RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 9/1 p. 13
  • “Mwari Anoda Munhu Anopa Achifara”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mwari Anoda Munhu Anopa Achifara”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anoda Vapi Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • “Mwari Anoda Mupi Anofara”
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ratidza Kuda Kwako Mwari
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 9/1 p. 13

SWEDERA PEDYO NAMWARI

“Mwari Anoda Munhu Anopa Achifara”

Chipo cherudzii chingaita kuti unyatsofara? Hapana mubvunzo kuti vakawanda vedu vangafara kugamuchira chipo kubva kumunhu anopa pamusana perudo pane kungoita zvekumanikidzirwa. Chinoita kuti munhu ape ndicho chinonyanya kukosha. Chinokoshawo kwatiri. Uyewo chinonyanya kukosha kuna Mwari. Funga nezvemashoko akafuridzirwa emuapostora Pauro ari pana 2 VaKorinde 9:7.

Nei Pauro akanyora mashoko iwayo? Aida kukurudzira vaKristu vokuKorinde kuti vatsigire basa rokuyamura vavainamata navo vokuJudhiya vaida kubatsirwa. Akaedza kumanikidza vaKorinde kuti vape here? Kwete, asi akanyora kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” Ngatimbonyatsoongorora zano iroro.

“Sezvaakasarudza kuita mumwoyo make.” Pauro anoti muKristu wechokwadi anopa nokuti anenge asarudza kuita kudaro “mumwoyo make.” MuKristu anonyatsofungawo zvinodiwa nevaanonamata navo. Imwe nyanzvi inoti shoko rakashandurwa kuti “zvaakasarudza” mumutauro wakashandiswa pakunyora Bhaibheri pakutanga “rine pfungwa yokufanoronga kana kuti kufanofunga.” Saka muKristu anofungisisa zvinodiwa nevaanonamata navo uye anozvibvunza kuti angavabatsira sei.—1 Johani 3:17.

“Asinganyunyuti kana achigombedzerwa.” Pauro anotaura zvinhu zviviri zvinofanira kudziviswa nevaKristu vechokwadi pavanenge vachipa zvinoti, kupa usingadi uye uchigombedzerwa. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kunyunyuta” rinoreva kupa “usingafari.” Rimwe duramazwi reBhaibheri rinoti munhu anopa asingadi anopa “mwoyo wake uchirwadza kuti ava kurasikirwa nemari yake.” Munhu anopa achiita zvekugombedzerwa anopa nekuti anenge amanikidzwa. Ndiani wedu anoda kupiwa chipo nemunhu anenge asingadi kana kuti anenge amanikidzwa?

“Mwari anoda munhu anopa achifara.” Pauro anoti kana muKristu asarudza kupa, anofanira kupa achifara. Zvechokwadi, kupa nechinangwa chakanaka kunoita kuti tifare. (Mabasa 20:35) Mufaro wemunhu anopa achifara unonyatsoonekwa nevamwe. Shoko rokuti “kufara” rinogona kureva manzwiro anoita munhu nechomukati uye kufara kwaanoratidza nechokunze paanopa. Tinobayiwa mwoyo mumwe munhu paanotipa achifara. Anofadzawo mwoyo waMwari. Imwe shanduro inoti: “Mwari anoda vanhu vanoda kupa.”—Contemporary English Version.

“Mwari anoda vanhu vanoda kupa”

Mashoko akafuridzirwa emuapostora Pauro anodzidzisa vaKristu kuti vangapa sei. Tingava tichipa nguva yedu, simba, kana zvinhu zvedu, ngatipe tichida nekuti tinowana mufaro wechokwadi nokupa vamwe, kunyanya vaya vanoda kubatsirwa. Kupa kwakadaro kuchaita kuti tifare uye kuchaita kuti tifarirwe naMwari, nekuti “anoda munhu anopa achifara.”

Ndima dzeBhaibheri Dzamunogona Kuverenga Muna September

1 na2 VaKorinde

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe