RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 1/1 p. 11
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Ruka—Mushandi Anodiwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 1/1 p. 11

WAIZVIZIVA HERE?

Mipiro yepatemberi yaiunganidzwa sei munguva yaJesu?

Mudzimai wechiIsraeri ari kukanda mupiro mumudziyo wokuisira mari patemberi

Midziyo yokuisa mari patemberi yaiva muChivanze Chevakadzi. Bhuku rinonzi The Temple—Its Ministry and Services rinoti: “Paiva nevharanda diki rainge rakatenderedza [temberi], iro raiva nemidziyo 13 yokuisira mari yainziwo ‘mabhosvo,’ yaiva pamadziro.”

Midziyo yacho yainzi mabhosvo nokuti yaiva yakatetepa kumusoro uye yakafara nechepasi. Mudziyo mumwe nomumwe waiva wakanyorwa zvaizofanira kushandiswa mupiro wacho uye mupiro wacho waibva wachengeterwa basa iroro chete. Jesu aiva muChivanze Chevakadzi paakaona vanhu vakawanda, kusanganisira chirikadzi yaishayiwa, vachikanda mari yezvipo.—Ruka 21:1, 2.

Midziyo miviri yokutanga yaiiswa mari yemutero wetemberi. Mumwe mudziyo waiiswa mutero wegore iroro uye mumwe wacho waiiswa wegore rakapfuura. Mumudziyo wechi3 kusvika kune wechi7 ndimo maiiswa mari yaichajwa yemagukutiwa, hangaiwa, matanda, rusenzi uye zvinhu zvendarama. Kana munhu akanga achengeta mari yakawanda kupfuura yemupiro waichajwa wezvaaida kuzopa, aizokanda yainge yasara yacho mune mumwe wemidziyo yaivapo. Mudziyo wechi8 waiva wemari inenge yasara pazvinopiwa zvezvivi. Mumudziyo wechi9 kusvika kune wechi12 maiiswa mipiro inenge yasara pazvinopiwa zvemhosva, pakubayira shiri, pazvinopiwa zvevaNaziri, uye pazvinopiwa zvevainge vacheneswa pamaperembudzi. Mudziyo wechi13 waiiswa zvipo zvaipiwa nevanhu vachizvidira.

Munyori weBhaibheri anonzi Ruka akanyora nhoroondo dzakarurama here?

Munyori weBhaibheri Ruka

Ruka akanyora Evhangeri inoshevedzwa nezita rake uye bhuku raMabasa Evaapostora. Ruka anotaura kuti “akatsvaka zvinhu zvose nenzira yakarurama kubvira pakutanga,” asi dzimwe nyanzvi hadzina chokwadi nezvaakanyora. (Ruka 1:3) Saka nhoroondo dzake dzakarurama zvakadini?

Nhoroondo dzakanyorwa naRuka dzinoratidza kuti ndedzechokwadi. Somuenzaniso, akashandisa mazita okuremekedza evakuru vakuru veRoma aisanyanyozivikanwa, aishandiswa kune vamwe vakuru vakuru vehurumende vaiva muFiripi; vatongi vekuTesaronika; uye varume vaitungamirira muEfeso. (Mabasa 16:​20, Kingdom Interlinear; 17:6; 19:31) Ruka akataura nezvaHerodhi Andipasi achimuti aiva mutongi weruwa, uye Segiyo Paurosi akamuti mutongi weruwa rweKupro.—Mabasa 13:​1, 7.

Kushandisa kwakaita Ruka mazita aya kunokosha nekuti paichinjwa nharaunda yeRoma, madanirwo aiitwa mutungamiriri wacho aichinjawo. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inonzi Bruce Metzger yakati, “mazita ari muna Mabasa anonyatsoratidza kuti akarurama zvichienderana nenzvimbo nenguva zvinenge zvichitaurwa.” Nyanzvi inonzi Wil­liam Ramsay yakataura nezvaRuka ichiti aiva “munyori wenhoroondo wemandorokwati.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe