RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 3/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nei Mwari Akatuma Jesu Panyika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jesu Aiva Mwanakomana waMwari Chaizvoizvo Here?
    Mukai!—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 3/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?

Mwari haana mudzimai waakabereka naye vana. Ndiye Musiki wezvinhu zvose zvipenyu. Vanhu vakasikwa vachikwanisa kutevedzera unhu hwaMwari. Ndokusaka munhu wokutanga akasikwa naMwari, Adhamu achinzi “mwanakomana waMwari.” Jesu anonziwo “Mwanakomana waMwari” nokuti akasikwa aine unhu hwakafanana nehwaBaba vake.—Verenga Ruka 3:38; Johani 1:14, 49.

Jesu akasikwa rini?

Mwari akasika Jesu asati asika Adhamu. Mwari akatoshandisa Jesu pakusika zvimwe zvinhu zvose, kusanganisira ngirozi. Ndosaka Bhaibheri richidana Jesu kuti “dangwe rezvisikwa zvose” zvaMwari.—Verenga VaKorose 1:15, 16.

Jesu aigara kudenga ari ngirozi asati aberekwa muBhetrehema. Mwari akazotamisa upenyu hwaJesu kubva kudenga kuenda mudumbu raMariya kuitira kuti aberekwe semunhu.—Verenga Ruka 1:30-32; Johani 6:38; 8:23.

Nei Mwari akaita kuti Jesu aberekwe panyika semunhu? Ibasa ripi rinokosha rakaitwa naJesu? Unogona kuwana mhinduro dzemibvunzo iyi muBhaibheri uye dzichakubatsira chaizvo kuwedzera kunzwisisa uye kuonga kwaunoita zvawakaitirwa naMwari naJesu.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 4 chebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe