZVATICHAITIRWA:
PACHANGE PASISINA NJODZI DZINONGOITIKA DZOGA.
CHISHAMISO:
JESU AKAMUTSA VAKAFA.—MATEU 9:18-26; RUKA 7:11-17.
VIMBISO:
“Vaya vose vari mumakuva vachayeukwa . . . vobuda.”—JOHANI 5:28, 29.
“Gungwa rakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.”—ZVAKAZARURWA 20:13.
ZVATICHAITIRWA:
HAMA DZEDU DZAKAFA DZICHAMUTSWA KUBVA MUMAKUVA.